Enda pane zvauri kuda

Pfupiso Yezviri muBhaibheri

Pfupiso Yezviri muBhaibheri

Kubvira kare, hapana rimwe bhuku rakapararira muvanhu kupfuura Bhaibheri, uye vakawanda vanorikoshesa. Asi pamwe wakambozvibvunza kuti, ‘Bhuku iri rinombotaura nezvei?’

Bhuku rinonzi Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei? rine pfupiso yezviri muBhaibheri inogona kukubatsira kunzwisisa dingindira kana kuti nyaya hombe inotaurwa muBhaibheri. Pfupiso yacho inotangira mubhuku raGenesisi rinotaura nezvenyaya yekusikwa kwakaitwa zvinhu kusvikira mubhuku raZvakazarurwa rinotaura nezveramangwana rakanaka. Rinoratidzawo makore akaitika zvimwe zviitiko zvinokosha zvinotaurwa muBhaibheri uye rinewo mapikicha akanaka nemibvunzo yekufunga nezvayo.

Verenga bhuku rinonzi Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei? paIndaneti.