Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Pisarema 37:4—“Farai Kwazvo Muna TENZI”

Pisarema 37:4—“Farai Kwazvo Muna TENZI”

 “Wana mufaro mukuru muna Jehovha, uye iye achakupa zvinodiwa nemwoyo wako.”—Pisarema 37:4, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

 “Farai kwazvo muna TENZI, iye agokupai zvinoda mwoyo yenyu.”—Pisarema 37:4, Bhaibheri Rine Apokirifa.

Zvinorehwa naPisarema 37:4

 Munyori wepisarema ari kukurudzira vashumiri vaMwari kuti vawane mufaro unobva pakuva neushamwari hwepedyo naMwari. Vese vane ushamwari hwakadaro naJehovha a Mwari vanogona kuva nechokwadi chekuti achavapa zvavanenge vachida zvinoenderana nekuda kwake.

 “Wana mufaro mukuru muna Jehovha.” Mashoko aya anogonawo kushandurwa achinzi “wana mufaro wako mukuru muna Jehovha,” “fara nekuti unoshumira ISHE,” kana kuti “farira zvawakavimbiswa naISHE.” Zvazvinongoreva ndezvekuti tinofanira ‘kuwana mufaro wedu mukuru’ pakushumira Mwari wechokwadi. (Pisarema 37:4) Nei tichidaro?

 Sezvinotaurwa muBhaibheri, vaya vanoshumira Jehovha vanoona zvinhu sezvaanoita. Vanoziva Mwari uye vanozivawo kuti kumuteerera kunoratidza uchenjeri. Izvi zvinoita kuti varambe vaine hana yakanaka uye vasazvipinza mumatambudziko anosangana nevakawanda muupenyu. (Zvirevo 3:5, 6) Semuenzaniso, havatsamwi, havanzwi godo kana kuva neruchiva pavanoona vanhu vane makaro kana kuti vasina kuvimbika vachiita sevari kubudirira. (Pisarema 37:1, 7-9) Vanhu vaMwari vanofara kuziva kuti achagumisa kusabatwa zvakanaka kuri kuitwa vanhu uye kuti achapa vanhu vakatendeka mubayiro nekuti vanoita zvakanaka. (Pisarema 37:34) Vanewo mufaro mukuru unobva pakuziva kuti vanofarirwa naBaba vavo vekudenga.—Pisarema 5:12; Zvirevo 27:11.

 “Iye achakupa zvinodiwa nemwoyo wako.” Mashoko aya anogonawo kushandurwa achinzi “achapindura minyengetero yako” kana kuti “achakupa zvaunonyanya kuda.” Chokwadi ndechekuti Jehovha haangotipi zvese zvatinenge takumbira. Sezvinoitwa nemubereki akanaka, Jehovha anoziva zvakanakira vana vake. Uyewo, zvatinokumbira uye mararamiro edu zvinofanira kuenderana nezvaanoda uye chinangwa chake. (Zvirevo 28:9; Jakobho 4:3; 1 Johani 5:14) Kana zvakadaro, tinogona kunyengetera ‘kuMunzwi wemunyengetero’ tiine chokwadi chekuti anotinzwa.—Pisarema 65:2; Mateu 21:22.

Mashoko akapoteredza Pisarema 37:4

 Pisarema 37 rakanyorwa naMambo Dhavhidhi weIsraeri. Akanyora pisarema iri achitevedzera arufabheti yechiHebheru. b

 Dhavhidhi akabatwa zvisina kunaka kakawanda. Aivhimwa naMambo Sauro nevamwewo vaida kumuuraya. (2 Samueri 22:1) Asi Dhavhidhi akaramba achivimba naMwari wake. Dhavhidhi aiziva kuti Jehovha aizotonga vakaipa. (Pisarema 37:10, 11) Kunyange zvazvo vaiita sevaibudirira, “seuswa huchangomera hwakasvibirira” vaizongoparadzwa.—Pisarema 37:2, 20, 35, 36.

 Pisarema 37 rinoratidza musiyano wezvichaitika kune vaya vanoteerera zvinodiwa Mwari uye kune vaya vasingadi kuteerera. (Pisarema 37:16, 17, 21, 22, 27, 28) Saka pisarema iri rinotibatsira kuti tive neuchenjeri hunoita kuti tive vanhu vanofarirwa naMwari.

 Ona vhidhiyo iyi pfupi kuti unzwe zvinotaurwa mubhuku raPisarema.

a Jehovha ndiro zita raMwari muchiShona rakashandurwa kubva pazita raMwari mumutauro wechiHebheru. Verenga nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?” kuti unzwe kuti nei shanduro dzeBhaibheri dzakawanda dzichishandisa zita rekuremekedza rakadai serekuti Ishe pane kushandisa zita rake chairo.

b Mumanyorero aya, vhesi yekutanga kana kuti chikamu chekutanga chemavhesi chinotanga nevara rekutanga rearufabheti yechiHebheru uye mamwe anozotevera anenge ava kutanga nevara rechipiri, zvichienda zvakadaro. Kunyora nenzira iyi kunogona kunge kwaibatsira kuti munhu akurumidze kuyeuka mashoko acho.