Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinotaurwa neBhaibheri

Zvinotaurwa neBhaibheri

“Iyi inhoroondo yedenga nenyika pazvakasikwa.” (Genesisi 2:4) Izvi ndizvo zvinotaurwa neBhaibheri panyaya yekuti nyika nezvinhu zviri muchadenga zvakabva kupi. Zvinotaurwa neBhaibheri zvinoenderana nezvinotaurwa nenyanzvi dzesainzi here? Ona mienzaniso inotevera.

Pakutanga: Denga nenyika zvinosikwa

Zvinhu zviri muchadenga zvagara zvingoriko here?

Genesisi 1:1 inoti: “Pakutanga Mwari akasika denga nenyika.”

Makore ekuma1950 asati asvika, nyanzvi dzesainzi dzakawanda dzakakurumbira dzaifunga kuti zvinhu zviri muchadenga zvakangogara zviripo. Asi nemhaka yeongororo dzichangobva kuitwa, nyanzvi dzakawanda dzesainzi dzava kubvuma kuti zvinhu zvakawanda zviri muchadenga zvine pazvakatangira.

Nyika yakanga yakaita sei pakutanga?

Genesisi 1:2, 9 inoti pakutanga nyika yakanga “isina kugadzirwa, isina chinhu” yakazara mvura.

Nyanzvi dzesainzi dzinobvumirana nemashoko iwayo. Imwe nyanzvi yesainzi inonzi Patrick Shih inoongorora zvinhu zvipenyu, inoti nyika yedu yakatanga “isina kana mhepo yatinofema yeoxygen . . . uye yakanga isina chinhu.” Bhuku rinonzi Astronomy rinoti: “Ongororo dziri kuitwa mazuva ano dziri kuratidza kuti nyika yakatanga yakazara mvura, uye pakaoma pakanga pari padikidiki.”

Mhepo yakapoteredza nyika yakachinja sei nekufamba kwenguva?

Genesisi 1:3-5 inoratidza kuti pakutanga mhepo yanga yakapoteredza nyika, yakanga yakakora zvekuti kudai munhu aiva panyika aizotadza kuona kuti chiedza chiri kubva kupi. Zvakatora nguva kuti zuva nemwedzi zvioneke panyika.—Genesisi 1:14-18.

Bhaibheri haritauri kuti zvinhu zvese zvipenyu zviri panyika zvakasikwa mumazuva 6 ane maawa 24

Nyanzvi dzesainzi dzekuSmithsonian Environmental Research Center dzinoti pakutanga mhepo yakapoteredza nyika yakanga yakakora zvekuti chiedza chishomanana ndicho chaisvika panyika. Dzinoti: “Pakutanga nyika yanga yakaita kuputirwa negasi rinonzi methane. Nekufamba kwenguva, gasi iri rakaita richipera denga richibva raita blue.”

Chii chakatanga kuvapo panyika?

Genesisi 1:20-27 inoti hove ndidzo dzakatanga kuvapo, pachibva pazova neshiri, mhuka dzepanyika, vanhu vachibva vazopedzisira. Nyanzvi dzesainzi dzinoti hove ndidzo dzakatanga kuvapo pasati pava nemhuka dzepanyika uye vanhu.

Bhaibheri haritauri kuti zvinhu zvipenyu hazvikwanisi kuchinja nekufamba kunenge kuchiita nguva

Zvisingataurwi neBhaibheri

Vamwe vanhu vanoti zvinotaurwa muBhaibheri hazvipindirani nezvakawanikwa nenyanzvi dzesainzi. Asi mafungiro iwayo anokonzerwa nekuti vanhu havanyatsonzwisisi zvinotaurwa neBhaibheri.

Bhaibheri haritauri kuti zvinhu zviri muchadenga kana kuti nyika zvava nemakore 6 000 zviripo. Rinongotaura kuti nyika uye zvinhu zviri muchadenga zvakasikwa “pakutanga.” (Genesisi 1:1) Haritauri kuti izvozvo zvakaitika riini.

Bhaibheri haritauri kuti zvinhu zvese zvipenyu zviri panyika zvakasikwa mumazuva 6 ane maawa 24. MuBhaibheri shoko rekuti “zuva” rinogona kureva nguva yakareba zvakasiyana-siyana. Semuenzaniso, rinodana nguva yese yakatorwa pakusika zvinhu zviri muchadenga kuti “zuva rakaitwa denga nenyika naJehovha * Mwari.” (Genesisi 2:4) Zuva iroro rinosanganisirawo mazuva 6 ekusika anotaurwa muchitsauko 1 chaGenesisi. Saka zuva rimwe nerimwe remazuva 6 ekusika rakashandiswa naMwari kugadzira nyika kuti iraramike uye kusika zvinhu zvese zvipenyu zviri pairi rinogona kunge rakareba chaizvo.

Bhaibheri haritauri kuti zvinhu zvipenyu hazvikwanisi kuchinja nekufamba kunenge kuchiita nguva. Bhuku raGenesisi rinotaura kuti mhuka dzakasikwa “maererano nemarudzi adzo.” (Genesisi 1:24, 25) Shoko rekuti “marudzi” riri muBhaibheri harisi shoko resainzi, asi rinogona kunge richireva mhando dzakasiyana-siyana dzechinhu cherudzi rumwe chete. Tichitarisa zvinoreva shoko iri, mhando dzakasiyana-siyana dzechinhu cherudzi rumwe chete, dzinogara munzvimbo imwe chete, dzinogona kuramba dzichiwanda uye dzichichinja nekufamba kunenge kuchiita nguva.

Unofungei?

Sezvataurwa pamusoro apa, Bhaibheri rakatsanangura zvakarurama uye zvakajeka kuti nyika yanga yakaita sei pakutanga, uye matangiro akaita upenyu nezvinhu zviri muchadenga. Haufungiwo here kuti Bhaibheri rinotiudzawo chokwadi nezvekuti ndiani akasika zvinhu izvozvo? Bhuku rinonzi Encyclopædia Britannica rinoti: “Pfungwa yekuti pane mumwe munhu ane simba rinopfuura revanhu akaita kuti upenyu huvepo inobvumirana nezvinodzidziswa nesainzi.” *

^ ndima 17 Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.

^ ndima 20 Encyclopædia Britannica haitsigiri pfungwa yekuti zvinhu zvakaita zvekusikwa.