Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 5

Zvamungaita Kuti Murambe Muine Rugare Nehama Dzenyu

Zvamungaita Kuti Murambe Muine Rugare Nehama Dzenyu

“Pfekai . . . mutsa, pfungwa dzinozvininipisa, unyoro, nomwoyo murefu.”—VaKorose 3:12

Pamunoroorana munenge matova mhuri itsva. Kunyange zvazvo ucharamba uchida vabereki vako uye uchivaremekedza, mumwe wako ndiye anenge atova munhu anokosha kwauri kupfuura vose panyika. Izvi zvingaomera dzimwe hama dzako kuzvibvuma. Asi zvinotaurwa neBhaibheri zvingakubatsira kuziva pokugumira, kuitira kuti murambe muine rugare nehama dzenyu sezvamunoshanda nesimba kuti musimbise imba yenyu.

1 RAMBA UCHIONA HAMA DZAKO ZVAKANAKA

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Kudza baba vako naamai vako.” (VaEfeso 6:2) Pasinei nokuti wakura zvakadini, unofanira kuramba uchikudza uye uchiremekedza vabereki vako. Zivawo kuti mumwe wako, semwanakomana kana kuti mwanasikana, anofanira kuva nehanya nevabereki vake. “Rudo haruna godo,” saka usambofa wakanzwa sokuti mumwe wako ava kukurasa nemhaka yokuwirirana kwaanoita nevabereki vake.—1 VaKorinde 13:4; VaGaratiya 5:26.

ZVAUNGAITA:

  • Dzivisa kutaura kwakadai sokuti, “Hama dzako dzinogara dzichindiona semunhu asingafungi” kana kuti “Amai vako havambofi vakafarira zvandinoita”

  • Edza kuona zvinhu semaonero anoita mumwe wako

2 BUDA PACHENA PAZVINENGE ZVAKAKODZERA

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira mudzimai wake uye vachava nyama imwe.” (Genesisi 2:24) Paunova nemba vabereki vako vangaona sekuti uchiri pasi pavo, uye vangada kupindira muwanano yenyu kupfuura zvavanofanira kuita.

Zviri kwauri nemumwe wako kuti mubvumirane pamuchati apa ndipo pavanofanira kugumira zvadaro movataurira zvakanaka-naka. Munogona kuvabudira pachena musingapotereri asi muchitaura zvine ruremekedzo. (Zvirevo 15:1) Kuzvininipisa, unyoro, uye mwoyo murefu zvichakubatsirai kuti muwirirane nehama dzenyu uye kuti murambe “muchishivirirana murudo.”—VaEfeso 4:2.

ZVAUNGAITA:

  • Kana uchinetseka nokupindira kuri kuita veukama muwanano yako, taurai nezvazvo nemumwe wako zvinhu pazvinenge zvakadzikama

  • Bvumiranai kuti muchaita sei nezvazvo