Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

VaFiripi 4:13—“Ndinogona Kuita Zvinhu Zvese Nekuda kwaKristu”

VaFiripi 4:13—“Ndinogona Kuita Zvinhu Zvese Nekuda kwaKristu”

 “Ndine simba rekuita zvinhu zvese nekuti pane anondipa simba.”—VaFiripi 4:13, Bhaibheri—Shanduro Yenyika Itsva.

 “Ndinogona kuita zvinhu zvese nekuda kwaKristu uyo anondipa simba.”—VaFiripi 4:13, New King James Version.

Zvinorehwa naVaFiripi 4:13

 Mashoko aya akanyorwa nemuapostora Pauro anovimbisa vaya vanonamata Mwari kuti vachapiwa simba rekuti vaite kuda kwake.

 Mamwe maBhaibheri anoti Kristu ndiye aipa Pauro simba. Asi shoko rekuti “Kristu” haripo pavhesi iyi mumagwaro ekare kare echiGiriki. Saka maBhaibheri akawanda emazuva ano anoshandisa mashoko akadai seekuti “pane anondipa simba.” (Bhaibheri—Shanduro Yenyika Itsva), “naiye anondipa simba” (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi), uye “nokuda kwouya anondipa simba” (Bhaibheri Rine Apokirifa). Saka Pauro aireva ani paaitaura mashoko aya?

 Mavhesi akapoteredza anoratidza kuti Pauro aitaura nezvaMwari. (VaFiripi 4:6, 7, 10) Mutsamba imwe chete iyoyo, Pauro akanyorera vaFiripi kuti: “Mwari . . . ndiye ari kukupai simba, achikupai . . . simba rekuzviita.” (VaFiripi 2:13) Uye pana 2 VaKorinde 4:7, akanyora kuti Mwari ndiye aimupa simba rekuti akwanise kuita ushumiri hwake. (Enzanisa na2 Timoti 1:8.) Saka pane zvikonzero zvinoita kuti titi Pauro aitaura nezvaMwari achimuti ndiye ‘aimupa simba.’

 Pauro airevei paakanyora kuti aizopiwa simba “rekuita zvinhu zvese”? Anofanira kunge aireva zvinhu zvakasiyana-siyana zvaakasangana nazvo pakushumira Mwari. Pasinei nekuti aiva nezvakawanda zvekurarama nazvo kana kuti zvishoma, aivimba naMwari kuti amutsigire. Saka Pauro akadzidza kugutsikana pasinei nemamiriro ake ezvinhu.—2 VaKorinde 11:23-27; VaFiripi 4:11.

 Mashoko aPauro anogona kusimbisa vanamati vaMwari mazuva ano. Mwari achavapa simba ravanoda kuti vatsungirire miedzo uye vaite kuda kwake. Mwari anogona kuvapa simba achishandisa mweya wake mutsvene, vamwe vavanonamata navo, uyewo Shoko rake Bhaibheri.—Ruka 11:13; Mabasa 14:21, 22; VaHebheru 4:12.

Mashoko akapoteredza VaFiripi 4:13

 Mashoko aya akanyorwa nechekwekupedzisira kwetsamba yaPauro kuvaKristu vaiva muFiripi. Akanyora tsamba iyi munenge muna 60-61 C.E., paakasungwa kekutanga muRoma. Hatinyatsozivi kuti pakanga pava nenguva yakareba zvakadini vaKristu vemuFiripi vachitadza kubatsira muapostora Pauro pane zvaaida. Asi iye zvino vakanga vava kutumira Pauro zvipo kuti abatsirike.—VaFiripi 4:10, 14.

 Pauro akarumbidza chaizvo vaKristu vemuFiripi nekupa kwavakaita uye akavaudza kuti akanga aine zvaaida kuti ararame. (VaFiripi 4:18) Akashandisawo mukana iwoyo kuti avaudze chimwe chinhu chinokosha chinofanira kuzivikanwa nemuKristu wese muupenyu: VaKristu vese, vangava vapfumi kana varombo, vanogona kunyatsogutsikana muupenyu kana vachivimba kuti Mwari anovabatsira.—VaFiripi 4:12.