Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

TEVEDZERA KUTENDA KWAVO

Akatsungirira Zvinhu Zvakaipa

Akatsungirira Zvinhu Zvakaipa

ERIYA aifamba achitevera Mupata waJodhani. Akanga afamba kwemavhiki akananga kuchamhembe, achibva kuGomo reHorebhi raiva kure. Iye zvino akanga adzoka muIsraeri, uye akaona kuti zvinhu zvakanga zvachinja. Matambudziko ainge akonzerwa nekusanaya kwemvura kwenguva refu akanga ava kuita achipera. Mvura yematsutso yainge yatanga kunaya, uye varimi vairima minda yavo. Zvingangodaro zvakanyaradza muprofita uyu kuona kuti nyika yakanga yava kutangazve kumera, asi vanhu vaiva munyika yacho ndivo vaainyanya kukoshesa. Vakanga vakatsauka pakunamata. Vakawanda vakanga vachiri kunamata Bhaari, uye Eriya aiva nebasa rakakura. *

Pedyo netaundi reAbheri-mehora, Eriya akaona vanhu vakawanda vairima munda wakakura. Paiva nemombe 24 dzaiva dzakasungwa pamajoko dziri mbiri mbiri, uye zvipani zvacho 12 zvairima zvakateverana zvichiita miforo yakaenderana muvhu raiva nyoro. Murume aiva nechipani chekupedzisira ndiye aitsvagwa naEriya. Aiva Erisha, murume akanga asarudzwa naJehovha kuti azoita basa raEriya kana asisipo. Eriya akanga ambofunga kuti ndiye ega aiva akatendeka kuna Mwari, saka hapana mubvunzo kuti aida chaizvo kusangana nemurume uyu.—1 Madzimambo 18:22; 19:14-19.

Eriya angangodaro aizeza kupa vamwe mabasa ake, kana kuti kutsiviwa nemumwe munhu here? Hatizivi, uye hatigoni kutaura kuti haana kumbobvira afunga kudaro. Asi “akanga ari munhu aiva nemanzwiro akafanana needu.” (Jakobho 5:17) Chero zvazvingava, nhoroondo yeBhaibheri inoti, “Eriya akaenda kwaaiva, akakanda nguo yake yebasa paari.” (1 Madzimambo 19:19) Nguo yaEriya yebasa iyo ingangodaro yaiva yakagadzirwa nedehwe remakwai kana kuti rembudzi, yaipfekwa sejasi uye yaimiririra kugadzwa kwaakanga aitwa naJehovha. Saka kukanda kwaakaita nguo yacho pamapfudzi aErisha kune zvakwaireva. Eriya akabvuma nokuzvidira kuzviisa pasi pomurayiro waJehovha wokugadza Erisha somutsivi wake. Eriya aivimba naMwari wake uye aimuteerera.

Eriya akazvininipisa ndokugadza Erisha kuti azosara achiita basa rake

Murume wacho wechiduku aida chaizvo kubatsira muprofita akanga akwegura. Erisha haana kubva angotsiva Eriya pakarepo. Asi kwemakore anenge matanhatu, aizvininipisa achifamba naEriya, achimubatsira uye akazosvika pakuzivikanwa semunhu “aidira mvura pamaoko aEriya.” (2 Madzimambo 3:11) Eriya ainyaradzwa chaizvo nokuva nemushandi anogona basa aimubatsira! Zvingangodaro kuti varume vaviri ava vakazova shamwari dzaiwirirana chaizvo. Kukurudzirana kwavaiita kwakavabatsira kuti vatsungirire pasinei nezvakaipa zvaiva zvakazara munyika. Somuenzaniso, mambo Ahabhi aitowedzera kuipa.

Unomboitirwa zvakaipa here? Vakawanda vedu tinoitirwa zvakaipa munyika ino yakazara uori. Kutsvaka shamwari inoda Mwari kuchakubatsira kutsungirira. Unogonawo kudzidza zvakawanda kubva pakutenda kwaEriya paunoitirwa zvakaipa.

“SIMUKA UENDE, UNOSANGANA NAAHABHI”

Eriya naErisha vakashanda nesimba pakubatsira vanhu mune zvokunamata. Zviri pachena kuti vaitungamirira pakudzidzisa vamwe vaprofita, avo vangangodaro vaiva vaprofita vaigara pamwe chete, vachishanda pamwe chete. Asi nokufamba kwenguva, Eriya akazopiwa rimwe basa naJehovha: “Simuka uende, unosangana naAhabhi mambo waIsraeri.” (1 Madzimambo 21:18) Ahabhi akanga aitei?

Mambo akanga atosiya kunamata kwechokwadi, uye ndiye mambo weIsraeri aiva akaipa kupfuura vamwe vose kusvika panguva iyoyo. Ainge aroora Jezebheri uye akanga aita kuti vanhu vakawanda, kusanganisira iyewo, vanamate Bhaari munyika yacho. (1 Madzimambo 16:31-33) Kunamata Bhaari kwaisanganisira mitambo yaiitirwa kubereka, tsika dzoupfambi uye kupa vana sezvibayiro. Uyewo, Ahabhi ainge asina kuteerera murayiro waJehovha wokuti auraye Mambo akaipa weSiriya ainzi Bheni-hadhadhi. Zviri pachena kuti Ahabhi akaramba kuuraya mambo uyu nechinangwa chokuwana pfuma. (1 Madzimambo chitsauko 20) Parizvino udyire, kuda pfuma zvakanyanya uye utsinye hwaAhabhi naJezebheri zvakatozonyanya kuwedzera.

Ahabhi aiva nemuzinda muSamariya uye waiva wakakura zvikuru! Aivawo nemumwe muzinda muJezreeri makiromita anenge 37 kubva muSamariya. Pedyo nomuzinda wechipiri paiva nemunda wemizambiringa. Ahabhi akachochora munda wacho waiva wemumwe murume ainzi Nabhoti. Ahabhi akashevedza Nabhoti ndokumuudza kuti aida kutenga munda wacho kana kuti kuchinjana nemumwe munda. Asi Nabhoti akati, “Handingambofungi zvakadaro, mukuona kwaJehovha, kuti ndikupei nhaka yemadzitateguru angu.” (1 Madzimambo 21:3) Nabhoti aiva akaoma musoro here? Haana kuita nokungwarira here? Vakawanda vakafunga kudaro. Asi Nabhoti aiteerera Mutemo waJehovha, uyo wairambidza vaIsraeri kuti vatengese zvachose nyika yaiva nhaka yemhuri yavo. (Revhitiko 25:23-28) Nabhoti aisatomboda kutyora mutemo waMwari. Aiva nekutenda uye ushingi nokuti aitoziva kuti zvaiva nengozi kuramba zvaikumbirwa naAhabhi.

Zvechokwadi, Ahabhi haana kumbofunga nezveMutemo waJehovha. Akadzokera kumba kwake “akafundumwara uye akasuruvara” nokuti ainge asina kuwana zvaaida. Tinoverenga kuti: “Akabva arara pamubhedha wake, akaramba akafuratidza chiso chake, uye haana kudya zvokudya.” (1 Madzimambo 21:4) Jezebheri paakaona kuti murume wake ainge akarembedza miromo semwana mudiki akatsamwa, akafunga zano nokukurumidza kuti murume wake awane zvaaida uyewo kuti aurayise mhuri yaiva yakarurama.

Haungambotadzi kushamisika paunoverenga nezvezano rakaipa raJezebheri. Mambokadzi Jezebheri aiziva kuti Mutemo waMwari waiti panofanira kuva nezvapupu zviviri kuitira kuti nyaya yakakura inenge ichipomerwa munhu isimbiswe. (Dheuteronomio 19:15) Saka akanyora tsamba achishandisa zita raAhabhi, achirayira kuti varume vanokudzwa vemuJezreeri vatsvake varume vaviri vaizoda kupomera Nabhoti kuti akanga amhura, izvo zvaizoita kuti aurayiwe. Zano rake rakashanda. Varume vaviri, “vanhu pasina” vakapomera Nabhoti zvenhema, uye zvakazoita kuti aurayiwe achitemwa nematombo. Kunyange vanakomana vaNabhoti vakaurayiwawo! * (1 Madzimambo 21:5-14; Revhitiko 24:16; 2 Madzimambo 9:26) Ahabhi akatobvumira kuti chinzvimbo chake semusoro wemba chitorwe nemudzimai wake, achimubvumira kuti aite zvaanoda uye kuti auraye vanhu vasina mhosva.

Fungidzira kuti Eriya akanzwa sei paakaudzwa naJehovha zvainge zvaitwa namambo namambokadzi. Zvinogona kuodza mwoyo pazvinoita sokuti vakaipa vari kubudirira vachidzvinyirira vanhu vasina mhosva. (Pisarema 73:3-5, 12, 13) Mazuva ano tinogara tichiona zvakaipa zvichiitwa, dzimwe nguva nevarume vane masimba vanozviti vamiririri vaMwari. Asi nyaya ino inogona kutinyaradza. Bhaibheri rinotiyeuchidza kuti hapana chakavanzika kuna Jehovha. Anoona zvose. (VaHebheru 4:13) Anoitei nezvakaipa zvaanoona zvichiitwa?

‘WANDIWANA, HAIWA IWE MUVENGI WANGU!’

Jehovha akatuma Eriya kuna Ahabhi. Mwari akataura zvakajeka kuti: “Hoyo ari mumunda wemizambiringa waNabhoti.” (1 Madzimambo 21:18) Jezebheri paakaudza Ahabhi kuti munda wemizambiringa wainge wava wake, Ahabhi akabva asimuka ndokuenda kumunda wacho. Hazvina kumbobvira zvauya mupfungwa dzake kuti Jehovha aiona zvose. Fungidzira akadekara zvake ari mumunda wacho, achifunga nezvekunatsiridza kwaaizouita. Pasina nguva, Eriya akabva asvika! Chiso chaAhabhi chaiva chakazara nemufaro chakabva changochinja chikaunyana nekugumbuka uye neruvengo, achibva ataura kuti: ‘Wandiwana, haiwa iwe muvengi wangu!’—1 Madzimambo 21:20.

“Wandiwana, haiwa iwe muvengi wangu!”

Mashoko aAhabhi anoratidza zvinhu zviviri. Chokutanga, paakati kuna Eriya “Wandiwana,” Ahabhi akaratidza kuti aiva bofu chairo mune zvokunamata. Jehovha akanga ‘atomuwana’ kare. Akanga aona Ahabhi achishandisa chipo chokuzvisarudzira nenzira isiriyo uye achinakirwa nemigumisiro yezano raJezebheri rakaipa. Mwari akaona zvaiva mumwoyo waAhabhi, kuti akanga achinyanya kukoshesa kuda zvinhu kukunda kuva nengoni, kururamisira, kana tsitsi. Chechipiri, paakataura kuna Eriya kuti, “haiwa iwe muvengi wangu!” Ahabhi akaratidza kuti aivenga munhu aiva shamwari yaJehovha Mwari uyo aigona kunge akamubatsira kuti asiye zvakaipa zvine ngozi zvaakanga achiita.

Tinogona kuwana zvidzidzo zvinokosha paupenzi hwaAhabhi. Tinofanira kugara tichiyeuka kuti Jehovha Mwari anoona zvose. SaBaba vane rudo, anoziva patinotsauka, uye anoda chaizvo kuona tichichinja zviito zvedu. Kuti atibatsire, anowanzoshandisa shamwari dzake, vanova vanhu vakatendeka vakaita saEriya, vanozivisa mashoko aMwari kune vamwe vanhu. Kungava kukanganisa chaiko kuona shamwari dzaMwari sevavengi vedu!—Pisarema 141:5.

Fungidzira Eriya achipindura Ahabhi achiti: “Ndakuwana.” Ainyatsoziva kuti Ahabhi aiva mbavha, mhondi uye kuti aiva apandukira Jehovha Mwari. Zvaida ushingi kuti ataure nemurume uyu aiva akaipa! Eriya akazivisa Ahabhi nezvemutongo waMwari. Jehovha aiona zvose zvaiitika, kuti uipi hwakanga huchitopararira huchibva nemumhuri yaAhabhi uye vamwe vanhu vakanga vava kumutevedzerawo. Eriya akaudza Ahabhi kuti Mwari ainge aronga “kutsvaira,” kureva kuti kuparadza dzinza rake rose. NaJezebheri aizotongwawo.—1 Madzimambo 21:20-26.

Eriya haana kungofunga kuti vanhu vanoita zvakaipa vanongosiyiwa vakadaro. Mazuva ano zviri nyore kuti tifunge saizvozvo. Nyaya ino yemuBhaibheri inotiyeuchidza kuti Jehovha Mwari haangooni zvinoitika chete asi anoranga vanhu vakaipa panguva yake. Shoko rake rinotivimbisa kuti nguva ichasvika yokuti Mwari agumise zvakaipa zvose nokusingaperi! (Pisarema 37:10, 11) Asi, unganetseka kuti: ‘Mitongo yaMwari inongosanganisira kuranga chete here? Kana kuti inoratidzawo ngoni here?’

“WAONA HERE KUZVININIPISA KWAITA AHABHI?”

Zvimwe Eriya akashamiswa nezvakaitwa naAhabhi paakanzwa mutongo waMwari. Nhoroondo yacho inoti: “Paakangonzwa mashoko aya, akabvarura nguo dzake, akapfeka masaga pamuviri wake; akatsanya, akaramba akarara pasi akapfeka masaga, achifamba akasuruvara kwazvo.” (1 Madzimambo 21:27) Ahabhi akanga apfidza zvakaipa zvake here?

Tinogona kuti akachinja zvimwe zvinhu muupenyu hwake. Ahabhi akazvininipisa, chinova chinhu chakaoma kuti murume anozvikudza aite. Asi akapfidza zvechokwadi here? Enzanisa zvaakaita nezvakaitwa naManase, mambo akazorarama pava paya, uyo anogona kunge akaita zvakaipa kupfuura Ahabhi. Jehovha paakaranga Manase, murume wacho akazvininipisa achikumbira kubatsirwa naJehovha. Asi akaitawo zvinopfuura ipapo. Akachinja mararamiro ake kuburikidza nokuparadza zvidhori zvaakanga agadzira, achiedza kushumira Jehovha uye akatokurudzira vanhu vake kuitawo saizvozvo. (2 Makoronike 33:1-17) Ahabhi akachinjawo saizvozvo here? Kwete.

Jehovha akaona Ahabhi achiitawo zvinoratidza kusuruvara here? Jehovha akati kuna Eriya: “Waona here kuzvininipisa kwaita Ahabhi nokuda kwangu? Nokuti azvininipisa nokuda kwangu, handizounzi dambudziko racho mumazuva ake. Ndichaunzira imba yake dambudziko racho mumazuva omwanakomana wake.” (1 Madzimambo 21:29) Jehovha akakanganwira Ahabhi here? Kwete, kupfidza zvechokwadi ndiko kwaizoita kuti akanganwirwe, onzwirwa ngoni naMwari. (Ezekieri 33:14-16) Asi nokuti Ahabhi anewo zvaakaita zvinoratidza kuzvidemba, Jehovha akamuratidzawo ngoni dzaienderana nokuzvidemba kwake. Ahabhi aisazoona dambudziko rinorwadza rokuparadzwa kwemhuri yake yose.

Asi mutongo waJehovha hauna kuchinja. Jehovha akazotaura nengirozi dzake kuti awane nzira yakanakisisa yokunyengera Ahabhi kuti apinde muhondo yaizoita kuti afe. Pasina nguva, mutongo waJehovha kuna Ahabhi wakabva wazadzika. Ahabhi akakuvadzwa muhondo, ndokubuda ropa kusvikira afa ari mungoro yake. Nhoroondo yacho inowedzera mashoko aya anosuruvarisa: Pakasukwa ngoro youmambo, dzimwe imbwa dzakananzva ropa ramambo. Saka mashoko aJehovha aakataura kuna Ahabhi achishandisa Eriya akazadzika vanhu vakawanda vachizviona, anoti: “Imbwa dzichananzva ropa rakowo panzvimbo pakananzvirwa ropa raNabhoti nembwa.”—1 Madzimambo 21:19; 22:19-22, 34-38.

Zvakazoitika kuna Ahabhi zvakayeuchidza Eriya, Erisha uye vamwe vashumiri vaMwari vose vakatendeka, kuti Jehovha haana kukanganwa ushingi uye kutenda kwaNabhoti. Mwari wokururamisira haambofi akatadza kuranga vakaipa, pangava panguva yavanotadza kana kuti pava paya; uyewo haatadzi kuratidza ngoni paanopa mutongo pose pazvinenge zvakakodzera kuti adaro. (Numeri 14:18) Zvechokwadi ichi chaiva chidzidzo chinokosha kuna Eriya, uyo akanga atsungirira kwemakumi emakore pasi poutongi hwamambo iyeye akaipa! Wakamboitirwa zvakaipa here? Une chido chokuona Mwari achigadzirisa zvinhu here? Zvakanaka kuti utevedzere kutenda kwaEriya. Eriya akaramba achizivisa mashoko aMwari uye akaramba achitsungirira zvinhu zvakaipa, aine shamwari yake yakavimbika Erisha!

^ ndima 3 Jehovha akanga aita kuti mvura isanaya kwemakore matatu nehafu achida kuratidza kusava nesimba kwaBhaari, uyo ainamatwa achinzi anonayisa mvura uye anoita kuti nyika ibereke. (1 Madzimambo chitsauko 18) Ona nyaya dzakanzi “Tevedzera Kutenda Kwavo” muNharireyomundi yaJanuary 1 neyaApril 1, 2008.

^ ndima 13 Kana Jezebheri aitya kuti munda wemizambiringa uyu waizopfuudzwa kuvana vaNabhoti, ndizvo zvingangodaro zvakaita kuti aurayise vanakomana vaNabhoti. Kuti uone nei Mwari achibvumira udzvinyiriri hwakadai, ona nyaya yakanzi “Vaverengi Vanobvunza Kuti” iri mumagazini ino.