Enda pane zvauri kuda

Mazano Okuti Mhuri Ifare

Kuedzazve Kuvimba Nomumwe Wako

Kuedzazve Kuvimba Nomumwe Wako

Simba * anoti: “Handina kumbobvira ndazvifungira kuti Chipo angaita gumbo mumba gumbo panze. Ndakanga ndisingachatombovimbi naye zvachose. Handigoni kutsanangura maomero azvakanga zvakaita kuti ndimuregerere.”

Chipo anoti: “Ndinonzwisisa chakaita kuti Simba asavimba neni. Zvakanditorera makore kuti ndimuratidze kuti ndaizvidemba nezvandakaita.”

BHAIBHERI rinopa mukana wokuti kana mumwe wako achinge aita upombwe, usarudze kurambana naye kana kuti kugara naye. * (Mateu 19:9) Simba haana kuda kurambana nomumwe wake. Akasarudza kuramba ari pamwe chete naChipo. Asi pasina nguva vakazoona kuti kuramba vari pamwe chete kwakanga kusiri nyore. Nei? Nokuti mashoko avo aratidza kuti Chipo paakaita gumbo mumba gumbo panze, vaviri ava vakanga vasingachatombovimbani zvachose. Vaitofanira kushanda nesimba nokuti kuti murume nomudzimai vawirirane, vanofanira kunge vachivimbana.

Kana uri kuedza kuti murambe muri pamwe chete nomumwe wako iye aita upombwe, haisi nyaya yokutamba nayo. Nyaya yacho painobuda pachena, mwedzi mishomanana inotevera ndiyo inenge yakanyanya kuoma. Asi unogona kukunda. Ungaita sei kuti uvimbanezve nomumwe wako? Unogona kubatsirwa nemazano ouchenjeri ari muBhaibheri. Ngatimboonai mamwe acho.

1 Budiranai Pachena.

‘Zvino, zvamakabvisa nhema, taurai chokwadi,’ akanyora kudaro muapostora Pauro. (VaEfeso 4:25) Hamugoni kuvimbana kana ukanyepera mumwe wako kana kuti ukamuvanzira zvimwe uye ukasarudza kusataura nyaya yacho. Saka munofanira kubudirana pachena.

Pakutanga iwe nomumwe wako mungave makagumbukirana zvokutadza kutaura nyaya yacho. Asi nokufamba kwenguva muchazongofanira kunyatsojekeserana kuti chii chakaitika. Mungasanyatsodonongodza henyu kese kese asi kubva matorega kutaura nyaya yacho hakusi kuchenjera. Chipo anoti: “Pakutanga zvaiva zvakandiomera chaizvo uye zvaindisembura kuti nditaure nezvenyaya yacho. Ndaizvidemba chaizvo saka ndaida kungosiyana nenyaya yacho ndokanganwa nezvayo.” Asi kusataura nezvenyaya iyi kwakatomutsa matambudziko. Nei? Simba anoti: “Chipo zvaakanga asingadi kutaura nezvenyaya yake, zvakaita kuti ndirambe ndichingomunyumwira.” Chipo anoti: “Kuramba kwandaiita kukurukura nyaya yacho nomurume wangu kwakaita kuti zvitore nguva kuti andiregerere.”

Zviri pachena kuti kutaura nezvenyaya yacho kunenge kuchirwadza. Murume waTsitsi anonzi Tamuka akaita upombwe namabharani wake. Tsitsi anoti: “Ndaizvibvunza kuti, Zvakafamba sei? Akazviitirei? Vaimbotaura nezvei? Ndaiva neshungu dzisingaiti uye kwemavhiki akawanda ndaigara ndichifunga nyaya yacho uye ndichizvibvunza mibvunzo yakawanda nezvayo.” Tamuka anoti: “Zvinonzwisisika kuti dzimwe nguva pataikurukura naTsitsi taipedzisira tava kupopotedzana. Asi pose taizokumbirana ruregerero. Kukurukurirana saizvozvo tichibudirana pachena kwakaita kuti tiwedzere kuwirirana.”

Mungaita sei kuti pamunenge muchikurukura musapedzisira mava kupopotedzana? Yeuka kuti chinangwa chako hachisi chokuda kupfidzisa mumwe wako asi ndechokuwana chidzidzo pane zvakaitika uye kusimbisa imba yenyu. Somuenzaniso, Tawanda nomudzimai wake Rumbidzai vakaongorora chakanga chamboita kuti Tawanda aite upombwe. Tawanda anoti: “Ndakazoona kuti ndainyanyobatikana nokuita zvinhu zvaindinakidza. Ndainyanyoda kufadza vanhu uye kuita zvavainditarisira. Ndaipedza nguva yangu yakawanda ndichivaitira zvavanoda. Izvi zvaiita kuti ndive nenguva shoma nomudzimai wangu.” Kunzwisisa izvi kwakaita kuti Tawanda naRumbidzai vagadzirise paida kugadziriswa, zvikazoita kuti imba yavo isimbe.

EDZA IZVI: Kana uriwe muparanzvongo, usanakurira mumwe wako nyoka mhenyu kana kumupa tuzvikonzero twusina basa. Bvuma mhosva yako uye kuti wakamurwadzisa. Kana uriwe wakatadzirwa usapopotera mumwe wako kana kumuudza magaramwoyo. Kurega kushandisa mashoko akadaro kuchaita kuti mumwe wako anzwe akasununguka kukubudira pachena.—VaEfeso 4:32.

2 Itai Mushandirapamwe.

Bhaibheri rinoti: “Vaviri vari nani kupfuura mumwe chete.” Pakudii? “Nokuti vane mubayiro wakanaka pabasa ravo rakaoma. Nokuti kana mumwe wavo akawa, mumwe wacho anogona kusimudza mumwe wake.” (Muparidzi 4:9, 10) Mashoko iwayo anobatsira chaizvo kana muri kushanda nesimba kuti muvimbanezve.

Kuita mushandirapamwe kuchaita kuti iwe nemumwe wako mugadzirise dambudziko rokusavimbana rapinda mumba menyu. Asi mose munofanira kuva nechido chakasimba chokuita zvichaita kuti murambe muri pamwe chete. Mukada kuita mazvake mazvake munozviparamurira mamwe matambudziko. Munofanira kushanda pamwe chete semurume nomudzimai.

Simba naChipo vakaona kuti kuita mushandirapamwe kunobatsira. Chipo anoti: “Kunyange hazvo zvakatitorera nguva, ini naSimba taiita maonerapamwe kuti tiumbiridzezve imba yedu. Ndakatsidza mumwoyo mangu kuti handichafi ndakamurwadzisa zvekare. Uye kunyange zvazvo Simba akanga achirwadziwa, akazvipira kuti imba yedu isaparara. Zuva rimwe nerimwe ndaitsvaka mukana wokumuratidza kuti ndinomuda uye airamba achiratidzawo kuti anondida. Ndichamutenda nokusingaperi.”

EDZA IZVI: Semurume nemudzimai tsidzai kuti muchashandira pamwe chete kuti mutangezve kuvimbana.

3 Ita Zvakasiyana Nezvawaimboita.

Pashure pokunyevera vateereri vake nezvoupombwe, Jesu akavapa zano rokuti: “Zvino kana ziso rako rokurudyi iroro richiita kuti ugumburwe, ribvise urirasire kure newe.” (Mateu 5:27-29) Kana uriwe wakakanganisa, pane zvaungafunga kuti unofanira kuregera here kuitira kuti imba yenyu isimbe?

Zviri pachena kuti unofanira kucheka ukama nomunhu wawakaita naye upombwe. * (Zvirevo 6:32; 1 VaKorinde 15:33) Tamuka, ambotaurwa akachinja mashandiro aaiita kubasa zvese nenhamba dzake dzeserura kuitira kuti arege kuramba achitaudzana nomukadzi waakaita naye upombwe. Zvisinei, mukadzi wacho akaramba achimuvavarira chete. Tamuka akanga aine shungu dzokuti mudzimai wake atangezve kuvimba naye zvokuti akatosvika pakusiya basa racho. Akabva arega zvachose kushandisa serura yake, ava kungoshandisa yomudzimai wake. Izvi zvine zvazvakabatsira here? Mudzimai wake Tsitsi anoti: “Kunyange zvazvo pava nemakore matanhatu, ndichiri kumbonetseka kuti pamwe mukadzi uya achaedzazve kufonera murume wangu. Asi ndava nechivimbo chokuti Tamuka haazombokurirwi nomuedzo wacho.”

Kana uriwe wakakanganisira mumwe wako, une zvaunofanirawo kuchinja paunhu hwako. Somuenzaniso, ungadaro waifarira zvokutamba-tamba nevanhu vausina kuroorana navo, kana kuti ungadaro waifarira kufungidzira uchidanana nevamwe vanhu. Kana zvakadaro, ‘pfekenura unhu hwekare nemabasa ahwo.’ Tanga kuita zvinhu zvichaita kuti mumwe wako ave nechivimbo chakasimba mauri. (VaKorose 3:9, 10) Marererwo awakaita anoita kuti zvikuomere kuratidza mumwe wako rudo here? Kunyange zvingava zvakaoma pakutanga, gara uchiita zvinoratidza mumwe wako kuti unomuda uye kutomuudza kuti unomuda. Simba anoti: “Ndinoyeuka kuti Chipo aiwanzondiratidza rudo nokundibata zvinyoro-nyoro, uye aigara achindiudza kuti anondida.”

Kwenguva yakati oo zvinenge zvakanaka kuudza mumwe wako zvose zvaunenge uchiita zuva nezuva. Rumbidzai watambotaura nezvake anoti: “Tawanda aindiudza zvose zvainge zvaswera zvichiitika zuva roga roga, kunyange zvinhu zvisingakoshi, achiitira kuti ndione kuti haana chaari kuvanza.”

EDZA IZVI: Bvunzanai kuti zvii zvamungaita zvingabatsira kuti mutangezve kuvimbana. Zvinyorei pasi, mobva mazviita. Uyewo, pane zvamagara muchiita, wedzerai zvimwe zvinokunakidzai mose.

4 Ziva Nguva Yokuenderera Noupenyu.

Usakurumidza kufunga kuti zvinhu zvinofanira kungoita sezvazvakanga zviri. Zvirevo 21:5 inonyevera kuti: “Munhu wose anokurumidzira zvinhu achashayiwa njere.” Zvinogona kutotora makore kuti mutangezve kuvimbana sezvamaiita.

Kana uriwe wakatadzirwa zvipe nguva yokuti unyatsokanganwira mumwe wako. Rumbidzai anoti: “Ndaimboona sokuti hapana mudzimai angatadza kukanganwira murume wake kana aita upombwe. Ndaishaya kuti sei mudzimai achitora nguva yakareba akatsamwa chaizvo. Asi murume wangu paakazoita upombwe ndipo pandakazoona kuti sei kukanganwira kusiri nyore.” Kukanganwira uye kuvimba nemumwe wako kungatozouya zvishoma nezvishoma.

Muparidzi 3:1-3 inoti pane ‘nguva yokumbopora.’ Pakutanga ungaona sokuti kurega kutaura nemumwe wako zviri mumwoyo mako ndiko kuzvipedza. Asi kunyarara nyaya yacho zvachose hakuzokubatsiri kuti utange kumuvimbazve. Kuti muumbiridze ukama hwenyu, regerera mumwe wako uye ratidza kuti wamuregerera nokumuudza zviri kutsi kwemwoyo wako. Uyewo mukurudzire kuti ataure zvinomufadza uye zviri kumunetsa.

Usaramba wakafufutirwa. Shanda nesimba kuti ukunde dambudziko iri. (VaEfeso 4:32) Kufunga nezvezvakaitwa naMwari pachake kunogona kukubatsira. Akarwadziwa chaizvo paakapandukirwa nevashumiri vake vaIsraeri. Jehovha Mwari akatozvifananidza nemurume ane mudzimai aita upombwe. (Jeremiya 3:8, 9; 9:2) Asi haana ‘kuramba akatsamwa nokusingagumi.’ (Jeremiya 3:12) VaIsraeri pavakazopfidza nomwoyo wose vakadzoka kwaari, Jehovha akavakanganwira.

Nokufamba kwenguva mose pamunenge mava kugutsikana kuti magadzirisa zvamunofanira kugadzirisa mumba menyu, uchazonzwa usina chokutyira. Kana izvozvo zvaitika, chiregai kungoramba muchifunga nezvekuumbiridza imba yenyu chete asi munogona kuitawo zvimwe zvinhu. Kunyange zvakadaro, rongai kuti mugare muchizviongorora kuti muri kubudirira zvakadini. Musangogutsikana nezvishoma zvamakwanisa kuita. Gadzirisai zvinhu zvidiki zvingakudzorerai mumashure uye udza mumwe wako kuti wakaperera kwaari.—VaGaratiya 6:9.

EDZA IZVI: Pane kuedza kuita kuti zvinhu zvive sezvazvaimbova, vakai ukama hwakasimba sokunge kuti muri kudanana patsva.

Munogona Kubudirira

Kana uchimbonzwa sokuti hauna chokwadi kuti uchabudirira, yeuka kuti Mwari ndiye akatanga urongwa hwokuroorana. (Mateu 19:4-6) Saka anogona kukubatsirai kuti mufare muwanano yenyu. Varume nemadzimai vose vataurwa munyaya ino vakashandisa mazano ouchenjeri ari muBhaibheri uye vakakwanisa kuramba vari pamwe chete.

Kubva Chipo paakaita gumbo mumba gumbo panze, papfuura makore 20. Simba anorondedzera zvakaita kuti vakunde achiti: “Patakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha ndipo patakachinja zvainyatsooneka. Rubatsiro rwatakawana harwutsananguriki. Saka takakwanisa kukunda nguva idzodzo dzaiva dzakaoma.” Chipo anoti: “Kukwanisa kwatakaita kutsungirira nguva iyoyo yaiva yakaoma kunoita kuti ndione kuti ndakakomborerwa chaizvo. Kudzidza Bhaibheri pamwe chete uye kushanda nesimba kwakaita kuti imba yedu itsige.”

^ ndima 3 Mazita akachinjwa.

^ ndima 5 Kana uchida mamwe mashoko angakubatsira pakusarudza, ona Mukai! yaMay 8, 1999, peji 6 neAwake! yaAugust 8, 1995, mapeji 10 kusvika ku11.

^ ndima 17 Kana kuri kuti munotofanira kuramba muchitaudzana (zvakaita sokubasa), ngazvingova zvebasa chete. Taura nomunhu wacho paine vamwe vanhu uye usavanzira wawakaroorana naye.

ZVIBVUNZE KUTI . . .

  • Nei ndakasarudza kugara nomumwe wangu pasinei nokuti akaita upombwe?

  • Unhu hupi hwakanaka hwandava kuona pane mumwe wangu iye zvino?

  • Pataidanana, zvinhu zvipi zviduku zvandaiitira mumwe wangu kuratidza kuti ndinomuda uye ndingazviita sei zvekare?