Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 4

Kushandisa Kwamungaita Mari Zvakanaka

Kushandisa Kwamungaita Mari Zvakanaka

“Zvirongwa zvinosimbiswa kwazvo nokupanana mazano.”—Zvirevo 20:18

Tose zvedu tinoda mari kuti tiriritire mhuri dzedu. (Zvirevo 30:8) Uyezve, “mari inodzivirira.” (Muparidzi 7:12) Semurume nemudzimai, zvingaoma kutaura nezvemari, asi musarega mari ichikonzera matambudziko muwanano yenyu. (VaEfeso 4:32) Murume nemudzimai vanofanira kuvimbana voisa misoro pamwe chete pavanosarudza mashandisiro avachaita mari.

1 RONGAI NOKUNGWARIRA

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Ndiani wenyu anoti kana achida kuvaka shongwe asingatangi agara pasi, overenga zvinodiwa, kuti aone kana aine zvakakwana zvokuipedza nazvo?” (Ruka 14:28) Zvinokosha kuti muronge pamwe chete mashandisire amuchaita mari yenyu. (Amosi 3:3) Sarudzai zvamunoda kutenga uye kuti imarii yamungashandisa. (Zvirevo 31:16) Kuva nemari inokwana kutenga chimwe chinhu hakurevi hako kuti munotofanira kuchitenga. Edzai kuita kuti musava nezvikwereti. Shandisai mari yamuinayo kwete yamusina.—Zvirevo 21:5; 22:7.

ZVAMUNGAITA:

  • Kana pakupera kwemwedzi mukaona kuti paurongwa hwenyu hwokushandisa mari pane ichasara, sarudzai pamwe chete zvamuchaita nayo

  • Kana mari yenyu isiri kukwana, nyatsorongai zvamungaita kuti muderedze zvinokudyirai mari. Somuenzaniso, pane kutenga zvokudya zvakabikwa kare mungaita zvokubika moga

2 BUDIRANAI PACHENA UYE ONAI ZVINHU SEZVAZVIRI

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: ‘Ita zvinhu zvose nokutendeseka kwete pamberi paJehovha chete, asiwo pamberi pevanhu.’ (2 VaKorinde 8:21) Budira mumwe wako pachena nezvemari yaunotambira uye yaunoshandisa.

Nguva dzose inzwawo zvinofungwa nemumwe wako pakuita zvisarudzo zvakakura zvine chokuita nemari yenyu. (Zvirevo 13:10) Kutaurirana nezvemari kuchaita kuti mumhuri menyu murambe muine rugare. Ona mari yaunowana, kwete semari yako, asi semari yemhuri.—1 Timoti 5:8.

ZVAUNGAITA:

  • Bvumiranai kuti mumwe nemumwe angashandisa mari yakawanda sei asingabvunzi mumwe

  • Musamirira kuti dambudziko ritange ramuka kuti muzotaura nezvemari