Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutambura Kwava Pedyo Nokupera!

Kutambura Kwava Pedyo Nokupera!

Fungidzira uri munyika isingatamburwi, isingaparwi mhosva, isina hondo, kurwara uye njodzi dzinongoitika dzega. Fungidzira uchimuka mangwanani oga oga usingambonetseki nenyaya dzeupfumi, kusarurwa uye kudzvinyirirwa. Zvinhu izvi zvinganzi kungorotawo zvako here? Ichokwadi kuti hapana munhu kana sangano revanhu rinogona kuita kuti zvinhu izvi zvivepo. Asi Mwari akavimbisa kuti achabvisa zvose zvinokonzera kutambura, kusanganisira zviya zvataurwa munyaya yapfuura. Ona zvinovimbiswa neShoko raMwari Bhaibheri:

HURUMENDE INOTONGA ZVAKANAKA

“Mwari wokudenga achamutsa umambo husingazomboparadzwi. Umambo hwacho hahuzopfuudzwi kune vamwe vanhu. Huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu, uye ihwo huchamira nokusingagumi.”—Dhanieri 2:44.

Umambo hwaMwari ihurumende yokudenga. Mambo wacho akasarudzwa Jesu Kristu, achatonga panzvimbo peutongi hwese hwevanhu uye achava nechokwadi chokuti kuda kwaMwari kwaitwa kudenga nepanyika pano. (Mateu 6:9, 10) Hapana hurumende yevanhu ichabvisa hurumende iyi nokuti ndihwo “umambo husingaperi hwaShe wedu uye Muponesi Jesu Kristu.” Pachava nerugare rusingaperi.—2 Petro 1:11.

PACHANGE PASISINA CHITENDERO CHENHEMA

“Satani anoramba achizvichinja kuva ngirozi yechiedza. Saka hachisi chinhu chikuru kana vashumiri vake vachiramba vachizvichinjawo kuva vashumiri vokururama. Asi kuguma kwavo kuchava maererano nemabasa avo.”—2 VaKorinde 11:14, 15.

Chitendero chenhema chichafumurwa kuti ibasa raDhiyabhorosi uye chichaparadzwa zvachose panyika. Kusarura nokuteura ropa kunoitwa nezvitendero kuchange kwapera. Izvi zvichaita kuti vose vanoda “Mwari mupenyu uye wechokwadi” vamunamate vaine “kutenda kumwe chete” uye “nomudzimu nechokwadi.” Chokwadi vachange vakabatana uye vachiwirirana zvikuru!—1 VaTesaronika 1:9; VaEfeso 4:5; Johani 4:23.

VANHU VACHANGE VASISINA CHIVI

“Mwari pachake achava navo. Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Jehovha Mwari achaita izvi achishandisa Mwanakomana wake Jesu, uyo akapa upenyu hwake kuti aponese vanhu. (Johani 3:16) Kana Jesu ava kutonga, achabvisa chivi pavanhu. Vanhu vachange  vasisatamburi nokuti “Mwari pachake achava navo” uye achabvisa “misodzi yose pamaziso avo.” Nokukurumidza, chivi nokutambura zvichabviswa uye “vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”—Pisarema 37:29.

PACHANGE PASISINA MADHIMONI

“[Ngirozi yacho inova Jesu Kristu] yakabata dhiragoni, nyoka yepakutanga, iye Dhiyabhorosi uye Satani, ikamusunga kwemakore ane chiuru. Yakamukanda mugomba rakadzikadzika, ikarivhara, ikariisa chisimbiso iye ari mukati, kuti arege kutsausa marudzi.”—Zvakazarurwa 20:2, 3.

Zvose zviri kuitwa naSatani zvichange zvisisipo kana iye nemadhimoni ake vasungwa uye vakandwa “mugomba rakadzikadzika,” kureva kuti vanenge vasisakwanisi kutsausa vanhu. Vanenge vasisakwanisi kukanganisa vanhu. Zvichange zvichizorodza zvikuru kana vanhu vava kurarama vasisakanganiswi naSatani nemadhimoni ake!

“MAZUVA OKUPEDZISIRA” ACHANGE APFUURA

“Mazuva okupedzisira” achapera pachatanga “kutambudzika kukuru.” Nezvenguva iyi Jesu akati: “Pachava nokutambudzika kukuru kusina kumboitika kubvira pakutanga kwenyika kusvikira zvino, aiwa, uyewo hakuzoitikizve.”—Mateu 24:21.

Matambudziko acho achange akakura zvisati zvamboitika. Matambudziko aya achaguma pachatanga “hondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose,” inonziwo ‘Amagedhoni.’—Zvakazarurwa 16:14, 16.

Vanhu vanoda kuita zvakanaka vari munyika yose vari kutarisira kuguma kwenyika ino yakaipa. Chimboona mamwe makomborero avachawana panenge pachitonga Umambo hwaMwari.

MWARI ACHAITA ZVAKATOWANDA!

“Boka guru revanhu” richachengetedzwa kusvika rapinda munyika itsva ine rugare: Shoko raMwari rinoti “boka guru revanhu” vasingagoni kuverengwa ‘vachabuda mukutambudzika kukuru’ vochengetedzwa vari vapenyu kusvika vapinda munyika itsva yakarurama. (Zvakazarurwa 7:9, 10, 14; 2 Petro 3:13) Vachabvuma kuti vakaponeswa kuburikidza naJesu Kristu, “Gwayana raMwari rinobvisa chivi chenyika.”—Johani 1:29.

Vanhu vachabatsirwa zvikuru nedzidzo inobva kuna Mwari: Munyika itsva, “nyika ichazara nokuziva Jehovha.” (Isaya 11:9) Dzidzo iyi inobva kuna Mwari ichasanganisira mirayiridzo yokuti tingagarisana sei nevamwe uye yokuti tisaparadze zvinhu zviri panyika. Mwari anovimbisa kuti: “Ini, Jehovha, ndini Mwari wako, Iye anokudzidzisa kuti ubatsirwe, Iye anokufambisa panzira yaunofanira kufamba nayo.”—Isaya 48:17.

Vadiwa vedu vakafa vachamutswa mumakuva: Paaiva pasi pano, Jesu akamutsa shamwari yake Razaro kubva kuvakafa. (Johani 11:1, 5, 38-44) Apa akaratidza zvaachaitira vanhu vakawanda zvikuru kana Umambo hwaMwari hwava kutonga.—Johani 5:28, 29.

Rugare nokururama zvichavapo nokusingaperi: Kana Kristu ava kutonga pachange pasisina vanhu vasingateereri mutemo. Tinozviziva sei? Nokuti Jesu uyo anoongorora mwoyo achatonga achisiyanisa vakanaka nevakaipa. Vaya vanoramba kusiya zvakaipa zvavo havazobvumirwi kurarama munyika itsva yaMwari.—Pisarema 37:9, 10; Isaya 11:3, 4; 65:20; Mateu 9:4.

Tangoona zvinhu zvishoma pauprofita hweBhaibheri hwakawanda hunotaura nezveramangwana rakanaka zvikuru. Kana Umambo hwaMwari hwava kutonga, panyika pachava “norugare rukuru” nokusingaperi. (Pisarema 37:11, 29) Zvose zviri kuita kuti vanhu vatambure uye varwadziwe zvichabviswa. Tine chokwadi kuti izvi zvichaitika nokuti shoko raMwari rinoti: “Tarirai! Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva. . . . Mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.”—Zvakazarurwa 21:5.