Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ninivhi raiva guta rine zvivakwa neshongwe zvinoyevedza

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Chii chakaitika kuNinivhi pashure pemazuva aJona?

MUNENGE muna 670 B.C.E., Asiriya yakanga yava umambo hune simba kupfuura humwe hwese panyika. “Hwaitangira kuCyprus nechekumadokero kusvika kuIran nechekumabvazuva, uye kwemakore hwaisanganisira Egypt,” sezvinotaurwa newebsite yeBritish Museum. Guta rayo guru reNinivhi ndiro raiva guta rakakura kupfuura mamwe ese panyika. Raiva nenzvimbo dzakawanda dzinoyevedza, dzimba dzakakura uye maraibhurari akakura. Mamwe mashoko ainge akanyorwa kumadziro kare muNinivhi airatidza kuti Mambo Ashurbanipal aizviti “mambo wenyika yese,” sezvaiitwa nemamwe madzimambo eAsiriya. Panguva iyoyo zvaiita sekuti hapana aigona kukunda Asiriya neNinivhi.

Asiriya ndiyo yaitonga nharaunda yakakura kudarika dzimwe nyika dzese panguva iyoyo

Asi Asiriya payakanga yava nesimba chaizvo, muprofita waJehovha Zefaniya akati: ‘Jehovha achaparadza Asiriya, achaita kuti Ninivhi ive dongo, nzvimbo yakaoma segwenga.’ Uyewo muprofita waJehovha Nahumi akati: “Pambai sirivha, pambai goridhe! . . . Guta racho harisisina chinhu, zvinhu zvese zvatorwa, raparadzwa! . . . Wese anokuona achakutiza oti, ‘Ninivhi yaparadzwa!’” (Zef. 2:13; Nah. 2:9, 10; 3:7) Vanhu vainzwa uprofita ihwohwo vaigona kunge vakazvibvunza kuti: ‘Zvinhu zvakadaro zvingaitika here? Asiriya yakasimba kudaro ingakundwa?’ Zvaiita sezvisingaitiki.

Ninivhi rakazova dongo!

Kunyange zvakadaro, zvinhu zvaifungidzirwa kuti hazviitiki ndizvo zvakazoitika! Gore ra600 B.C.E. rava kuda kusvika, Asiriya yakakundwa nevaBhabhironi nevaMedhiya. Vanhu vakazorega kugara muNinivhi uye vakapedzisira vakanganwa nezveguta racho zvachose! Maererano nerimwe bhuku rakanyorwa neThe Metropolitan Museum of Art, “guta racho rakazotsakatika, uye vanhu vanongoziva nezveNinivhi kubva muBhaibheri.” Biblical Archaeology Society inotaura kuti makore ekuma1800 achangotanga, “hapana munhu aiziva kana guta guru reAsiriya raimbovako.” Asi muna 1845, Austen Henry Layard, uyo aiita zvekuchera matongo akatanga kufukunura nzvimbo yaimbova neguta reNinivhi. Zvaakaona zvairatidza kuti Ninivhi raiva guta guru rakanaka chaizvo.

Kuzadzika kweuprofita hunotaura nezveNinivhi kunoita kuti tive nechokwadi chekuti uprofita huri muBhaibheri hunotaura nezvekuparadzwa kwehurumende dzese dzevanhu huchazadzika.—Dhan. 2:44; Zvak. 19:15, 19-21.