Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YOUPENYU

Kuva Matsi Hakuna Kunditadzisa Kudzidzisa Vamwe

Kuva Matsi Hakuna Kunditadzisa Kudzidzisa Vamwe

Ndakabhabhatidzwa muna 1941 ndiine makore 12. Asi ndakazonyatsonzwisisa chokwadi cheBhaibheri muna 1946. Izvozvo zvakaitika sei? Regai ndikuudzei nyaya yangu.

MUNENGE muna 1910, vabereki vangu vakatamira kuCanada vachibva kuTbilisi, Georgia, ndokugara muimba diki yaiva pane rimwe purazi pedyo nePelly, Saskatchewan, kumadokero kweCanada. Ndakaberekwa muna 1928 uye ndini wekupedzisira pavana 6. Baba vakafa pachine mwedzi 6 kuti ndiberekwe, uye Amai vakafa ndichiri mucheche. Pasina nguva, sisi vangu vakuru, Lucy, vakafa vaine makore 17. Ini nevamwe vana vemumba medu takabva tatorwa nehanzvadzi yaamai vangu, Sekuru Nick, kuti vatichengete.

Rimwe zuva ndichiri mudiki chaizvo, hama dzangu dzakandiona ndichidhonza muswe werimwe bhiza gono repapurazi pataigara. Vachityira kuti bhiza racho ringandikava, vakashevedzera kuti ndirege zvandaiita asi handina kana kumbotirimuka. Ndainge ndakavafuratira uye handina kunzwa kushevedzera kwavaiita. Handina hangu kukuvadzwa asi musi iwoyo ndiwo wavakaziva kuti ndaiva matsi.

Mumwe sahwira wedu akataura kuti ndaigona kudzidza pamwe chete nevamwe vana vaiva matsi, saka Sekuru Nick vakandinyoresa pachikoro chematsi chaiva muSaskatoon, Saskatchewan. Chikoro chacho chaiva kure nehama dzangu, uye sezvo ndaiva nemakore mashanu chete, ndaitya chaizvo. Ndaingokwanisa kuenda kumba pamazororo enyika neechikoro. Nekufamba kwenguva, ndakadzidza mutauro wemasaini uye ndakanga ndava kunakidzwa nekutamba nevamwe vana.

KUDZIDZA CHOKWADI CHEBHAIBHERI

Muna 1939, sisi vangu, Marion, vakachata naBill Danylchuck, uye vakatanga kuchengeta ini pamwe chete nevamwe sisi vangu, Frances. Mumhuri medu, Marion naBill ndivo vakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Panguva yezororo rechikoro, vaiita zvese zvavaigona kuti vandiudze zvavaidzidza kubva muBhaibheri. Kutaura chokwadi, zvaisava nyore kukurukura navo sezvo vaisagona mutauro wemasaini. Asi vaiona kuti ndainyatsoda zvinhu zvine chekuita nekunamata. Ndainzwisisa kuti zvavaiita zvakanga zvakabatana nezvinotaurwa neBhaibheri, saka ndaienda navo pavainoparidza. Pasina nguva, ndakanga ndava kuda kubhabhatidzwa uye musi wa5 September 1941, Bill akandibhabhatidzira mudhiramu resimbi raiva nemvura yainge yatorwa mutsime. Mvura yacho yaitonhora zvisingaiti.

Ndiine boka rematsi pagungano muCleveland, Ohio, muna 1946

Muna 1946 pandakadzokera kumba pazororo rechikoro, takapinda gungano muCleveland, Ohio, U.S.A. Pazuva rekutanga regungano, hanzvadzi dzangu dzaiita majana ekunyora manotsi kuti dzindibatsire kufambirana nepurogiramu yacho. Asi pazuva rechipiri ndakafara chaizvo pandakaziva kuti paiva neboka remutauro wemasaini raiva nemuturikiri. Pakupedzisira, ndakanga ndava kunakidzwa nepurogiramu yacho, uye zvaifadza chaizvo kunyatsonzwisisa chokwadi cheBhaibheri.

KUDZIDZISA CHOKWADI

Panguva iyoyo, Hondo Yenyika II yainge ichangopera uye vanhu vaida chaizvo kuratidza kuti vakavimbika kunyika yavo. Pandakabva kugungano ndainge ndatsunga kuti pandaizodzokera kuchikoro ndaizoramba ndakatendeka kuna Jehovha. Saka ndakanga ndisingachasaruti mureza uye kuimba rwiyo rwenyika. Ndakaregawo kupemberera mazororo enyika uye kuenda kuchechi nevamwe vana. Vadzidzisi vepachikoro pedu havana kufara nazvo saka vakaedza kundityisidzira uye kundiudza zvenhema kuti ndichinje pfungwa dzangu. Vandaidzidza navo vakaona zvese zvaiitika uye izvozvo zvakandipa mikana yekuvaparidzira. Vamwe vandaidzidza navo vakadai saLarry Androsoff, Norman Dittrick naEmil Schneider vakazogamuchira chokwadi uye vachiri kushumira Jehovha vakatendeka.

Pandaishanyira mamwe maguta, ndaiva nechokwadi chekuti ndaparidzira matsi. Semuenzaniso, pandakaenda pane imwe nzvimbo inoungana matsi muMontreal, ndakaparidzira mumwe murume wechidiki ainzi Eddie Tager, aiva mutungamiriri wechikwata chematsi. Aiva muungano yemutauro wemasaini muLaval, Quebec kusvika paakafa gore rakapera. Ndakaonawo mukomana ainzi Juan Ardanez uyo akatsvakurudza kuti anyatsova nechokwadi nezviri muBhaibheri sezvakaitwa nevaBheriya. (Mab. 17:10, 11) Akagamuchirawo chokwadi uye akashumira akatendeka semukuru muOttawa, Ontario, kusvika paakafa.

Ndichiparidza mumugwagwa kuma1950

Muna 1950, ndakatamira kuVancouver. Kunyange zvazvo ndichida chaizvo kuparidzira matsi, handifi ndakakanganwa zvakaitika pandakaparidzira Chris Spicer, mumwe mukadzi asiri matsi wandakasangana naye mumugwagwa. Akabvuma kunyoresa kuti apote achitumirwa magazini uye aida kuti ndionane nemurume wake, Gary. Saka ndakavashanyira uye takakurukura kwenguva refu tichiita zvekunyorerana pamapepa. Hatina kuzombotaura tese kusvikira pavakazondiona papera makore pagungano rakaitirwa muToronto, Ontario. Gary aibhabhatidzwa musi iwoyo. Chiitiko ichocho chakandiyeuchidza kuti zvinokosha kuti tirambe tichiparidza nekuti hatimbofi takaziva kuti chokwadi chichagamuchirwa naani.

Pava paya, ndakadzokera kuSaskatoon. Ikoko vamwe amai vakandikumbira kuti ndidzidze Bhaibheri nevanasikana vavo matsi vaiva mapatya. Vasikana vacho vaiva Jean naJoan Rothenberger, uye vaiva pachikoro chematsi pandakadzidza. Pasina nguva, vasikana vacho vakatanga kuudza vemukirasi mavo zvavakanga vachidzidza. Pakupedzisira, vanhu 5 vemukirasi mavo vakava Zvapupu zvaJehovha. Mumwe wavo ainzi Eunice Colin. Ndakatanga kuonana naEunice pandaiva mugore rangu rekupedzisira pachikoro chematsi. Panguva iyoyo akandipa suwiti ndokundiudza kuti aida kuti tive shamwari. Akazova munhu anokosha chaizvo muupenyu hwangu. Ndiye wandakazochata naye.

Ndiina Eunice muna 1960 uye muna 1989

Amai vaEunice pavakaziva kuti akanga achidzidza Bhaibheri vakaita kuti mukuru wechikoro aedze kumuita kuti achinje mafungiro. Akatomutorera mabhuku ake aaishandisa pakudzidza Bhaibheri. Zvisinei, Eunice ainge akatsunga kuramba akatendeka kuna Jehovha. Paakanga ava kuda kubhabhatidzwa, vabereki vake vakamuudza kuti, “Kana ukangoita Chapupu chaJehovha chete, ibva warongedza twako!” Eunice akabva pamba aine makore 17, uye imwe mhuri yeZvapupu yaiva munharaunda mavaigara yakatanga kugara naye. Akaenderera mberi nekudzidza Bhaibheri ndokuzobhabhatidzwa. Patakachata muna 1960, vabereki vake havana kuuya kumuchato wedu. Zvisinei, makore zvaaifamba, vakasvika pakutiremekedza nemhaka yezvatinotenda uye marerero ataiita vana vedu.

JEHOVHA ANDICHENGETA

Mwanakomana wangu Nicholas nemudzimai wake, Deborah, vanoshumira paBheteri remuLondon

Takarera vanakomana 7 vasiri matsi kunyange zvazvo tiri matsi. Izvi zvakanga zvakaoma, asi takava nechokwadi chekuti vana vedu vadzidza mutauro wemasaini kuitira kuti tikwanise kutaura navo uye kuvadzidzisa chokwadi. Hama nehanzvadzi dzemuungano dzaitibatsira zvikuru. Semuenzaniso, mumwe mubereki akatinyorera katsamba achitiudza kuti mumwe mwana wedu aitaura mashoko akashata muImba yeUmambo. Takakwanisa kugadzirisa nyaya yacho pakarepo. Vanakomana vangu vana vanoti James, Jerry, Nicholas naSteven, vari kushumira Jehovha nemhuri dzavo vakatendeka. Vese vari vana vanoshumira sevakuru. Uyewo, Nicholas nemudzimai wake Deborah, vanobatsira dhipatimendi remutauro wemasaini pabazi reBritain uye Steven nemudzimai wake Shannan, vari mudhipatimendi remutauro wemasaini pabazi reUnited States.

Vanakomana vangu James, Jerry naSteven nemadzimai avo vanotsigira basa rekuparidza mumutauro wemasaini nenzira dzakasiyana-siyana

Eunice akafa nekenza pasara mwedzi mumwe chete kuti tisvitse makore 40 tachata. Airatidza ushingi zvikuru panguva yaairwara. Kutenda kwaaiita kuti kune rumuko kwaiita kuti arambe akasimba. Ndinoshuwa chaizvo kuzomuona zvakare.

Faye naJames, Jerry naEvelyn, Shannan naSteven

Muna February 2012, ndakadonha ndikatyoka muhudyu, uye zvakava pachena kuti ndaizoda kubatsirwa. Saka ndakatanga kugara nemumwe mwanakomana wangu nemudzimai wake. Iye zvino tava muungano yeCalgary Sign-Language, mandiri kuenderera mberi nekushumira semukuru. Kutaura zvazviri, aka ndekekutanga kuti ndive muungano yemutauro wemasaini. Saka ndaiita sei kuti ndirambe ndiine ushamwari hwakasimba naJehovha mumakore ese andaiva muungano yeChirungu? Jehovha akazadzisa vimbiso yake yekuti aizochengeta nherera. (Pis. 10:14) Ndinoonga zvikuru zvese zvakaitwa nevanhu vaiva nechido chekundinyorera manotsi, chekudzidza mutauro wemasaini uye chekuita zvese zvavaigona kuti vaturikire zvaitaurwa.

Ndichipinda chikoro chemapiyona muMutauro Wemasaini wekuAmerica ndiine makore 79

Kutaura chokwadi, dzimwe nguva ndaiora mwoyo zvekuti ndaifunga kusiya kunamata nekuti ndaisanzwisisa zvaitaurwa pamisangano uye zvaiita sekuti hapana ainzwisisa kuti matsi dzinoda kubatsirwa sei. Zvisinei, panguva dzakadaro ndaifunga zvakataurwa naPetro kuna Jesu kuti: “Ishe, tichaenda kuna ani? Ndimi mune mashoko oupenyu husingaperi.” (Joh. 6:66-68) Sezvakaitwa nedzimwe hama nehanzvadzi dzezera rangu dziri matsi, ndakadzidza kuva nemwoyo murefu. Ndakadzidza kumirira Jehovha nesangano rake uye izvozvo zvakandibatsira chaizvo. Iye zvino ndine zvekudya zvekunamata zvakawanda mumutauro wangu, uye ndinonakidzwa nemisangano nemagungano zvinoitwa neMutauro Wemasaini wekuAmerica. Zvechokwadi ndararama upenyu hunofadza uye hune mubayiro mubasa raJehovha, Mwari wedu mukuru.