Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YOUPENYU

Kugamuchira Chokwadi cheBhaibheri Ndisina Maoko

Kugamuchira Chokwadi cheBhaibheri Ndisina Maoko

Vanhu vanobatirira pane chimwe chinhu pavanonzwa kutya. Asi ini handizvikwanisi nekuti handina maoko. Pandaiva nemakore 7 maoko angu akadimburwa zvichibva zvandiponesa.

Ndakaberekwa muna 1960, uye mhamha vaiva nemakore 17. Baba vakarambana namhamha ndisati ndaberekwa. Taigara naambuya nasekuru muguta rinonzi Burg, kune yaimbonzi German Democratic Republic, kana kuti East Germany. Taisatenda kuti kuna Mwari sezvaingoitawo vakawanda, uye taisava nebasa naye.

Pandaikura ndaiwirirana chaizvo nasekuru. Vaindituma kuita zvinhu zvakasiyana-siyana, zvakadai sekukwira miti ndichinocheka mapazi. Ndaizvifarira chaizvo. Ndaigara ndichifara ndisina kana chinondinetsa.

TSAONA YAKACHINJA UPENYU HWANGU

Rimwe zuva pandaiva nemakore 7 pane zvakaitika zvinotyisa. Ndakanga ndichangotanga giredhi 2 kuchikoro. Pandaienda kumba, ndakakwira pole remagetsi. Pandakanga ndava mudenga nemamita 8, ndakabva ndabatwa nemagetsi ndikafenda. Ndakazomuka ndava kuchipatara ndichibva ndanzwa kuti handisisina maoko. Akanga atsva zvakaipisisa saka vaitofanira kuadimbura kuitira kuti ndirarame. Mhamha, ambuya nasekuru vakanetseka zvikuru. Sezvo ndaiva mudiki, handina kunyatsonzwisisa kuti kukura ndisina maoko kwaizochinja sei upenyu hwangu.

Ndabuda muchipatara, ndakabva ndadzokera kuchikoro. Vamwe vana vaindiseka, vamwe vaindisundidzira, uye vainditema nekuti vaiziva kuti hapana zvandaikwanisa kuvaita. Zvavaiita izvi zvaindirwadza chaizvo. Ndakazoendeswa kuchikoro chevana vakaremara chinonzi Birkenwerder School for the Disabled, uye ndiko kwandakanga ndava kugara. Sezvo chikoro ichi chaiva kure nekumba, mhamha, ambuya nasekuru vaisakwanisa kuuya kuzondiona. Ndaingoonana navo pazororo chete. Ndakagara kwemakore 10 ndisina amai, ambuya nasekuru.

KUKURA NDISINA MAOKO

Ndakadzidzira kuita zvinhu zvakasiyana-siyana ndichishandisa tsoka. Chimbofungidzira uchidya nefoku kana kuti nechipunu wakabata nezvigunwe zvemumakumbo. Ndakapedzisira ndava kugona. Ndakadzidzirawo kukwesha mazino nekukama musoro ndichishandisa tsoka. Vanhu vanogona kushandisa maoko pavanenge vachitaura, asi ini ndakanga ndava kushandisa tsoka. Ndidzo dzakanga dzava maoko angu.

Pandaiyaruka, ndaifarira kuverenga zvinhu zvesainzi. Dzimwe nguva ndaifungidzira ndiine maoko ekuisira anokwanisa kuita zvose zvandinoda. Ndakatanga kusvuta ndava nemakore 14. Kusvuta kwaiita kuti ndisazvitarisira pasi uye ndifananewo nevamwe. Zvaiita senge ndiri kuti: ‘Neniwo ndinozvigona. Kusvuta kunoratidza kuti wakura, uye hazvinei kuti une maoko here kana kuti hauna.’

Ndaiva nezvakawanda zvekuita munharaunda yataigara. Ndakajoina sangano revechidiki rehurumende rainzi Free German Youth, uye ndaiva nechinzvimbo chinoremekedzwa chekuva munyori. Ndakajoinawo kirabhu yaiita zvekuimba, ndaimboita nhetembo, uye ndaiita mitambo yevanhu vakaremara. Ndakazowana basa ndikatanga kushanda pane imwe kambani yekwataigara. Pandaikura, ndaigara ndakapfeka maoko ekuisira kuti zvisaoneka kuti ndakaremara.

KUGAMUCHIRA CHOKWADI CHEBHAIBHERI

Rimwe zuva pandaiva ndakamirira chitima kuti ndiende kubasa, pane mumwe murume akauya kuzotaura neni. Akandibvunza kuti ndinobvuma here kuti Mwari anogona kundidzorera maoko angu. Ndakaita kakuvhiringidzika. Maoko ndaiada asi ndaifunga kuti hazvifi zvakaitika! Semunhu anga agara achiti hakuna Mwari, handina kumbozvibvuma. Kubva musi uyu, ndakanga ndawana nzira yekuramba kuparidzirwa naye.

Nekufamba kwenguva, mumwe mukadzi wandaishanda naye akati ndimuperekedze kunoona vabereki vake. Patainwa kofi, vabereki vake vakatanga kutaura nezvaMwari, ane zita rekuti Jehovha. Ndiwo wakanga uri musi wangu wokutanga kunzwa kuti Mwari ane zita. (Pisarema 83:18) Asi nechemumwoyo ndaizviudza kuti: ‘Hakuna Mwari, pasinei nekuti anonzi ani. Ndichavaratidza kuti vakarasika.’ Ndakabvuma kudzidza Bhaibheri ndichida kuvaratidza kuti zvavanotaura ndezvenhema. Asi ndini ndakazonyara ndatadza kuvaratidza kuti hakuna Mwari.

Ndakatanga kuchinja mafungiro angu zvishoma nezvishoma pataiongorora uprofita huri muBhaibheri. Zvinhu zvakawanda zvakataurwa naMwari pachine mazana kana kuti zviuru zvemakore zvakaitika. Mumwe musi takaenzanisa zvinhu zviri kuitika nezvakanyorwa muna Mateu 24, Ruka 21, uye 2 Timoti 3. Kuti chiremba azive chirwere chine munhu anoongorora zvinhu zvakasiyana-siyana. Kuongororawo zvinhu zvinotaurwa mumavhesi aya kwakandibatsira kuona kuti tiri kurarama panguva inonzi neBhaibheri “mazuva okupedzisira.” * Izvi zvakandishamisa nokuti ndiri kutozviona zvichiitika.

Ndakaona kuti zvandaidzidza ndicho chokwadi. Ndakatanga kunyengetera kuna Jehovha Mwari, ndichibva ndasiya fodya pasinei nekuti ndakanga ndava nemakore anopfuura 10 ndichisvuta. Ndakaramba ndichidzidza Bhaibheri kwerinenge gore. Musi wa27 April 1986, ndakabhabhatidzwa mutabhu sezvo makore iwayo Zvapupu zvakanga zvakabhanwa kuEast Germany.

KUBATSIRA VAMWE

Sezvo takanga takabhanwa, tainamatira mudzimba tiri vashoma saka ndaiziva Zvapupu zvishoma. Ndakashamisika pandakabvumirwa nehurumende kuenda kuWest Germany uye ikoko Zvapupu zvainamata zvakasununguka. Ndiko kaiva kekutanga kupinda magungano uye kuona zviuru zvehama nehanzvadzi dzangu. Handifi ndakazvikanganwa.

Pakabatana West Germany neEast Germany, takanga tava kubvumirwa kunamata takasununguka. Ndaida kuwedzera nguva yandaiita pakuparidzira. Asi ndaitya kutaura nevanhu vandisingazivi. Kuremara uye kukurira kwandakaita munzvimbo inochengetwa vakaremara kwaiita kuti ndizvitarisire pasi. Asi muna 1992, ndakamboedza kuparidzira kwemaawa 60 mumwedzi mumwe chete. Pandakaasvitsa ndakafara chaizvo. Ndakabva ndatanga kuita izvi mwedzi nemwedzi kweanenge makore matatu.

Ndinogara ndichifunga vhesi inoti: “Ndiani anoshaya simba, ini ndikasashayawo simba?” (2 VaKorinde 11:29) Kunyange zvazvo ndakaremara, ndichiri kugona kufunga nekutaura. Saka ndinoita zvose zvandinokwanisa kuti ndibatsire vamwe. Urema hwangu hunoita kuti ndinyatsonzwisisa vamwe vane dambudziko rakada kufanana nerangu. Ndinoziva kurwadza kwazvinoita kutadza kuita zvinhu zvaunenge uchida nemhaka yedambudziko raunenge uinaro. Ndinoedza kukurudzira vanhu ivavo. Kubatsira vamwe seizvi kunoita kuti ndifare.

Kuudza vamwe mashoko akanaka kunoita kuti ndifare

JEHOVHA ANONDIBATSIRA ZUVA NEZUVA

Dzimwe nguva ndinomboshaya mufaro. Ndinodawo kuita zvinoitwa nevamwe. Ndinokwanisa kuita zvakawanda ndega asi zvinonditorera nguva yakawanda nesimba. Zuva rimwe nerimwe ndinosimbiswa nemashoko anoti: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nokuda kwaiye anondipa simba.” (VaFiripi 4:13) Zuva nezuva Jehovha anondipa simba rekuita zvinhu zvandinenge ndichida kuita. Ndinoziva kuti Jehovha haambondisiyi uye neniwo handifi ndakamusiya.

Ndakakura ndichigara ndega asi iye zvino Jehovha akandikomborera nemhuri. Ndine mudzimai ane rudo netsitsi anonzi Elke, uye mamiriyoni eZvapupu zvaJehovha ari pasi rose ihama nehanzvadzi dzangu.

Ndiine mudzimai wangu, Elke

Mwari anovimbisa kuti muParadhiso achaita kuti “zvinhu zvose zvive zvitsva.” Achandipa maoko matsva, uye izvi zvinondinyaradza. (Zvakazarurwa 21:5) Ndinonyatsonzwisisa vimbiso iyi pandinofunga zvakaitwa naJesu paaiva pasi pano. Hazvina kumutorera nguva kuporesa munhu akanga akaremara ruoko uyewo kudzorera nzeve yemumwe murume yanga yachekwa. (Mateu 12:13; Ruka 22:50, 51) Zvinovimbiswa naJehovha uye zvishamiso zvakaitwa naJesu zvinoita kuti ndive nechivimbo chekuti ndichadzorerwa maoko angu zvekare.

Chikomborero chikuru chandiinacho ndechekuziva Jehovha Mwari. Ava baba vangu, shamwari yangu, munyaradzi wangu uye simba rangu. Ndinonzwa sezvaiita Mambo Dhavhidhi paakanyora kuti: “Jehovha ndiye simba rangu . . . Ndakabatsirwa, zvokuti mwoyo wangu unopembera nomufaro.” (Pisarema 28:7) Ndinoda kuramba ndakabatisisa chokwadi ichi kweupenyu hwangu hwese. Ndinochigamuchira kunyange ndisina maoko.

^ ndima 17 Kana uchida kunzwa zvimwe nezvemazuva ekupedzisira, ona chitsauko 9 chinoti “Tiri Kurarama ‘Mumazuva Okupedzisira’ Here?” mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha uye rinowanikwa pawww.pr418.com.