Enda pane zvauri kuda

Jesu Aingovawo Zvake Munhu Akanaka Here?

Jesu Aingovawo Zvake Munhu Akanaka Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Jesu aisangozivikanwa chete semunhu akanaka. Zvatingangotaura ndezvokuti zvaakaita muupenyu hwake zvinochinja upenyu hwevanhu vakawanda. Ona zvakataurwa nevanyori uye nyanzvi dzinoongorora nhoroondo dzezvakaitika kare dzine mukurumbira:

 “Jesu wekuNazareta. . . ndiye munhu anonyanya kuzivikanwa muupenyu hwevanhu.”​—H. G. Wells, nyanzvi yeChirungu inoongorora nhoroondo dzezvakaitika kare.

 “Upenyu [hwaJesu] hwakachinja mararamiro evanhu vakawanda pasi rose kudarika zvati zvakamboitwa nemumwe munhu uye nanhasi huchiri kuchinja upenyu hwevanhu.”​—Kenneth Scott Latourette, nyanzvi yokuAmerica inoongorora nhoroondo dzezvakaitika kare uye munyori wemabhuku.

 Bhaibheri rinoratidza kuti sei upenyu hwaJesu hwakachinja mararamiro evanhu vakawanda kudarika zvati zvamboitwa nemumwe munhu. Jesu paakabvunza vateveri vake vaaigara achifamba navo kuti vaifunga kuti akanga ari ani, mumwe wavo akapindura zvakarurama achiti: “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.”​—Mateu 16:16.