Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA

Zvekuita Zviri Kukuwandira Here?

Zvekuita Zviri Kukuwandira Here?

Unonzwa sekuti unogara uine zvakawanda zvekuita here? Kana zvakadaro, hausi wega. Magazini inonzi The Economist inoti, “Kwese kwese, vanhu vari kuratidza kuti vakabatikana.”

MUTSVAKURUDZO yakaitwa munyika 8 muna 2015, vanhu vakawanda vanoenda kubasa vakataura kuti zvinovaomera kuita zvese zvinodiwa kubasa nekumba. Vakati zvavanofanira kuita kumabasa nekumba zviri kuramba zvichiwanda, mitengo yezvinhu iri kukwira uye maawa ekushanda ari kuwedzera. Semuenzaniso, muUnited States, vanhu vanoenda kubasa mazuva ese vakati vanoshanda kwemaawa 47 pavhiki. Munhu 1 pa5 akati anoshanda kwemaawa 60 kana kutopfuura!

Mune imwe tsvakurudzo yakaitwa munyika 36, vanopfuura 25% vakati vanongogara vachimhanya-mhanya kunyange panguva yavanenge vachifanira kuzorora! Vana vanogonawo kuvhiringidzika kana vakawanzirwa zvekuita.

Kana tikagara tichiedza kuita zvinhu zvakawandisa panguva imwe chete, tinopedzisira tava nestress. Asi zvinoita here kuti tigone kunyatsoronga zvinhu zvedu kuti tisanyanya kubatikana? Mafungiro atinoita, zvatinosarudza uye zvinangwa zvedu zvinobatana sei nenyaya iyi? Ngatimboonai zvinhu 4 zvinoita kuti vanhu vawandirwe nezvekuita.

1 CHIDO CHEKURIRITIRA MHURI

Vamwe baba vanonzi Gary vanoti, “Ndaishanda mazuva ese pavhiki. Ndaiitira kuti ndigare ndichipa vana vangu zvinhu zvakanaka. Ndaida kuti vawane zvinhu zvandisina kumbowana pandaikura.” Kunyange zvazvo vabereki vachishanda kuti variritire mhuri, vanofanira kuziva kuti chii chinonyanya kukosha. Dzimwe ongororo dzakaitwa dzinoratidza kuti vabereki nevana vanonyanya kukoshesa mari nekuunganidza zvinhu havambofari, havagutsikani uye havana utano hwakanaka kana vachienzaniswa nevaya vasingatsvagi kupfuma.

Vana vanokura vachidzidziswa kuda pfuma havana mufaro

Vamwe vabereki vanozviwanzira zvekuita uye vanopa vana vavo zvekuita zvakawanda vachiitira kuti vana vavo vazobudirira kana vakura. Bhuku rinonzi Putting Family First rinoti vabereki vakadaro vanopinda mutsekwende pamwe chete nevana vavo.

2 KUFUNGA KUTI KUVA NEZVINHU ZVAKAWANDA KUNOITA KUTI UFARE

Vanoshambadzira zvinhu vanoda kuti tifunge kuti kana tikasatenga zvinhu zvichangobva kuburwa tinenge tichisaririra. Magazini inonzi The Economist inoti: “Zvinhu zvitsva zviri kuburwa zviri kuita kuti vanhu vawedzere kubatikana, vachiomerwa nekusarudza zvavangatenga, zvavangadya uye zvavangaona.”

Muna 1930, imwe nyanzvi yekuongorora upfumi yakataura kuti kufambira mberi mukugadzirwa kwezvinhu zvakadai semakombiyuta kwaizoita kuti vashandi vawane nguva yekuzorora. Asi ainge akarasika! Elizabeth Kolbert anoshandira magazini inonzi New Yorker anoti, “Pane kuti vanhu vashande kwenguva shoma, vava kutotsvaga zvimwe zvinhu zvinoda mari nenguva.”

3 KUEDZA KUFADZA VAMWE

Vamwe vanoshanda zvakaoma kwemaawa akawanda vachida kufadza vavanoshandira. Vamwe vanoshanda kusvika usiku nekuti vanozvipa mhosva kana vakaenda kumba vachisiya vamwe vavo vari pabasa. Kusaziva kuti zveupfumi zvichange zvakamira sei kunogona kuita kuti vanhu vade kushanda zvakanyanya uye vagare vakangogadzirira kuenda kubasa chero nguva.

Vabereki vanogonawo kushanda zvakaoma kuti upenyu hwemhuri yavo hufanane nehwedzimwe mhuri. Kana vakasadaro, vanogona kunzwa vachizvipa mhosva yekutadza kuriritira vana vavo.

4 KUDA KUBUDIRIRA UYE KUONEKWA NEVAMWE

Tim, anogara kuUnited States, anoti: “Ndainakidzwa nebasa rangu zvekuti ndaigara ndichishanda nesimba. Ndaida kuratidza kuti ndinorigona.”

Vanhu vakawanda vane mafungiro akafanana neaTim ekuti kugara wakabatikana kunoita kuti uonekwe semunhu anokosha. Izvi zvinoenderana nezvakataurwa naElizabeth Kolbert ambotaurwa, uyo akati, “Munhu anogara akabatikana ava kuonekwa semunhu anokosha.”

ZIVA PEKUGUMIRA

Bhaibheri rinokurudzira kushanda nesimba. (Zvirevo 13:4) Asiwo rinoti tizive pekugumira. Muparidzi 4:6 inoti, “Zviri nani kuzorora zvishoma pane kushanda zvakaoma zvakapetwa kaviri asi uchidzingana nemhepo.”

Kuziva pekugumira kunotibatsira pautano hwedu. Asi zvinoita here kuti tirege kushanda zvakanyanya? Ehe zvinoita. Ngatimboonai zvinhu 4 zvatinogona kuita:

1 ZIVA ZVINHU ZVINOKOSHA

Hazvina kuipa kuti tive nemari yekurarama nayo. Asi tinoda yakawanda sei? Chii chinonzi kubudirira? Kunoonekwa nemari kana kuti nezvinhu zvine munhu here? Kuzorora uye kutandara kwakanyanyisa kunogonawo kuita kuti tishaye nguva yekuita zvimwe zvinhu zvinokosha.

Tim ambotaurwa nezvake anoti: “Ini nemudzimai wangu takanyatsoongorora upenyu hwedu tikasarudza kuti tisava nezvinhu zvakawanda. Takagadzira chati yairatidza zvanga zvakaita upenyu hwedu nezvataizoda kuti huite. Takakurukura zvatainge takambosarudza kare uye zvataifanira kuita kuti tikwanise kuzadzisa zvinangwa zvedu.”

2 USATENGA CHESE CHESE CHAWAONA

Bhaibheri rinotipa zano rekuti tidzore ‘kuchiva kwemaziso.’ (1 Johani 2:15-17) Vanoshambadzira vanogona kuita kuti kuchiva ikoko kukure, zvoita kuti munhu ashande kwemaawa akawanda kuti atenge zvinhu izvozvo kana kuti aende kunofurwa nemhepo ari kunzvimbo dzinodhura. Haugoni kubva warega zvachose kuona zvinhu zvinoshambadzirwa, asi unokwanisa kudzora ziso rako kuti usaona zvese zvese zviri kushambadzirwa. Unogona kufungisisa kuti zvinhu zvacho unofanira kuva nazvo here.

Usakanganwawo kuti shamwari dzinogona kukukanganisa. Kana dzichiti sika sika nekutsvaga pfuma kana kuti dzichifunga kuti kuva nezvinhu zvakawanda ndiko kubudirira, kunenge kuri kuchenjera kutsvaga dzimwe shamwari dzinoziva kuti zvinokosha ndezvipi. Bhaibheri rinoti, “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera.”—Zvirevo 13:20.

3 DEREDZA NGUVA YAUNOSHANDA

Taura newaunoshandira nezvebasa rako uye zvaunokoshesa. Usanzwa sekuti kana ukambowana nguva yekuitawo zvimwe zvinhu waita mhosva. Bhuku rinonzi Work to Live rinoti: “Vaya vasingafungi zvebasa kana vari kumba kana kuti vanomboenda kunozorora vakaona kuti hapana chakaipa chinosara chichiitika.”

Gary ambotaurwa nezvake ainge aine mari yaikwanisa kumuraramisa, saka akasarudza kuderedza maawa aaishanda. Anoti, “Ndakakurukura nemhuri yangu kuti tirarame nezvinhu zvishoma. Pashoma nepashoma takatora matanho aidiwa. Ndakakumbirawo wandaishandira kuti ndisashanda mamwe mazuva, achibva abvuma.”

4 KOSHESA NGUVA YEKUVA NEMHURI YAKO

Vakaroorana vanoda nguva yekuva pamwe chete uye vana vanoda nguva nevabereki vavo. Saka musaedza kutevedzera dzimwe mhuri dzinogara dzakabatikana. Gary anoti, “Wanai nguva yekuzorora nekutandara, uye siyai zvinhu zvisinganyanyi kukosha.”

Kana muri pamwe chete semhuri, musaita kuti TV, mafoni kana zvimwe zvinhu zvikutadzisei kukurukura. Ivai nenguva yekudya mese zuva rimwe nerimwe uye panguva yacho kurukurai pamwe chete. Vabereki pavanoshandisa mazano aya, vana vavo vanofara uye vanogona chikoro.

Kurukurai semhuri panguva yekudya

Chizvibvunza kuti: ‘Ndinodei muupenyu? Ndinoda kuti mhuri yangu ive neupenyu hwerudzii?’ Kana uchida kufara uye kugutsikana muupenyu, shandisa uchenjeri huri muBhaibheri pakuisa zvinhu zvinokosha pekutanga.