Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Numeri 6:24-26—“TENZI Ngaakukomborerei Achikuchengetai”

Numeri 6:24-26—“TENZI Ngaakukomborerei Achikuchengetai”

 “Jehovha ngaakukomborerei, akuchengetei. Jehovha ngaaite kuti chiso chake chipenye kwamuri, uye ngaakunzwirei nyasha. Jehovha ngaasimudze chiso chake kwamuri, akupei rugare.”—Numeri 6:24-26, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

 “TENZI ngaakukomborerei achikuchengetai; TENZI ngaaite kuti usu hwake upenye kwamuri achikunzwirai nyasha; TENZI ngaakutarirei achikupai rugare.”—Numeri 6:24-26, Bhaibheri Rine Apokirifa.

Zvinorehwa naNumeri 6:24-26

 Mashoko aya anozivikanwa sechikomborero chevapristi kana kuti chikomborero chaAroni. Aroni ndiye aiva mupristi mukuru wekutanga wevaIsraeri. (Eksodho 28:1) Mashoko aya akabva kuna Mwari. (Numeri 6:22, 23) Akaudza Mozisi kuti: “Udza Aroni nevanakomana vake kuti, ‘Uku ndiko kukomborera kwamunofanira kuita vaIsraeri.’” Pashure pekunge Mwari audza Mozisi mashoko aya akazotaura mashoko ari pana Numeri 6:24-26. Vapristi vakatendeka vakateerera murayiro iwoyo waibva kuna Mwari. Vakakudzawo zita raMwari rekuti Jehovha. a Muvhesi 27 tinoverenga kuti: “Uye vanofanira [kureva vapristi] kuisa zita rangu pavaIsraeri, kuti ndivakomborere.”

 “Jehovha ngaakukomborerei, akuchengetei.” Jehovha anokomborera vashumiri vake nekuvadzivirira, kuvatungamirira uye nekuita kuti vabudirire. (Zvirevo 10:22) Pana Numeri 6:24-26, mashoko akashandurwa kuti ngaakukomborerei, akuchengetei, kwamuri uye akupei, ari kutaurwa kumunhu mumwe chete. Izvi zvinoratidza kuti Mwari aiva nechido chekukomborera rudzi rwese rwevaIsraeri uyewo muIsraeri mumwe nemumwe.

 “Jehovha ngaaite kuti chiso chake chipenye kwamuri, uye ngaakunzwirei nyasha.” Chikumbiro chekuti Mwari aite kuti “chiso chake chipenye” kune mumwe munhu chinoreva kukumbira Mwari kuti afarire munhu iyeye. b Mashoko acho anogonawo kushandurwa kuti: “TENZI ngaakunyemwerere.” (Numeri 6:25, New International Reader’s Version) Jehovha anoratidza kuti anofarira vanhu vake nekuvaratidza mutsa uye kuvanzwira tsitsi.—Isaya 30:18.

 “Jehovha c ngaasimudze chiso chake kwamuri, akupei rugare.” Jehovha ‘anosimudza chiso chake’ kuvashumiri vake kuburikidza nekutarisa kuti zvinhu zviri kuvafambira zvakanaka here uye nekuvapa rugare. Maererano nerimwe bhuku, “shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti rugare (sharomu) haringorevi kuti munhu haasi kunetsana nevamwe asi rinorevawo kuti zvinhu zviri kumufambira zvakanaka pane zvese, kusanganisira pane zvekunamata.”

 Kuti vaIsraeri vawane makomborero ari kutaurwa mumavhesi aya vaifanira kuteerera Jehovha. (Revhitiko 26:3-6, 9) Pavaiteerera, Jehovha aibva avabatsira sezvaakavimbisa. Izvi ndizvo zvakaitika paitonga mamwe madzimambo avo, akadai saSoromoni naHezekiya.—1 Madzimambo 4:20, 25; 2 Makoronike 31:9, 10.

 Kunyange zvazvo vaKristu vasingafaniri havo kudzokorora mashoko aya, vanogona kutaura mashoko iwayo pavanenge vachinyengeterera vamwe kana kuti pavanenge vachikurudzira vamwe vaKristu. (1 VaTesaronika 5:11, 25) Jehovha haachinji. Anogara achida kukomborera uye kudzivirira vashumiri vake vakatendeka. VaKristu vechokwadi vanogona kuva nerugare, vachiziva kuti Jehovha anovafarira kana kuti “chiso” chake chiri kupenya kwavari.

Mashoko akapoteredza Numeri 6:24-26

 Zvitsauko 10 zvekutanga zvebhuku raNumeri zvinotaura nezvemirayiridzo yakapiwa vaIsraeri naMwari pavakanga vakadzika musasa pedyo neGomo reSinai pavaienda kuNyika Yakapikirwa. Pavakanga vakadzika musasa ipapo kwerinenge gore, Mwari akaronga vanhu ava kuti vave rudzi uye akavapa mitemo inozivikanwa sesungano yeMutemo.

 Jehovha akaudzawo Mozisi kuti Aroni nevanakomana vake, avo vakanga vasarudzwa sevapristi, vaizokomborera sei vaIsraeri. (Numeri 6:22, 23) Kubvira ipapo, Aroni nevazukuru vake vakashandisa mashoko ari pana Numeri 6:24-26 pakukomborera rudzi rwacho. Nekufamba kwenguva, vapristi vakanga vava netsika yekutaura mashoko aya ekukomborera vanhu pashure pekunge vapa chibayiro chekupedzisira chezuva rega rega patemberi.

 Ona vhidhiyo iyi pfupi kuti unzwe zvinotaurwa mubhuku raNumeri.

a Jehovha ndiro zita raMwari muchiShona, rakashandurwa kubva pazita raMwari mumutauro wechiHebheru. Verenga nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?” kuti unzwe kuti nei shanduro dzeBhaibheri dzakawanda dzichishandisa zita rekuremekedza rakadai serekuti Ishe pane kushandisa zita rake chairo.

b Bhaibheri rinotaurawo kuti Jehovha akavanzira vaIsraeri chiso chake paakanga asingafariri zvavaiita.—Isaya 59:2; Mika 3:4.

c Maererano neNIV Study Bible, zita raMwari mumavhesi aya rakadzokororwa kuti “rinyatsosimbiswa uye kuti pfungwa iri mumashoko ari [muvhesi 27] inyatsobuda.” Asi vamwe vanoti kutaurwa kwakaitwa zita raMwari katatu mumavhesi aya kunotsigira pfungwa yekuti Mwari Utatu. Izvi handizvo. Rimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri iro rinotsigira pfungwa yekuti Mwari Utatu rakataura kuti kushandiswa kwezita raMwari katatu pamavhesi aya “kwaisapa mupristi aitaura chikomborero chacho kana kuti vanhu vaichinzwa pfungwa yakadaro. Kwavari, kudzokororwa kwaiitwa zita raMwari katatu kwaingoratidza kunaka kwechikomborero chacho.” (The Pulpit Commentary, Volume 2, peji 52) Kuti udzidze zvakawanda, verenga nyaya yakanzi “Mwari Utatu Here?