Enda pane zvauri kuda

TEVEDZERA KUTENDA KWAVO | ERIYA

Akatsungirira Kusvikira Pamugumo

Akatsungirira Kusvikira Pamugumo

 Mashoko ekufa kwaMambo Ahabhi akasvika munzeve dzaEriya. Tinogona kufungidzira sekuru Eriya vachipuruzira ndebvu dzavo, vasingabwairi, vachifunga zvinhu zvakawanda zvanga zvaitwa namambo iyeye akaipa. Eriya akanga atsungirira zvinhu zvakawanda! Akatyisidzirwa, akavhimwa zvekuti akapotsa aurayiwa, zvese zvichikonzerwa naAhabhi namambokadzi wake Jezebheri. Mambo haana kana zvaanga aita kuti Jezebheri asauraya vaprofita vaJehovha vakawanda. Ahabhi naJezebheri vakatoronga kuti vauraye murume akanga akarurama, Nabhoti, nevanakomana vake, zvichikonzerwa nemakaro. Eriya akabva audza Ahabhi mashoko akabva kuna Jehovha ekuti iye nedzinza rake rese vaizoparara. Mashoko aMwari akanga ava kuzadziswa. Ahabhi akafa sezvakanga zvataurwa naJehovha.​—1 Madzimambo 18:4; 21:1-26; 22:37, 38; 2 Madzimambo 9:26.

 Asi Eriya aiziva kuti aifanira kuramba achitsungirira. Jezebheri akanga achiri mupenyu, uye akanga achiri kuvhiringidza zvinhu mumhuri yake nemunyika. Eriya akanga achine matambudziko aaifanira kutarisana nawo asi aifanirawo kudzidzisa mushandi wake uyo aizomutsiva, Erisha. Saka ngatimboona nezvemabasa matatu akapedzisira kuitwa naEriya. Patichaona kuti kutenda kwake kwakamubatsira sei kuti atsungirire, zvichatibatsirawo kusimbisa kutenda kwedu munguva dzakaoma dzatiri.

Kutonga Ahaziya

 Ahaziya, mwanakomana waAhabhi naJezebheri, ndiye akanga ava mambo weIsraeri. Panzvimbo pekuti adzidze kubva pazvakaipa zvakaitwa nevabereki vake, akangovatevedzera. (1 Madzimambo 22:52) Ainamata Bhaari sezvaiita vabereki vake. Vanhu vainamata Bhaari vaiita zvinhu zvakashata zvakadai sekuita upfambi patemberi uye kunyange kupa zvibayiro zvevana vavo. Pane zvaizoita kuti Ahaziya achinje here oita kuti vanhu vasarambe vachizvidza Jehovha kudai?

 Mambo uyu wechidiki akabva asangana netsaona. Akadonha nepahwindo reimba yake yepadenga raiva nesefa, akakuvara zvakaipisisa. Kunyange zvakadaro, haana kumbotsvaga Jehovha kuti amubatsire. Akatotuma hake nhume kuguta revaFiristiya reEkroni kuti dzibvunze mwari ainzi Bhaari-zebhubhu kuti aizopora here. Jehovha akatsamwa nazvo. Akatuma ngirozi kuna Eriya kuti audze nhume idzodzo kuti dzidzoke. Muprofita wacho akadzosera nhume idzi kuna mambo nemashoko aityisa. Ahaziya akanga aita chivi chakakura chekuita sekuti vaIsraeri vakanga vasina Mwari. Jehovha akati Ahaziya aizofira pamubhedha wake.​—2 Madzimambo 1:2-4.

 Achiratidza kusapfidza, Ahaziya akati: “Murume wacho auya kuzosangana nemi akakuudzai mashoko aya anga akaita sei?” Nhume dzacho dzakapindura dzichitsanangura hembe isingashamisiri yemuprofita wacho, Ahaziya akabva angoti: “NdiEriya.” (2 Madzimambo 1:7, 8) Eriya airarama upenyu husina zvakawanda-wanda zvekuti aitozivikanwa nehembe yake isingashamisiri. Asi vabereki vaAhaziya vakanga vakatosiyana naEriya nekure nemadiro avaiita upfumi. Muenzaniso waEriya unotibatsira kuti tirarame upenyu husiri hwekushamisira, tichiramba takaisa ziso redu pazvinhu zvinokosha.​—Mateu 6:22-24.

 Achida kutsiva, Ahaziya akabva atumira masoja 50 nemukuru mukuru wavo kuti vanosunga Eriya. Pavakaona Eriya ‘akagara pamusoro pegomo’ a mukuru wemauto akabva amuudza kuti mambo ati ‘aburuke.’ Pamwe aireva kuti aifanira kuenda kunourayiwa. Pafunge! Kunyange zvazvo vaiziva kuti Eriya aiva “munhu waMwari wechokwadi,” masoja iwayo akafunga zvekumutyisidzira. Vanga vakarasika chaizvo! Eriya akaudza mukuru wemauto kuti: “Kana ndiri munhu waMwari, moto ngauburuke kumatenga uparadze iwe nevanhu vako makumi mashanu.” Mwari akabva atozviita! “Moto wakaburuka kumatenga ukaparadza iye nevanhu vake makumi mashanu.” (2 Madzimambo 1:9, 10) Kufa kunosiririsa kwakaita masoja iwayo kunotiyeuchidza kuti Jehovha haadi kuti vashumiri vake vazvidzwe kana kusaremekedzwa.​—1 Makoronike 16:21, 22.

 Ahaziya akatumira mumwe mukuru mukuru nemasoja 50. Wechipiri uyu akaratidza kuti akanga asingatofungi pane wekutanga. Haana chaakadzidza pakufa kwevarume 51, pasinei nekuti zvimwe akatoona madota avo ari mujinga megomo. Akatodzokorora mashoko akanga ataurwa nemumwe wake ekuti Eriya ‘aburuke’ achibva atozowedzerawo kuti ‘akurumidze’! Kupusa chaiko! Saka iye nevarume vaiva navo vakafa semafiro akanga aita vekutanga. Asi akanga akaoma mwoyo zvakanyanya ndimambo. Achiratidza kuti haasi kutombochinja, akatumazve mamwe masoja kechitatu. Asi mukuru mukuru wechitatu uyu akaratidza kungwara. Akasvika kuna Eriya zvakanakanaka akamukumbira kuti iye nevarume vake vasaurayiwa. Eriya, munhu waMwari, akaratidza ngoni dzaJehovha mukuru mukuru uyu paakaratidza kuzvininipisa. Ngirozi yaJehovha yakaudza Eriya kuti aende nemasoja acho. Eriya akateerera akabva adzokorora mashoko aJehovha kuna mambo. Ahaziya akafa, sezvainge zvataurwa naMwari. Akangotonga kwemakore maviri chete.​—2 Madzimambo 1:11-17.

Eriya akatevedzera ngoni dzaJehovha pakuratidza ngoni kumukuru mukuru akanga azvininipisa

 Eriya akatsungirira sei kunyange zvazvo vanhu vaairarama navo vaiva vapanduki? Mubvunzo iwoyo wakakosha mazuva ano. Wakambosvika pakupererwa here waedza kuudza mumwe munhu zvinhu zvine musoro asi iye achingoda kuita zvinhu zvakaipa? Tingatsungirira sei kana zvikaitika? Tinogona kuwana mhinduro kana tikafunga kuti masoja akawana Eriya ari ‘pamusoro pegomo.’ Hatigoni kunyatsoziva kuti nei Eriya aiva mugomo, asi tinogona kuva nechokwadi chekuti semunhu aigara achinyengetera, akaona kuti kuenda kunzvimbo yakanyarara kwaizoita kuti awane mukana wekuswedera pedyo naMwari wake. (Jakobho 5:16-18) Tinogona kutsvagawo nguva yekutaura naMwari tiri tega, tichitaura naye nezita tichimuudza zvinotinetsa. Izvi zvichatibatsira kutsungirira kunyange zvazvo vanhu vatinorarama navo vasingakendengi uye vachiita zvinhu zvinovakuvadza.

Kupa Erisha Nguo Yebasa

 Nguva yekuti Eriya achisiya basa rake yakazokwana. Inzwa zvaakaita. Eriya naErisha pavakanga vava kubuda mutaundi reGirigari, Eriya akati Erisha arambe ari imomo iye achienderera mberi nerwendo rwacho kusvika kuBheteri, mufambo wemakiromita 11. Erisha akapindura nemwoyo wese achiti: “NaJehovha mupenyu uye nomweya wenyu mupenyu, handisi kuzokusiyai.” Pavakazosvika kuBheteri, Eriya akaudza Erisha kuti ava kuenda ega kuJeriko, mufambo wemakiromita 22. Erisha akapindura sezvaakanga amboita. Vava kuJeriko, vasati vafamba mufambo wemakiromita 8 kuenda kuRwizi rwaJodhani, Eriya akamuti asare zvakare, kechitatu. Erisha akati kwete. Akanga asiri kuzosiya Eriya!​—2 Madzimambo 2:1-6.

 Erisha akaratidza rudo rwakavimbika. Ndirwo rudo rwakaratidzwa naRute kuna Naomi, rudo rwusingaperi nekufamba kunoita nguva. (Rute 1:15, 16) Vashumiri vese vaMwari vanofanira kuva nerudo rwakadaro, kunyanya iye zvino. Tinoona kukosha kwarwo here sezvaiita Erisha?

 Eriya anofanira kunge akakurudzirwa nerudo rwakavimbika rwaakaratidzwa naErisha. Ndirwo rwakaita kuti Erisha aone chishamiso chaEriya chekupedzisira. Vari pamahombekombe eRwizi rwaJodhani, urwo rwune dzimwe nzvimbo dzinoyeredza, Eriya anorova mvura nenguo yake yebasa. Mvura inobva yakamukana! Chishamiso ichi chinoonekwawo “nevarume makumi mashanu vevanakomana vevaprofita.” Zvimwe varume ava ndivo vamwe vevanhu vaidzidziswa kuti vazotungamirira kunamata kwechokwadi munyika yacho. (2 Madzimambo 2:7, 8) Eriya anofanira kunge aitungamirira pakudzidzisa varume ava. Makore akanga apfuura, Eriya akambonzwa sekuti ndiye ega munhu akatendeka akanga asara munyika yacho. Kubvira ipapo, Jehovha anga ari kukomborera Eriya sezvo akanga ari kutsungirira, uye akaita kuti aone kufambira mberi kwevashumiri vake.​—1 Madzimambo 19:10.

 Vayambuka Jodhani, Eriya akati kuna Erisha: “Kumbira chandingakuitira ndisati ndabviswa kwauri.” Eriya akaziva kuti nguva yekuti aende yakanga yakwana. Haana kunzwira godo shamwari yake yechidiki kuti izowana makomborero nemukurumbira zvaiva mberi. Eriya aida chaizvo kumubatsira. Erisha akakumbira chinhu chimwe chete: “Ndapota, itai kuti zvikamu zviviri [zvemweya] wenyu zviuye kwandiri.” (2 Madzimambo 2:9) Akanga asiri kureva kuti aida kupiwa mweya mutsvene waiva naEriya wakapetwa kaviri. Asi akanga ari kukumbira nhaka seyaikumbirwa nemwanakomana wedangwe, uyo aipiwa nhaka yakakura kana kuti yakapetwa nekaviri kuti akwanise kuzoita basa rekuriritira mhuri. (Dheuteronomio 21:17) Sezvo aizogara nhaka yaEriya pabasa iri raMwari, anofanira kunge akaona zvakakosha kuti ave neushingi sehwaEriya kuti akwanise kuita kuti basa rifambe.

 Eriya akazvininipisa, akasiyira nyaya yacho kuna Jehovha. Kana Jehovha aizoita kuti Erisha aone Eriya achitorwa, zvaizoreva kuti Erisha aizopiwa zvaainge akumbira. Uye pasina nguva, “sezvavakanga vachifamba vachitaura zvavo” pane chimwe chinhu chinoshamisa chakaitika!​—2 Madzimambo 2:10, 11.

Ushamwari hwaEriya naErisha hwakavabatsira vese kutsungirira zvinhu pazvaioma

 Mudenga makapenya uye chiedza chacho chakaramba chichiswedera pedyo. Tinogona kufungidzira vachinzwa ruzha runenge rwechamupupuri, uye panguva imwe chete vachiona chimwe chinhu chaipenya chichiuya kwavari chichimhanya semheni, chichibva chavaparadzanisa, uye vanofanira kunge vakashamiswa nazvo. Vakaona ngoro yaipenya sekunge iri kubvira moto. Eriya akaziva kuti nguva yake yakanga yakwana. Akakwira ngoro yacho here? Nyaya yacho haitauri. Asi akazongoona ava mudenga, achiendeswa nechamupupuri!

 Erisha akaoma mate mukanwa. Sezvo akanga ari kuona zvinhu izvi zvinoshamisa zvichiitika, Erisha akabva aziva kuti Jehovha aizomupa “zvikamu zviviri” zvemweya weushingi waiva naEriya. Asi Erisha haana kutomboisa pfungwa dzake pane izvozvo. Aisaziva kuti shamwari yake yakanga iri kuenda kupi, uye pamwe aisatarisira kuzoona Eriya zvekare. Akashevedzera achiti: “Baba vangu, baba vangu kani, ngoro yehondo yaIsraeri nevatasvi vake vemabhiza!” Erisha akaona mudzidzisi wake waaida achienda; akabva abvarura nguo dzake nekurwadziwa.​—2 Madzimambo 2:12.

 Eriya paakakwidza mudenga, kuti akanzwa kuchema kweshamwari yake akabva achemawo here? Hameno kuti akazvinzwa here, asi ainyatsoziva kuti shamwari yake yainge yamubatsira kutsungirira zvinhu pazvaimbooma. Tinofanira kutevedzera Eriya toshamwaridzana nevanhu vanoda Mwari uye vanoda kuita kuda kwake!

Jehovha akaendesa Eriya kune imwe nzvimbo kuti anoshanda ikoko

Basa Rekupedzisira

 Eriya akazoenda kupi? Zvimwe zvitendero zvinoti akaendeswa kudenga kuti ave naMwari. Asi izvozvo handizvo. Papera mazana emakore, Jesu Kristu akataura kuti hapana munhu ainge akambokwira kudenga. (Johani 3:13) Saka patinoverenga kuti “Eriya akakwira kumatenga ari mudutu,” tinofanira kubvunza kuti, Matenga api? (2 Madzimambo 2:11) MuBhaibheri shoko rekuti “matenga” haringorevi kunogarwa naJehovha asi rinorevawo matenga ane makore, anobhururuka shiri. (Pisarema 147:8) Aya ndiwo matenga akaendwa naEriya. Zvii zvakazoitika?

 Jehovha akangoendesa muprofita wake waaida kune imwe nzvimbo, munharaunda yeumambo hweJudha. Bhaibheri rinotaura nezvaEriya pashure pemakore anopfuura 7 kubva paakatamiswa. Mambo akaipa ainzi Jehoramu, ndiye akanga achitonga Judha panguva iyi. Akanga akaroora mwanasikana waAhabhi naJezebheri, saka uipi hwavo hwakanga huchiri kuenderera mberi. Jehovha akapa Eriya basa rekunyora tsamba yaitaura zvaizoitika kuna Jehoramu. Sezvakataurwa mutsamba yacho, Jehoramu akafa atambura. Hazvina kuperera ipapo; nyaya yacho inopedzisa ichiti: “Paakafa hapana akarwadziwa nokufa kwake.”​—2 Makoronike 21:12-20. (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi.)

 Murume iyeye akaipa akanga akanyatsosiyana naEriya! Hatizivi kuti Eriya akafa sei uye riini. Asi tinoziva kuti haana kufa asingachadiwi nevanhu sezvakaita Jehoramu. Erisha aisuwa shamwari yake. Vamwe vaprofita vakanga vakatendeka vaimusuwawo. Jehovha akanga achiri kukoshesa Erisha kunyange papera makore 1 000, paakaratidza muprofita iyeye Jesu paakachinja chitarisiko. (Mateu 17:1-9) Unoda kudzidza pane zvakaitika kuna Eriya wova nekutenda kunoita kuti utsungirire matambudziko here? Kana uchida, shamwaridzana nevanhu vanoda Mwari, ramba uchifunga zvinhu zvekunamata, uye gara uchinyengetera nemwoyo wese. Unogonawo kuva mumwoyo maJehovha nekusingaperi!

a Vamwe vaongorori veBhaibheri vakati gomo rinotaurwa pano iGomo reKameri, pakanga pambopiwa Eriya simba rekukunda vaprofita vaBhaari makore akanga apfuura. Asi Bhaibheri haritaure kuti igomo ripi.