Bhaibheri Rinotii?
Bhaibheri rinobatsira here kuti usanyanya kuzvidya mwoyo?
Ungati kudii?
Ehe
Aiwa
Pamwe
Zvinotaurwa neBhaibheri
‘Kanda kuzvidya mwoyo kwako kwose pana Mwari, nokuti iye ane hanya newe.’ (1 Petro 5:7) Bhaibheri rinotisimbisa parinotiudza kuti Mwari anokwanisa kutibatsira kuti tisanyanya kuzvidya mwoyo.
Ndezvipi zvimwe zvatinodzidza muBhaibheri?
Kunyengetera kunoita kuti uwane “rugare rwaMwari,” zvoita kuti usanyanya kuzvidya mwoyo.—VaFiripi 4:6, 7.
Uyezve, kuverenga Shoko raMwari kunokubatsira kana uine zviri kukunetsa.—Mateu 11:28-30.
Kuzvidya mwoyo kuchazopera here?
Vamwe vanoti . . . kuzvidya mwoyo hakufi kwakapera. Asi vamwe vanoti kunopera kana munhu azoenda kudenga afa. Unofungei?
Zvinotaurwa neBhaibheri
Mwari achabvisa zvese zvinoita kuti vanhu vazvidye mwoyo. “Rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.”—Zvakazarurwa 21:4.
Ndezvipi zvimwe zvatinodzidza muBhaibheri?
Umambo hwaMwari huchaita kuti vanhu vagare murugare uye murunyararo.—Isaya 32:18.
Hakuna munhu anozozvidya mwoyo.—Isaya 65:17.