Enda pane zvauri kuda

Ndingaitei Kuti Ndisashungurudzwa Panyaya Dzepabonde?

Ndingaitei Kuti Ndisashungurudzwa Panyaya Dzepabonde?

Mhinduro yeBhaibheri

 Funga nezvemazano aya anobatsira anobva muBhaibheri:

  1.   Usanyanyisa kusununguka. Iva munhu akanaka uye remekedza vaunoshanda navo, asi usashamwaridzana navo zvokuti vanobva vafunga kuti munogona kudanana.​—Mateu 10:16; VaKorose 4:6.

  2.   Pfeka zvine mwero. Ukapfeka mbatya dzinokwezva zvinoita kuti vanhu vakufungire zvisizvo. Bhaibheri rinotiudza kuti tipfeke zvine ‘mwero uye tive nepfungwa dzakanaka.’​—1 Timoti 2:9.

  3.   Sarudza shamwari dzakanaka. Kana ukapedza nguva uine vanhu vanofarira kutamba kwerudo kana kuti nyaya dzerudo, vanhu vachakuona sokuti ndizvo zvaunofarirawo.​—Zvirevo 13:20.

  4.   Usafarira mashoko akaipa. Kana vanhu vakatanga kutaura “nyaya dzakasviba, kutaura kwoupenzi, kana kuti majee anonyadzisa,” ibvapo.​—VaEfeso 5:4, God’s Word Bible.

  5.   Usazviisa pangozi. Somuenzaniso, usabvuma kukumbirwa kuti usare uri pabasa nguva dzokupedza basa dzakwana kana pasina chikonzero chine musoro.​—Zvirevo 22:3.

  6.   Usapoterera pakutaura. Kana uchinge washungurudzwa panyaya dzepabonde, jekesera munhu wacho kuti haudi kuzviona zvichiitika zvakare. (1 VaKorinde 14:9) Somuenzaniso unogona kuti: “Kuramba uchindigumha kwaunoita ini handikufariri. Ngazvipere.” Unogona kunyorera tsamba munhu akushungurudza uchimutsanangurira zvaitika, womuudza kuti sei usingazvifariri, uye zvaunoda kuona zvichiitika nguva inotevera. Jekesa kuti zvaunodzidza muShoko raMwari ndizvo zvinoita kuti usada kuita zvinhu zvisina basa.​—1 VaTesaronika 4:3-5.

  7.   Tsvaka rubatsiro. Kana kushungurudzwa uku kukaramba kuchiitika, udza shamwari yako yaunovimba nayo, mumwe wemumhuri menyu, kana kuti waunoshanda naye kana mumwe ane ruzivo rwokubatsira vanenge vashungurudzwa. (Zvirevo 27:9) Vakawanda vakashungurudzwa vakabatsirwa nokunyengetera. Kunyange kana usina kumbobvira wanyengetera, usarerutsa rubatsiro rwunobva kuna Jehovha, “Mwari wokunyaradza kwose.”​—2 VaKorinde 1:3.

 Kushungurudzwa panyaya dzepabonde kunoita kuti vanhu vakawanda vasafara kumabasa, asi Bhaibheri rinogona kubatsira.