Enda pane zvauri kuda

Nhoroondo Dzine Chokuita naJesu Dzakanyorwa Riini?

Nhoroondo Dzine Chokuita naJesu Dzakanyorwa Riini?

Mhinduro yeBhaibheri

 Maererano nemashoko akanyorwa ezvakaitika muupenyu hwaJesu, muapostora Johani akanyora kuti: “Akazviona akapupurira, uye uchapupu hwake ndehwechokwadi, uye munhu iyeye anoziva kuti anotaura zvinhu zvechokwadi, kuti imi mutendewo.”​—Johani 19:35.

 Chimwe chikonzero chinoita kuti tivimbe nezvinotaurwa neEvhangeri yakanyorwa naMateu, Mako, Ruka, uye Johani ndechokuti panguva yainyorwa nhoroondo idzi kwaiva nevanhu vakawanda vaiona nyaya dzacho dzichiitika. Zvimwe zvinyorwa zvinoratidza kuti Evhangeri yaMateu yakanyorwa makore masere Kristu afa, munenge muna 41 C.E. Nyanzvi dzakawanda dzakadzidza dzinoti yakanyorwa makore akawanda Kristu afa, asi vakawanda vanobvumirana nepfungwa yokuti mabhuku ose eMagwaro echiKristu echiGiriki akanyorwa muzana remakore rokutanga.

 Vanhu vakaona Jesu ari mupenyu pasi pano, vakaona kufa kwake, uye kumutswa kwake vaigona kutaura kuti zvakanyorwa muEvhangeri ndezvechokwadi. Vaigona kudai vakataura kuti pane mashoko asina kururama kudai aivamo. Mumwe purofesa anonzi F. F. Bruce anoti: “Chimwe chinhu chaiita kuti kuparidzira kwevaapostora kare kuve nesimba, kuteterera nechivimbo kwavaiita kuvateereri vavo; vakanga vasingangoti, ‘Tiri zvapupu zvezvinhu izvi,’ asiwo vaiti, ‘Sezvamunozivawo imi’ (Mabasa 2:​22).”