Enda pane zvauri kuda

Barika Rinobvumirwa Here?

Barika Rinobvumirwa Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Kwekanguva, Mwari akambobvumira murume kuti aroore madzimai akawanda. (Genesisi 4:​19; 16:​1-4; 29:​18-​29) Asi Mwari haasi iye akaita kuti pave netsika yokuparika. Akapa Adhamu mudzimai mumwe chete.

 Mwari akapa Jesu Kristu masimba okuti amutsidzire mutemo wake wepakutanga-tanga wokuti murume mumwe chete anofanira kuva nemudzimai mumwe chete. (Johani 8:​28) Paakabvunzwa nezvewanano, Jesu akati: “Iye akavasika kubva pakutanga akavaita munhurume nomunhukadzi. Uyewo kuti akati, ‘Saka murume achasiya baba vake naamai vake onamatira mudzimai wake, uye vaviri vacho vachava nyama imwe.’”​—Mateu 19:​4, 5.

 Mumwe wevadzidzi vaJesu akazofemerwa naMwari kuti anyore kuti: “Murume mumwe nomumwe ngaave nomudzimai wake uye mukadzi mumwe nomumwe ave nomurume wake.” (1 VaKorinde 7:2) Bhaibheri rinotaurawo kuti, kuti murume akaroora anenge ari muungano yechiKristu apiwe mabasa okuita muungano, anofanira kunge ari “murume ane mudzimai mumwe chete.”​—1 Timoti 3:​2, 12.