Enda pane zvauri kuda

Mepu Yenzvimbo Dzinotaurwa muBhaibheri

Mepu Yenzvimbo Dzinotaurwa muBhaibheri

Bhuku rinonzi “Ona Nyika Yakanaka” rine mamepu anoratidza nzvimbo dzinotaurwa muBhaibheri uye richakubatsira paunenge uchidzidza Bhaibheri uri wega. MuBhaibheri munotaurwa nezvenzvimbo, maguta nenyika dzakawanda. Bhuku rino rine mamepu achakubatsira kuti unakidzwe nekudzidza Bhaibheri. Richakubatsira kufungidzira kwakaitikira dzimwe nyaya dzinotaurwa muBhaibheri uye kuti nzvimbo dzacho dzakanga dzakaita sei. Uchabva wanyatsonzwisisa kuti zvimwe zvakaitika zvinorondedzerwa muBhaibheri zvinonyatsoenderana nekwazvakaitikira.

Bhuku rinonzi “Ona Nyika Yakanaka” rizere nemamepu uye machati anoratidza nzvimbo dzinotaurwa muBhaibheri. Rine mapikicha nezvimwewo zvakawanda zvichakubatsira kuti uwedzere kunakidzwa nekudzidza Bhaibheri.

Bhuku iri richakubatsira

  • kunzwisisa nzendo dzakaitwa naAbrahamu, Isaka naJakobho

  • kuona mafambiro akaita vaIsraeri pavakabuda muIjipiti vachienda kuNyika Yakapikirwa

  • kuona paiva nenyika yevaIsraeri nenyika dzevavengi vavo

  • kuona nzvimbo dzakafambwa naJesu paaiparidza

  • kuona kukura kwakanga kwakaita humwe umambo hunotaurwa muBhaibheri kusanganisira Bhabhironi, Girisi neRoma

Unogona kuverenga bhuku iri paindaneti.