Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 4

Jesu Kristu Ndiani?

Jesu Kristu Ndiani?

1. Jesu akabva kupi?

Chii chaiita kuti vanhu vanzwe vakasununguka kutaura naJesu?—MATEU 11:29; MAKO 10:13-16.

Jesu akasiyana nevamwe vanhu vese pakuti akararama kudenga ari ngirozi asati aberekwa panyika. (Johani 8:23) Ndiye akatanga kusikwa naMwari, uye akashanda naMwari pakusika zvimwe zvinhu zvese. Ndiye chete akasikwa naJehovha pachake saka anonzi ‘mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga.’ (Johani 1:14) Jesu anonzi “Shoko” nekuti aitaura achimiririra Mwari.​—Verenga Zvirevo 8:22, 23, 30; VaKorose 1:15, 16.

2. Jesu akauyirei panyika?

Mwari akaunza Mwanakomana wake panyika kuburikidza nekuisa upenyu hwake mudumbu remhandara yechiJudha yainzi Mariya. Saka Jesu akanga asina baba venyama. (Ruka 1:30-35) Jesu akauya panyika (1) kuzodzidzisa chokwadi pamusoro paMwari, (2) kuzotiratidza kuti tingaita sei zvinodiwa naMwari kunyange patinenge tiri mumatambudziko, uye (3) kuzopa upenyu hwake semunhu asina chivi kuti “adzikinure vanhu.”​—Verenga Mateu 20:28.

3. Sei tichifanira kudzikinurwa?

Rudzikinuro mubhadharo wekununura munhu kuti arege kufa. (Eksodho 21:29, 30) Mwari haana kusika vanhu kuti vachembere uye kuti vafe. Tinozviziva sei izvozvo? Mwari akaudza munhu wekutanga Adhamu kuti kana akaita chinonzi “chivi” neBhaibheri, aizofa. Saka kudai Adhamu asina kutadza, angadai asina kufa. (Genesisi 2:16, 17; 5:5) Bhaibheri rinoti Adhamu ndiye ‘akapinza rufu’ muvanhu. Sezvo vanhu vese vari vana vaAdhamu, vese vane chivi uye vanofa. Saka tinoda kudzikinurwa kuti tinunurwe kubva murufu rwakakonzerwa nekutadza kwaAdhamu.​—Verenga VaRoma 5:12; 6:23.

Pane aigona kubhadhara rudzikinuro kuti atinunure kubva murufu here? Patinofa, tinongobhadhara zvivi zvedu chete. Hapana munhu ane chivi anogona kubhadhara zvivi zvevamwe.​—Verenga Pisarema 49:7-9.

4. Nei Jesu akafa?

Jesu akanga akasiyana nesu pakuti ainge asina chivi. Haana kana paakambotadza, saka pakanga pasina chikonzero chekuti afe. Zvisinei, Jesu akafira zvivi zvevamwe. Mwari akaratidza rudo rwake rwakadzama nekutuma kwaakaita Mwanakomana wake kuti atifire. Jesu akaratidzawo kuti anotida nekuteerera kwaakaita Baba vake uye nekupa upenyu hwake kuti abhadhare zvivi zvedu.​—Verenga Johani 3:16; VaRoma 5:18, 19.

Ona vhidhiyo inonzi Jesu Akafirei?

5. Jesu ari kuitei iye zvino?

Paaiva pasi pano, Jesu akarapa vairwara, akamutsa vakafa, uye akabatsira vanhu vaitambudzika. Izvozvo zvaitoratidza zvaachaita mune ramangwana, achiitira vanhu vese vanoteerera. (Mateu 15:30, 31; Johani 5:28) Jesu paakafa, Mwari akamumutsa aine muviri wemweya. (1 Petro 3:18) Jesu akabva amirira ari kuruoko rwerudyi rwaMwari kusvikira Jehovha amupa simba rekutonga saMambo pasi rese. (VaHebheru 10:12, 13) Iye zvino Jesu ndiMambo kudenga, uye vateveri vake vari kuzivisa mashoko iwayo akanaka pasi rese.​—Verenga Dhanieri 7:13, 14; Mateu 24:14.

Pasina nguva, Jesu achashandisa simba rake saMambo kubvisa matambudziko ese nevaya vanoakonzera. Vanhu vese vanotenda muna Jesu kuburikidza nekumuteerera vachararama vachifara muparadhiso pasi pano.​—Verenga Pisarema 37:9-11.