Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhuku Raunogona Kuvimba Naro—Chikamu 2

Asiriya Munhoroondo dzeBhaibheri

Bhuku Raunogona Kuvimba Naro—Chikamu 2

Nyaya ino ndeyechipiri panyaya nomwe dziri mumagazini e“Mukai!” dzinokurukura nezvemasimba enyika manomwe anotaurwa munhoroondo dzeBhaibheri. Chinangwa chacho ndechokuratidza kuti Bhaibheri rakavimbika uye rakafuridzirwa naMwari uye mashoko aro anopa tariro yokuti kutambura kwose kunokonzerwa nokutonga kwevanhu kweutsinye kuchapera.

KUNGOTAURA nezveAsiriya kunofanira kunge kwaiita kuti vanhu vekuMiddle East yekare vanzwe mudumbu. Maererano nebhuku reBhaibheri raJona, muprofita iyeyo paakapiwa basa rokuparidza nezvekutonga kwaida kuitwa naMwari guta guru reAsiriya rinonzi Ninivhi, akati chitsoka ndibereke akananga kumwewo! (Jona 1:1-3) Zvichida akatiza nemhaka yokuti vaAsiriya vaiva nembiri yekutyisa.

Nhoroondo Dzakavimbika

Muprofita womuBhaibheri Nahumi akatsanangura Ninivhi se“nzvimbo inogara shumba” uye “guta rokuteura ropa.” Akawedzerawo kuti: “Harimboregi kupamba! Kune kurira kwetyava nokutinhira kwemavhiri, nokumhanya kwazvo kwemabhiza nokuuruka kwengoro. Kune vatasvi vakatasva mabhiza, nomurazvo webakatwa, nokupenya kwepfumo, nevazhinji vakaurayiwa, nezvitunha zvizhinji kwazvo; uye zvitunha zvacho hazviperi. Vanoramba vachigumburwa pakati pezvitunha zvavo.” (Nahumi 2:11; 3:1-3) Vanyori venhoroondo vanobvumirana nezvinotsanangurwa neBhaibheri nezveAsiriya here?

Bhuku rinonzi Light From the Ancient Past rinoti nezveAsiriya “yaityiwa nevakawanda nemhaka youtsinye hwayaiva nahwo, uye payairwisa vavengi vayo yaisaita zvokutamba. VaAsiriya vaiziva kuti kutyiwa kwavo ndiko kwaiita kuti vakunde.” Mumwe mambo weAsiriya ainzi Ashurnasirpal II akataura mashoko anotevera, achizvikudza nemabatiro aaiita vaya vaipikisana naye:

“Ndakamisa mbiru nechepagedhi reguta rake uye ndakafuna ganda revarume vaitungamirira vainge vapanduka, ndichibva ndafukidza mbiru yacho nemakanda avo; vamwe vacho ndakavavharira mumbiru yacho, uye vamwe ndakavaroverera pambiru yacho vari pamatanda, . . . uye ndakadimbura makumbo nemaoko evakuru vakuru vainge vapanduka. . . . Ndakapisa nhapwa dzakawanda nemoto, uye dzimwe ndakaenda nadzo dziri mhenyu.” Vanochera matongo pavakafukunura mizinda yemadzimambo evaAsiriya, vakaona madziro akashongedzwa nemifananidzo inoratidza kutambudzwa kwaiitwa nhapwa.

Mugore ra740 B.C.E., Asiriya yakakunda Samariya, guta guru roumambo hwokuchamhembe hweIsraeri, ndokutora vanhu vacho senhapwa. Papera makore masere, Asiriya yakapinda nechisimba muJudha. * (2 Madzimambo 18:13) Mambo weAsiriya Saniheribhi akamanikidza Mambo weJudha Hezekiya kuti abhadhare matarenda 30 endarama uye 300 esirivha. Nhoroondo yeBhaibheri inotaura kuti Hezekiya akabhadhara. Kunyange zvazvo akabhadharwa, Saniheribhi akaramba achiti guta guru reJudha, Jerusarema rikande mapfumo pasi pasina kana nharo.—2 Madzimambo 18:9-17, 28-31.

Nyaya iyoyi yakawanikwawo kuNinivhi nevanoita zvokuchera matongo mune zvakanyorwa zvenhoroondo yaSaniheribhi. Pamashoko akanyorwa pachiumbwa chine makona matanhatu, mambo weAsiriya akazvikudza achiti: “Kana ari Hezekiya muJudha, haana kubvuma kuzviisa pasi pangu, ndakakomba maguta ake akasimba aisvika 46, nzvimbo dzakavakirirwa uye misha isingaverengeki munharaunda yake ndokudzikunda . . . Iye [Hezekiya] ndakamuisa mujeri kuJerusarema, guta rake roumambo, seshiri iri mukeji.” Saniheribhi anobva ati Hezekiya akamutumira “matarenda 30 endarama, matarenda 800 esirivha, matombo anokosha, . . .uye zvinhu zvakasiyana-siyana zvinokosha,” achiwedzeredza nhamba yematarenda esirivha aakapiwa.

Ona kuti Saniheribhi haazviti akakunda Jerusarema. Haatombotauri nezvokurakashwa kwakaitwa mauto ake Mwari paakapindira. Maererano neBhaibheri, ngirozi yaMwari yakauraya mauto evaAsiriya 185 000 usiku humwe chete. (2 Madzimambo 19:35, 36) Imwe nyanzvi inonzi Jack Finegan inoti: “Zvisinei, tichifunga nezvokuzvikudza kunooneka mune zvainyorwa nemadzimambo eAsiriya, zvakaoma kuti titarisire kuti Saniheribhi anyore nezvokukundwa kwakadaro.”

Uprofita Hwakavimbika

Makore anoda kusvika zana Umambo hweAsiriya husati hwaparara, Isaya akazivisa kuti Jehovha Mwari aizotonga vanhu ivavo vaizvikudza pamusana pokusaremekedza vanhu vake. Jehovha akati, “Ndichaita kuti pave nokuzvidavirira nokuda kwezvibereko zvokuvirima kwomwoyo wamambo weAsiriya nokuzvikoshesa kwokuzvikudza kwemaziso ake.” (Isaya 10:12) Uyewo muprofita waMwari Nahumi akafanotaura kuti guta reNinivhi raizopambwa, magedhi aro aizovhurirwa vavengi varo uye varindi varo vaizotiza. (Nahumi 2:8, 9; 3:7, 13, 17, 19) Muprofita womuBhaibheri Zefaniya akanyora kuti guta racho raizova “dongo.”—Zefaniya 2:13-15.

Uprofita ihwohwo hwokuparadzwa hwakazadzika muna 632 B.C.E. Guta reNinivhi ndipo parakakundwa nemauto evaBhabhironi nevaMedhiya, zvichiita kuti umambo hweAsiriya huve nemagumo anonyadzisa. Imwe nhoroondo yeBhabhironi inotaura nezvechiitiko ichocho inoti vanhu vacho vakanga vakunda “vakatakura zvinhu zvakawanda zvaikosha zvemuguta racho uye zvetemberi” uye vakaita kuti Ninivhi rive “dongo.” Mazuva ano, matongo eyaimbova Ninivhi ava kungooneka nemirwi yezvinhu zvakaparara iri kumabvazuva kweRwizi rweTigirisi pakatarisana neguta rinonzi Mosul, muIraq.

Kuparadzwa kweAsiriya kwakawedzerawo pane kumwezve kuzadzika kwouprofita hweBhaibheri. Izvi zvisati zvaitika, muna740 B.C.E., Asiriya yakatapa umambo hwendudzi gumi. Panenge panguva imwe chete yakaitwa izvi neAsiriya, muprofita waMwari Isaya akafanotaura kuti Jehovha ‘aizotyora muAsiriya’ ‘omutsika-tsika’ odzosa Israeri kumusha kwake. Isaya akanyora kuti: ‘Vanosara vevanhu vake vachasara kuAsiriya . . . ,[Mwari] achavaunganidza.’ Ndizvo chaizvo zvakazoitika kwapera makore anenge mazana maviri!—Isaya 11:11, 12; 14:25.

Chipikirwa Chaunogona Kuvimba Nacho

Nguva refu guta reNinivhi risati raparadzwa, madzimambo aro paakanga achiri kutyiwa nevavengi varo, Isaya akafanotaura nezvekuuya kwemumwe mutongi akasiyana nevamwe. Akanyora kuti:“Takaberekerwa mwana, takapiwa mwanakomana; uye kutonga kwomuchinda kuchava papfudzi rake. Achanzi . . . Muchinda woRugare. Kukura kwokutonga kwomuchinda wacho norugare hazvizogumi, pachigaro choumambo chaDhavhidhi nepaumambo hwake kuti ahusimbise kwazvo uye kuti ahutsigire nokururamisira uye nokururama, kubvira zvino kusvikira nokusingagumi. Kushingaira kwaJehovha wemauto kuchazviita.”—Isaya 9:6, 7.

Kutonga kwo“Muchinda woRugare,” Jesu Kristu, kuchabatanidza nyika yose. Pisarema 72:7, 8 rinoti: “Mumazuva ake, munhu akarurama achamera, uye rugare rukuru ruchavapo kusvikira mwedzi usisipo. Achatonga vanhu kubvira kugungwa kusvikira kugungwa uye kubvira kuRwizi kusvikira kumigumo yenyika.”

Achishandisa “Muchinda woRugare’ uyu ane simba, Jehovha Mwari achazadzisa zvaakavimbisa pana Pisarema 46:8, 9 zvokuti: “Uyai, onai mabasa aJehovha, maitiro aakaita zviitiko zvinokatyamadza panyika. Anogumisa hondo kusvikira kumugumo wenyika. Anotyora uta uye anogura-gura pfumo; anopisa ngoro nomoto.”

Uprofita hweBhaibheri uhwu husati hwazadziswa, Zvapupu zvaJehovha zvine purogiramu yokudzidzisa vanhu Bhaibheri zvichivaratidza nzira dzorugare sezvakaitwa naJesu. Chokwadi, Mwari kwete munhu, ndiye achazadzisa uprofita hweBhaibheri hwakanyorwa pana Isaya 2:4 hunoti: “Vachapfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejo nemapfumo avo kuti ave zvokuchekereresa miti. Rumwe rudzi haruzosimudziri rumwe rudzi bakatwa, havazodzidzizve kurwa.” Kusiyana naizvozvo, mazuva ano nyika nevatongi vayo vanoshandisa madhora anosvika tiririyoni gore negore vachigadzira zvombo!

Nhoroondo nouprofita zvakarurama zvinoita kuti Bhaibheri risiyane nemamwe mabhuku, zvichiratidza vaya vari kutsvaka chokwadi nomwoyo wose kuti ibhuku ratinofanira kuvimba naro zvechokwadi. Munyaya ichatevera tichakurukura nezveBhabhironi, guta guru roumambo hwechitatu huri munhoroondo dzeBhaibheri.

^ ndima 9 Pashure pokutonga kwaMambo Soromoni, rudzi rwaIsraeri rwaiva nemadzinza 12 rwakakamukana. Umambo hwokumaodzanyemba hwakaumbwa nedzinza raJudha uye raBhenjamini uye umambo hwokuchamhembe hwakaumbwa nemamwe madzinza gumi. Jerusarema ndiro raiva guta guru roumambo hwekumaodzanyemba, uye Samariya yakava guta guru roumambo hwokuchamhembe.