Enda pane zvauri kuda

Nei Kuine Machechi Akawanda?

Nei Kuine Machechi Akawanda?

Mhinduro yeBhaibheri

 Vanhu vari kushandisa zvakadzidziswa naJesu Kristu kuti vatange machechi akasiyana-siyana. Asi Bhaibheri rinoratidza kuti kunongova nokunamata kumwe chete kwechokwadi. Pane zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti tidaro, asi ingonzwa 3 zvacho.

  1.   Jesu akataura kuti aidzidzisa “chokwadi,” uye vaKristu vepakutanga vaiti chitendero chavo ndicho “chokwadi.” (Johani 8:32; 2 Petro 2:2; 2 Johani 4; 3 Johani 3) Izvi zvinoratidza kuti vanhu vanotsigira dzidziso dzisingapindirani nezvakadzidziswa naJesu vanenge vasiri vaKristu vechokwadi.

  2.   Bhaibheri rinodzidzisa kuti vaKristu ‘vose vanofanira kutaura vachibvumirana.’ (1 VaKorinde 1:10) Asi machechi akawanda haabvumirani pazvinhu zvidiki zvakadai sokuti chii chinonzi muKristu. Saka hazvingaiti kuti titi machechi ose ndeechokwadi.​—1 Petro 2:21.

  3.   Jesu akataura kuti vanhu vakawanda vaizozviti vaKristu asi vachikundikana kuteerera mitemo yake saka aizovaramba. (Mateu 7:21-23; Ruka 6:46) Vamwe vaizotsauswa nevatungamiriri vezvitendero vanokanganisa kunamata kwechokwadi nechinangwa chokuti zvinhu zvivanakire ivo. (Mateu 7:15) Asi vamwe vanhu vanoenda kuchechi dzavanoziva kuti hadzisi dzechokwadi nokuti vanenge vachingoda kunzwa zvinhu zvinofadza nzeve dzavo panzvimbo pokunzwa chokwadi chiri muBhaibheri.​—2 Timoti 4:3, 4.

 Jesu akashandisa mufananidzo wegorosi nemasora kuti aratidze kuti paizova nevanhu vakawanda vaizotsauka pachiKristu chechokwadi. (Mateu 13:24-30, 36-43) Zvakatora nguva yakareba kuti musiyano waiva pakati pevaKristu vechokwadi nevenhema unyatsooneka. Saka pakafa vaapostora, vanhu vakawanda vakatsauka pakutenda sezvakanga zvataurwa naJesu. (Mabasa 20:29, 30) Kunyange zvazvo vanhu vakatsauka pakutenda vachidzidzisa zvakasiyana-siyana, vose “vakatsauka pachokwadi.”​—2 Timoti 2:18.

 Jesu akagara ataurawo kuti musiyano wevaKristu vechokwadi nevenhema waizonyatsooneka. Tiri kuuona munguva ino yatiri kurarama, ‘yekuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino.’​—Mateu 13:30, 39.