Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

VaRoma 12:2—“Pfungwa Dzenyu Ngadzishandurwe, Kuti Muve Vatsva”

VaRoma 12:2—“Pfungwa Dzenyu Ngadzishandurwe, Kuti Muve Vatsva”

 “Regai kusiya nyika ino ichikuumbai, asi pfungwa dzenyu ngadzishandurwe, kuti muve vatsva, muzive mega kuda kwaMwari kwakanaka, kwaanogamuchira uye kwakakwana.”—VaRoma 12:2, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

 “Musaramba muchizvienzanisa namaitiro enyika ino, asi mushandurwe nokuvandudzwa kwepfungwa dzenyu. Ipapo muchakwanisa kuti muedze uye mugoziva kuti kuda kwaMwari ndokupi, kuda kwake kwakanaka, kunomufadza uye kwakakwana.”—VaRoma 12:2, Bhaibheri Dzvene muchiShona Chanhasi.

Zvinorehwa naVaRoma 12:2

 Vaya vanoda kufadza Mwari havafaniri kungogumira pakutambira kure nezvinhu zvinogona kuvakanganisa asi vanofanirawo kuchinja unhu hwavo. Mwari haavamanikidzi kuti vachinje, vanoita izvozvo nekuti vanomuda uye vanoona kuti zvaanoda hazvina kuoma uye zvinovabatsira.—Isaya 48:17.

 “Regai kusiya nyika ino ichikuumbai.” “Nyika ino,” kureva vanhu vari munyika netsika dzavo, maitiro avo uye unhu hwavo, hazviratidzi zvinodiwa naMwari. (1 Johani 2:15-17) Inoramba ichimanikidzira vanhu kuti vave nemaitiro uye mafungiro ayo. Kuti munhu anamate zvinogamuchirwa naMwari anofanira kuramba kufurirwa nenyika ino nekuti akasadaro anotanga kuva neunhu hunomukuvadza uye husingafadzi Mwari.—VaEfeso 2:1-3; 4:17-19.

 “Pfungwa dzenyu ngadzishandurwe, kuti muve vatsva.” Munhu anofanirawo kushanda nesimba kuti achinje zvaari nechemukati. Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “ngadzishandurwe,” rinoratidza kuti uku kuchinja kwakakura chaizvo. Rinotsanangura kuchinja kwakaita sekwegonye richiva bhatafurayi. Vaya vanonamata Mwari vanofanira kupfeka “unhu hutsva.”—VaEfeso 4:23, 24; VaKorose 3:9, 10.

 “Muzive mega kuda kwaMwari kwakanaka, kwaanogamuchira uye kwakakwana.” Mwari anoda kuti vaya vanomunamata vave nechokwadi chezvavanotenda. Vanoita izvi nekudzidza Shoko raMwari, kushandisa zvarinotaura, uye kuona kubatsirwa kwavanoitwa pavanorarama maererano nemitemo yaMwari. Saka vanova nechokwadi pachavo kuti zvinotaurwa naMwari ndizvo zvakavanakira.—Pisarema 34:8.

Mashoko Akapoteredza VaRoma 12:2

 Chitsauko 12 chaVaRoma chinotsanangura kuti kunamata Mwari zvinogamuchirika kunosanganisirei. Kunamata ikoko kunobata zvese zvinoitwa nemunhu muupenyu hwake uye kunoda kuti munhu ashandise ‘pfungwa dzake’ pane kungotenda zvese zvese. (VaRoma 12:1, 3) Chitsauko chacho chine mazano anoshanda anobatsira pakuratidza unhu hwakaita sehwaMwari, pakugarisana nevamwe, uye zvekuita patinobatwa zvisina kunaka.—VaRoma 12:9-21.