Enda pane zvauri kuda

Ndingaita Sei Zvisarudzo Zvakanaka?

Ndingaita Sei Zvisarudzo Zvakanaka?

Mhinduro yeBhaibheri

 Bhaibheri rinotipa mazano anotibatsira kuti tiite zvisarudzo zvakanaka. Rinogona kutibatsira kuti ‘tiwane uchenjeri uye mwoyo unonzwisisa.’ (Zvirevo 4:5) Dzimwe nguva rinototiudza zvatinofanira kuita. Pamwe pacho rinotipa mazano anotibatsira kuita chisarudzo chakanaka.

Zviri munyaya ino

 Mazano anokubatsira kuti uite chisarudzo chakanaka

  •   Usamhanya paunenge uchida kuita chisarudzo chinokosha. Bhaibheri rinoti: “Munhu ane njere anofungisisa nhanho imwe neimwe.” (Zvirevo 14:15) Kana ukamhanyira kuita chisarudzo, unogona kutadza kufunga zvimwe zvinhu zvinokosha. Wana nguva yekunyatsofunga zvaunenge uchida kusarudza.—1 VaTesaronika 5:21.

  •   Usaita chisarudzo zvichibva pamanzwiro aunenge uchingoita chete. Bhaibheri rinotiyambira kuti hatigoni kuvimba nemwoyo wedu nguva dzese. (Zvirevo 28:26; Jeremiya 17:9) Semuenzaniso, tinogona kutadza kuita zvisarudzo zvakanaka patinenge takagumbuka, takaora mwoyo, tichimhanya-mhanya kana kuti takanyanya kuneta.—Zvirevo 24:10; 29:22.

  •   Nyengeterera uchenjeri. (Jakobho 1:5) Mwari anofarira kupindura minyengetero yakadaro. NdiBaba vane rudo vanoda kuti vana vavo vasangozvipinza mumatambudziko. “Jehovha pachake anopa uchenjeri; mumuromo make munobuda ruzivo neungwaru.” a (Zvirevo 2:6) Chinhu chaanonyanya kushandisa kutipa uchenjeri ihwohwo iShoko rake, Bhaibheri.—2 Timoti 3:16, 17.

  •   Tsvakurudza. Kuti uite chisarudzo chakanaka, unofanira kunge uine mashoko echokwadi. Bhaibheri rinoti “munhu akachenjera anoteerera uye anoramba achidzidza.” (Zvirevo 1:5) Ungawanepi mashoko anobatsira uye echokwadi?

     Chekutanga, ongorora kuti Bhaibheri rinotii nezvenyaya yauri kufunga nezvayo. Sezvo Musiki wedu achiziva zvakatinakira, Shoko rake ndiro rine mazano atinogona kunyatsovimba nawo. (Pisarema 25:12) Pane dzimwe nyaya, Bhaibheri rine mitemo inotiudza zvatinofanira kuita. (Isaya 48:17, 18) Asi panyaya dzakawanda Bhaibheri haritiudzi zvekuita, rinongotipa mazano anotitungamirira. Mazano aya anogona kutibatsira kuti tiite chisarudzo chakanaka, kunyange zvazvo chingasiyana nechaizoitwa nemumwe munhu. Kuti uwane mavhesi eBhaibheri anogona kukubatsira pakuita chisarudzo, tsvakurudza mumabhuku anotsanangura Bhaibheri akaita seanowanika panzvimbo ino yepaindaneti. b

     Pane zvimwe zvisarudzo, ungatofanira kuongorora mamwe mashoko anovimbwa nawo. Semuenzaniso, usati watenga chimwe chinhu, kunyanya chiya chinodhura, kunenge kuri kuchenjera kuti utange watsvaga mashoko nezvechinhu chacho uye vanochigadzira. Unofanirawo kuziva zvaungaita kana ukawana chinhu chacho chakakanganisika kana kuti uchida kuchidzorera. Unofanirawo kuva nechokwadi chekuti chinhu chacho ndicho chaicho chauri kuda.

     Bhaibheri rinoti, “Zvirongwa zvinokundikana kana pasina kubvunza vamwe.” (Zvirevo 15:22) Saka usati waita chisarudzo, bvunza vanhu vanogona kuvimbwa navo. Semuenzaniso, kana uchida kusarudza marapirwo aungaitwa, zvakanaka kuti ubvunze chiremba. (Mateu 9:12) Dzimwe nguva, unogona kutaura nevanhu vakasanganawo nezvinhu zvauri kusangana nazvo. Asi yeuka kuti ndiwe unofanira kuita chisarudzo kwete vanhu vaunobvunza, nekuti zvauchasarudza zvichabatsira iwe kana kuti zvichakuipira.—VaGaratiya 6:4, 5.

  •   Ongorora mashoko ese aunenge watsvaga. Uchishandisa mashoko aunenge wawana, unogona kunyora pasi zvaungada kusarudza. Nyorawo pasi zvakanakira uye zvakaipira chisarudzo chimwe nechimwe. Uye nyatsofunga kuti zvauri kuda kusarudza zvichaguma nei. (Dheuteronomi 32:29) Semuenzaniso, funga kuti chisarudzo chako chichabatsira kana kukanganisa sei iwewe, vemumhuri mako kana kuti vamwe vanhu? (Zvirevo 22:3; VaRoma 14:19) Kana ukafunga nezvemibvunzo iyi uye mazano ari muBhaibheri uchaita chisarudzo chakanaka uye chinoratidza kuti unoda vamwe.

  •   Ita chisarudzo. Dzimwe nguva tinogona kuzeza kuita chisarudzo nekuti tinenge tisina chokwadi chekuti zvichazofamba sei. Asi kana tikasaita chisarudzo, tinogona kurasikirwa nemukana wacho kana kuzvipinza mumatambudziko. Tinogona kutoti kusaita chisarudzo kunoratidza upenzi kungofanana nekuita chisarudzo chakaipa. Bhaibheri rinotibatsira kunzwisisa izvi parinofananidza nyaya yekuita chisarudzo nekurima richiti: “Ani naani anotarira mhepo haangadyari; ani naani anotarira makore haangakohwi.”—Muparidzi 11:4, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

 Yeukawo kuti kunyange chisarudzo chakanaka chinogona kukundikana. Kazhinji paunosarudza chimwe chinhu unofanira kutorega chimwe. Uye panogona kuitikawo zvinhu zvatinenge tisingatarisiri. (Muparidzi 9:11) Saka shandisa mashoko anobatsira aunenge wawana, woita chisarudzo chaunoona kuti chinogona kubudirira.

 Ndinofanira kuchinja chisarudzo chandakatoita here?

 Munhu anogona kuchinja chisarudzo chaakatoita. Mamiriro ako ezvinhu anogona kuchinja kana kuti unogona kuona kuti chisarudzo chawakaita hachisi kuenderana nezvawaitarisira. Saka kunenge kuri kuchenjera kuitazve chimwe chisarudzo chinoita kuti zvinhu zvifambe nenzira yawakaronga.

 Asi pane zvimwe zvisarudzo zvisingafaniri kuchinjwa. (Pisarema 15:4) Semuenzaniso, Mwari anoda kuti murume nemudzimai vachengete mhiko yavo yemuchato. c (Maraki 2:16; Mateu 19:6) Panomuka matambudziko muwanano, vakaroorana vanofanira kushanda nesimba kuti vaagadzirise pane kuti vadambure muchato.

 Ko kana ndakaita chisarudzo chisina kunaka chandisingakwanisi kuchinja?

 Pane imwe nguva, tese takamboita chisarudzo chisina kunaka. (Jakobho 3:2) Tinogona kuzvidemba kana kuti kuzvipa mhosva, uye hapana chakaipa nekudaro. (Pisarema 69:5) Kana tichimbonzwa saizvozvo, zvakanaka, nekuti zvinogona kutibatsira kuti tisazodzokorora kuita chisarudzo ichocho chisina kunaka! (Zvirevo 14:9) Asi Bhaibheri rinotikurudzira kuti tisanyanya kuzvipa mhosva nekuti izvozvo zvinotiodza mwoyo uye zvinotitadzisa kufunga zvakanaka. (2 VaKorinde 2:7) d Bhaibheri rinoti, “Jehovha ane ngoni netsitsi.” (Pisarema 103:8-13) Saka dzidza kubva pachisarudzo chisina kunaka chawakaita uye ita zvaunogona kuti zvinhu zviite nani.

a Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.—Pisarema 83:18.

b Kana uine chisarudzo chauri kuda kuita, unogona kutsvaga mashoko pajw.org. Kuti uwane mashoko acho, unonyora shoko kana kuti mashoko ane chekuita nechisarudzo chauri kuda kuita. Website ino ine mazano eBhaibheri panyaya dzakawanda. Uyewo unogona kutsvaga shoko raunenge uchida pachikamu cheBhaibheri reShanduro Yenyika Itsva chakanzi “Indekisi Inobatsira Kutsvaga Mashoko muBhaibheri.”

c Mwari anoda kuti vari muwanano vagare pamwe chete chero bedzi vari vachiri vapenyu. Anongobvumira kuti vadambure muchato voroorana nemumwe kana mumwe wavo aita upombwe. (Mateu 19:9) Kana muine matambudziko muwanano yenyu, Bhaibheri rinogona kukubatsirai kuti muagadzirise zvine rudo uye zvine uchenjeri.

d Kuti uwane mamwe mashoko, ona nyaya yakanzi “Bhaibheri Rinogona Kundinyaradza Here Kana Ndichizvipa Mhosva?