Enda pane zvauri kuda

Mudzimai waKaini Aiva Ani?

Mudzimai waKaini Aiva Ani?

Mhinduro yeBhaibheri

 Kaini ndiye aiva dangwe remurume nemukadzi vekutanga. Akaroora mumwe wehanzvadzi dzake kana kuti imwe hama yepedyo. Tinogona kutaura izvozvo kana tikaongorora zvinotaurwa neBhaibheri nezvaKaini uye mhuri yavo.

Chokwadi nezvaKaini uye mhuri yavo

  •   Vanhu vese vakabva kuna Adhamu naEvha. Mwari “akaita marudzi ose evanhu kubva pamunhu mumwe chete [Adhamu], kuti agare pamusoro penyika yose.” (Mabasa 17:26) Evha mudzimai waAdhamu ndiye “amai vevanhu vose vapenyu.” (Genesisi 3:20) Saka Kaini anofanira kunge akaroora mumwe wevana kana vazukuru vaAdhamu naEvha.

  •   Kaini nemunin’ina wake Abheri ndivo vekutanga pavana vakawanda vakaberekwa naEvha. (Genesisi 4:​1, 2) Kaini paakadzingwa kwaaigara nekuti akanga auraya munin’ina wake, akachema-chema kuna Mwari achiti: “Ani naani achandiwana achandiuraya.” (Genesisi 4:14) Ndiani aityiwa naKaini? Bhaibheri rinotaura kuti Adhamu “akabereka vanakomana nevanasikana.” (Genesisi 5:4) Saka zviri pachena kuti vamwe vana ava vaAdhamu vaigona kuuraya Kaini.

  •   Kare kare vanhu veukama vaigona kuroorana. Semuenzaniso, Abrahamu murume ainge akatendeka, akaroora mwana wababa vake, asi vanaamai vavo vakanga vakasiyana. (Genesisi 20:12) Izvozvo zvakazotanga kurambidzwa neMutemo waMosesi wakazonyorwa mazana emakore pashure pekunge Kaini afa. (Revhitiko 18:9, 12, 13) Zvinoita sekuti kare kare, vana vaizvarwa kana hama dzepedyo dzaroorana vaisawanzoita urema sezvinoitika mazuva ano.

  •   Bhaibheri rinoratidza kuti nhoroondo yaAdhamu naEvha nemhuri dzavo ndeyechokwadi. Nhoroondo dzemadzinza evanhu kubvira kuna Adhamu dzinowanika mubhuku raGenesisi rakanyorwa naMosesi, uyewo mune zvakanyorwa naEzra naRuka, avo vaiva vaongorori venhoroondo. (Genesisi 5:3-5; 1 Makoronike 1:1-4; Ruka 3:38) Vanyori veBhaibheri vakataura nhoroondo yaKaini vachiratidza kuti ndeyechokwadi.​—VaHebheru 11:4; 1 Johani 3:12; Judha 11.