Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Kutenda Zvaunoitirwa

Kutenda Zvaunoitirwa

Ongororo dzakaitwa dzinoratidza kuti kutenda zvinhu zvaunoitirwa kunobatsira pazvinhu zvakawanda uyewo pautano chaipo. Munhu wese anofanira kugara achizviita mazuva ese.

Kutenda zvaunoitirwa kunobatsira sei pautano?

ZVINOTAURWA NAVANACHIREMBA

Imwe nyaya yakabuda mupepanhau rinonzi Harvard Mental Health Letter, yakati “kutenda zvaunoitirwa kunoita kuti munhu anyanye kufara. Kunoita kuti vanhu vanzwe vachida kuita zvinhu zvakanaka, vanakidzwe pavanofunga zvinhu zvakanaka zvakamboitika, vave neutano, vakunde matambudziko, uye vave neshamwari dzechokwadi.”

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Bhaibheri rinotikurudzira kuti titende zvatinenge taitirwa. Muapostora Pauro akanyatsoratidza kuti aiva munhu aitenda zvekuti akazonyora kuti, “ratidzai kuti munoonga.” Somuenzaniso, ‘akaramba achionga Mwari,’ nekuti vanhu vaibvuma Shoko raaivaparidzira. (VaKorose 3:15; 1 VaTesaronika 2:13) Kuti urambe uchifara haufaniri kungogumira pakuti maita basa pano neapo asi kuti zvinofanira kuva mauri. Kuita izvi kuchatibatsira kuti tisava vanhu vanoda kungoitirwa zvinhu, vane shanje, uye vanogara vaine chigumbu nekuti maitiro aya achaita kuti vanhu vasatifarira uye isuwo hatizofari.

Musiki wedu anotenda kunyange zvinoitwa nevanhu! VaHebheru 6:10 inoti: “Mwari haasi munhu asina kururama zvokuti angabva akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.” Saka Musiki wedu anotoona kusatenda sechinhu chakaipa.

“Farai nguva dzose. Ongai pamusoro pezvinhu zvose.”1 VaTesaronika 5:16, 18.

Kutenda zvaunoitirwa kunoita kuti vamwe vanzwe sei?

ZVINOITIKA MUUPENYU ZVINORATIDZEI?

Tikatenda nemwoyo wese zvatinenge tapiwa kana kuti taitirwa, zvichaita kuti munhu atipa kana kuti atiitira chinhu chacho afare uye anzwe kuti ane zvinhu zvakanakawo zvaaita. Kunyange vanhu vatisingazivi vanofara chaizvo kana tikavaitira zvinhu zvakanaka zvakadai sekuvasimukira kuti vagare.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Jesu Kristu akati: “Garai muchipa, uye vanhu vachakupaiwo. Vachadurura chiyero chakanaka muhomwe inovapo kana nguo yenyu yapetwa, chakatsindirwa, chakazunguzirwa uye chinofashukira.” (Ruka 6:38) Imbonzwa zvakaitika kumusikana matsi anonzi Rose, anogara kuSouth Pacific pachitsuwa chinonzi Vanuatu.

Rose aipinda misangano yechiKristu yeZvapupu zvaJehovha asi haana chaainzwa nekuti hapana aigona masaini kunyange naiye wacho. Mumwe murume nemukadzi vaigona masaini vakashanyira ungano yanaRose, vachibva vaona dambudziko ranga riripo vakatanga kuvadzidzisa masaini. Rose akafara zvisingaiti. Akati, “Ndiri kufara kuti ndine shamwari dzakawanda dzinondida.” Kutenda kuri kuita Rose uye kumuona achitaurawo pamisangano kuri kuita kuti murume nemudzimai vaya vakamubatsira vafare chaizvo. Rose anotendawo chido chakaitwa nevamwe kuti vadzidze mutauro wemasaini kuti vakwanise kutaura naye.—Mabasa 20:35.

‘Munhu anopa kuonga sechibayiro chake anokudza Mwari.’Pisarema 50:23.

Ungaita sei kuti uve munhu anotenda?

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Zvinhu zvatinoita zvinoratidza zvinhu zvatinenge tichifunga. Munyori weBhaibheri Dhavhidhi paainyengetera kuna Mwari akati: “Ndakafungisisa mabasa enyu ose; ndakaramba ndichifunga nezvebasa remaoko enyu ndiine chido.” (Pisarema 143:5) Chaiita kuti Dhavhidhi ave munhu anotenda ndechokuti aigara achidzamisa pfungwa nezvemabasa aMwari uye akaramba achidaro kweupenyu hwake hwese.—Pisarema 71:5, 17.

Bhaibheri rinotiudza kuti: ‘Zvinhu zvose zvechokwadi, zvinodiwa, zvinotaurwa zvakanaka nezvazvo, kunaka kwose kungavapo uye zvose zvinorumbidzwa zvingavapo, rambai muchifunga zvinhu izvi.’ (VaFiripi 4:8) Mashoko ekuti “rambai muchifunga” anoratidza kuti tinofanira kugara tichidzamisa pfungwa uye ndizvo zvichaita kuti tizova vanhu vanotenda.

‘Mwoyo wangu uchafungisisa zvinhu zvinoratidza kuti ndinonzwisisa.’Pisarema 49:3.