Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwari Anoda Kuti Tive Nemutsa

Mwari Anoda Kuti Tive Nemutsa

MUMWE mukomana wokuJapan akabayiwa mwoyo chaizvo nemutsa waakaitirwa nevamwe sekuru. Sekuru ava mumishinari, vaingova nemakore mashoma vari munyika iyi yokuAsia uye vakanga vasati vava kugona mutauro wechiJapanese. Asi vaishanyira mukomana wacho vhiki yoga-yoga kuti vanodzidza naye Bhaibheri. Sezvo mukomana wacho aibvunza mibvunzo yakawanda, vaimuitira mwoyo murefu vachimupindura noushamwari uye nomutsa.

Mutsa wasekuru ava wakabaya mwoyo womukomana wechiduku uyu zvaasingambofi akakanganwa. Akazviudza kuti: ‘Kana Bhaibheri richiita kuti munhu ave nerudo uye mutsa kudai, ndinotofanira kuridzidza.’ Izvi zvakaita kuti ade kudzidza zvinhu zvaasina kumbobvira anzwa. Zvechokwadi mutsa unowanzobaya mwoyo wemunhu uye une simba kupfuura kungotaura.

Takasikwa Tichikwanisa Kutevedzera Mutsa waMwari

Zviri muropa kuitira hama dzedu dzeropa mutsa, nokuti shoko racho rokuti mutsa rinoreva kuda munhu nokuti ihama yako yeropa. * Zvisinei Mwari ndiye ane mutsa unopfuura wevanhu vose. Jesu akati Baba vake vokudenga havangoitiri mutsa vaya vanovada chete asiwo vaya “vasingaongi.” Akakurudzira vateveri vake kuti vatevedzere Mwari panyaya iyi, achiti: “Ivai vakakwana, nokuti Baba venyu vokudenga vakakwana.”—Ruka 6:35; Mateu 5:48; Eksodho 34:6.

Vanhu vanokwanisa kuratidza mutsa nokuti vakasikwa nomufananidzo waMwari. (Genesisi 1:27) Zvechokwadi tinogona kutevedzera Mwari, todzidza kuitirawo mutsa vaya vatisina ukama navo. Bhaibheri rinoti mutsa unhu hunoumba chibereko chomudzimu waMwari kana kuti simba rake rinoita basa. (VaGaratiya 5:22) Saka munhu paanodzidza zvakawanda nezvaMwari akatisika ova pedyo naye, anogona kuva nounhu uhwu ohukudziridza.

Sezvo mutsa husingori unhu huri muropa chete asiwo huri unhu hunokosheswa chaizvo naMwari, zvakakodzera kuti atiudze kuti “itiranai mutsa.” (VaEfeso 4:32) Tinoyeuchidzwawo kuti: “Musakanganwa kugamuchira vaeni zvakanaka,” kana kuti kuitira vanhu vatisingazivi mutsa.—VaHebheru 13:2.

Munyika ino izere nevanhu vasina mutsa uye vasingaongi, zvingaita here kuti tiitire vamwe mutsa, kunyange vanhu vatisingazivi? Chii chingatibatsira kuti tidaro? Nei tichifanira kuva nehanya nenyaya iyi?

Mutsa Unokosheswa naMwari

Pashure pokunge Pauro ataura nezvekuratidza mutsa kuvanhu vatisingazivi, akatowedzerawo kuti: “Nokuita izvozvo, vamwe vakagamuchira ngirozi vasingazvizivi.” Imbofungidzira kuti unganzwa sei kana ukapiwa mukana wokugamuchira ngirozi! Ona kuti Pauro akati vakazviita “vasingazvizivi.” Apa aireva kuti kana tikagara tichiitira vamwe mutsa kunyange vatisingazivi kana kuti vatinongoziva zvishoma, tinogona kukomborerwa nenzira dzatisingafungiri.

MaBhaibheri akawanda ane tumashoko tunonongedzera kune dzimwe ndima anoratidza kuti Pauro aitaura nezvenhoroondo yaAbrahamu naRoti iri muna Genesisi chitsauko 18 ne19. Munyaya mbiri idzodzo, ngirozi dzakasvika sevaenzi ndokuvaudza mashoko anokosha. Kuna Abrahamu mashoko acho aiva ekuzadzisa  kwaizoita Mwari vimbiso yake yokuti Abrahamu aizova nemwanakomana, uye kuna Roti aiva okununurwa pakuparadzwa kweSodhoma neGomora kwakanga kwava kuda kuitika.—Genesisi 18:1-10; 19:1-3, 15-17.

Kana ukaverenga magwaro ari pamusoro apa, uchaona kuti Abrahamu naRoti vakaratidza mutsa kuvanhu vaipfuurawo zvavo vavakanga vasingatombozivi. Ndizvo hazvo kuti mutsika dzomunguva dzinotaurwa muBhaibheri vanhu vaitarisirwa kuva nemutsa kuvanhu vanenge vachipfuurawo zvavo, vangadaro vaiva shamwari, hama kana kuti vanhu vausingazive. Mutemo waMosesi waitoti vaIsraeri vaifanira kubata zvakanaka vanhu vavaigara navo vakanga vasiri vaIsraeri. (Dheuteronomio 10:17-19) Kunyange zvazvo iyi yaiva tsika yaiitwa munguva iyoyo, Abrahamu naRoti vakaita zvakawanda kupfuura zvakazenge zvava kutarisirwa nomutemo. Vakashanda zvakaoma kuti varatidze mutsa kuvanhu vavakanga vasingazivi uye izvi zvakazoita kuti vakomborerwe.

Mutsa wakaratidzwa naAbrahamu hauna kungobatsira iye chete pakuti akazova nemwanakomana, asi wakatibatsirawo isu. Sei? Abrahamu nemwanakomana wake Isaka vakaita basa rinokosha pakuzadziswa kwechinangwa chaMwari. Vakava vanhu vanokosha mudzinza raizoberekwa Jesu uyo aizova Mesiya. Kutendeka kwavo kwakaratidza zvaizoitwa naMwari kuti atiponese achitiratidza mutsa usina kukodzera kuwanwa uye rudo.—Genesisi 22:1-18; Mateu 1:1, 2; Johani 3:16.

Nhoroondo idzi dzinonyatsotiratidza zvinotarisirwa naMwari kune vaya vaanoda uye kukoshesa kwaanoita mutsa. Kuna Mwari haisi nyaya yokuti toita here kana kuti kwete, asi tinotofanira kuva nemutsa.

Kuva Nomutsa Kunoita Kuti Tinyatsoziva Mwari

Bhaibheri rinoti munguva ino yatiri kurarama maizova nevanhu vakawanda “vasingaongi, vasina kuvimbika, vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo.” (2 Timoti 3:1-3) Hapana mubvunzo kuti unorarama nevanhu vakadaro zuva nezuva. Zvisinei, ichocho hachisi chikonzero chokuti tibve tarega zvachose kuratidza vamwe mutsa. VaKristu vanoyeuchidzwa kuti: “Musadzorera chakaipa nechakaipa kuna ani naani zvake. Ipai zvinhu zvakanaka kwazvo maererano nemaonero evanhu vose.”—VaRoma 12:17.

Tinogona kushanda nesimba, toratidza vamwe mutsa. Bhaibheri rinoti: “Munhu wose anoda . . . anowana zivo pamusoro paMwari.” Imwe nzira yatinoratidza nayo rudo urwu ndeyokuitira vamwe mutsa. (1 Johani 4:7; 1 VaKorinde 13:4) Zvechokwadi kana tikaitira vamwe mutsa tinopedzisira tava kuziva Mwari zviri nani uye izvozvo zvinoita kuti tifare. MuMharidzo yake yepaGomo, Jesu akati: “Vanofara vane mutsa—nokuti vachawana mutsa. Vanofara vakachena mumwoyo—nokuti vachaona Mwari.”—Mateu 5:7, 8, Young’s Literal Translation.

Kana usinganyatsozivi kuti wotaurei kana kuti woitei, taura kana kuti ita zvinoratidza mutsa

 Funga zvakaitika kuna Aki, mumwe mudzimai wechiduku wokuJapan ane vanakomana vaviri. Akashungurudzika chaizvo amai vake pavakafa asingazvifungiri. Dzimwe nguva aiora mwoyo zvokuti aitofanira kuenda kwachiremba. Panguva iyi panewo imwe mhuri yakatamira kwavanogara. Baba vemhuri yacho vakanga vafa netsaona, amai vacho vakasara nevana vashanu vaduku. Aki akavanzwira tsitsi zvikuru uye akaita zvose zvaaigona kuti ashamwaridzane nemhuri yacho. Akaita nepaaigona napo, achivapa zvokudya, nembatya dzavakanga vasisakwani nezvimwewo, uye izvi zvakaita kuti akwanise kugadzikanazve mupfungwa. Akazvionera ega kuti Bhaibheri rinotaura chokwadi parinoti: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.” (Mabasa 20:35) Zvechokwadi, kuitira vamwe mutsa ndicho chinhu chakanakisisa chaungaita kana paine zviri kukunetsa.

‘Kukweretesa Jehovha’

Kuitira vamwe mutsa kwakafanana noku“kweretesa Jehovha”

Hazvidi hazvo kuti uve nezvakawanda kuti uzokwanisa kuva nemutsa. Haisi nyaya yokuti unokwanisa kuitei kana kuti wakagwinya zvakadini. Vanhu vanowanzofara patinovanyemwerera, kuvaudza mashoko okuvanzwira tsitsi, kuvabatsira basa, kuvapa chipo chiduku kana kuita kuti vatange ivo kubatsirwa patinenge takamira mumutsetse. Kana usinganyatsozivi kuti wotaurei kana kuti woitei mune mamwe mamiriro ezvinhu, taura kana kuti ita zvinoratidza mutsa. Mukomana ataurwa kwatangira nyaya ino akabayiwa mwoyo nemutsa wasekuru vaya mumishinari, kunyange zvazvo vakanga vasinganyatsogoni mutauro wake. Saka hazvishamisi kuti Mwari anotarisira kuti vaya vanomunamata vanofanira ‘kuda mutsa!’—Mika 6:8.

Chimwe chirevo chokunyika dzokuMabvazuva chinoti: “Shoko rimwe chete romutsa rinogona kuita kuti mwedzi mitatu yemuchando idziye.” Sezviri kuratidzwa nechirevo ichi chakapfuma, kuratidza mutsa munzira duku-duku kunogona kubatsira zvakanyanya. Kana mutsa ukaratidzwa nevavariro yakanaka, kunyanya yokuda Jehovha, unogona kubaya mwoyo yevanouitirwa. Kunyange kana vanhu vakasaonga mutsa wako, hazvirevi hazvo kuti watambisa nguva. Mwari anoukoshesa. Bhaibheri rinotiudza kuti kana tikaratidza mutsa tinenge tichito“kweretesa Jehovha.” (Zvirevo 19:17) Wadii kutsvaka mikana yokuratidza mutsa kune vaya vaunenge unavo?

^ ndima 5 Duramanzwi rinonzi The Oxford English Dictionary rinoratidza kuti pakutanga shoko rokuti “mutsa” raireva kuti “hama yeropa; hama yepedyo; uye rudo runovapo nemhaka youkama uhwu.”