Enda pane zvauri kuda

Vapristi Vakatsamwa Vanosangana Nevanhu Vanyoro

Vapristi Vakatsamwa Vanosangana Nevanhu Vanyoro

 Mumwe mutariri wedunhu wekuArmenia anonzi Artur, akanga achishanyira imwe ungano yeZvapupu zvaJehovha. Akabva aona kuti ungano yacho yainge isati yamboparidzawo nechingoro chinenge chiine mabhuku anotsanangura Bhaibheri munzvimbo dzine vanhu vakawanda. Kuti akurudzire vamwe kuita ushumiri uhwu, Artur nemudzimai wake Anna, nechimwe Chapupu chinonzi Jirayr, vakaisa chingoro chemabhuku mune rimwe taundi diki. Vakasarudza nzvimbo yaipfuura nevanhu vakawanda.

 Vaipfuura vakatanga kuzvifarira uye kutora mabhuku. Asi pasina nguva, vanoshora vakacherechedzawo nzira iyi yekuparidza nayo. Vapristi vaviri vakaenda paiva nechingoro, uye mumwe wacho akangoerekana akava chingoro chiya chikanowira kwakadaro. Akabva aridza Artur nembama, magirazi ake achibva awira pasi. Artur, Anna, naJirayr vakaedza kudzikamisa vapristi vacho asi zvakaramba. Vapristi vaya vakabva vatsika-tsika chingoro chiya mabhuku ndokuti mwarara. Vapedza kutukirira nekutyisidzira Zvapupu zviya, vakabva vaenda.

 Artur, Anna, naJirayr vakaenda kunomhan’ara kumapurisa emunzvimbo iyoyo. Vakataura zvakanga zvaitika uye vakataurawo nemamwe mapurisa nevashandi vepo nezveBhaibheri. Zvapupu izvi zvakabva zvaendeswa kuhofisi yemukuru wemapurisa. Pakutanga, aida kungonzwa chete kuti nyaya yacho yakanga yafamba sei. Asi paakaziva kuti Artur, uyo aiva murume ane mhasuru, haana kudzorera paakarohwa mbama, mukuru uya akabva amira kubvunza nezvenyaya yacho ndokutanga kubvunza zvinotendwa neZvapupu zvacho. Izvi zvakaita kuti vakurukure kwemaawa 4! Mukuru uya akashamiswa nezvaakanzwa zvekuti akati: “Chitendero ichi chiri pamberi! Kana neni ndichatojoinawo!”

Artur naAnna

 Zuva rakatevera, Artur adzokera panzvimbo iya kunoparidza zvakare nechingoro, mumwe murume akanga aona zvakanga zvaitika nezuro wacho akasvika. Murume uyu akarumbidza Artur nezvaakaita zvekuramba akadzikama asingadzoreri. Akatiwo zvaakaona zvakaita kuti asaremekedzazve vapristi.

 Manheru emusi iwoyo, mukuru wemapurisa uya akashevedza Artur zvakare kukamba yemapurisa. Asi panzvimbo pekutaura nezvenyaya iya yakanga yamhan’arwa akabvunza mimwezve mibvunzo yeBhaibheri. Mamwe mapurisa maviri akabva avajoina pavaikurukura.

 Zuva rakatevera, Artur akashanyirazve mukuru uya wemapurisa. Iye zvino aida kumuratidza mamwe emavhidhiyo edu anotaura zviri muBhaibheri. Mukuru uya akashevedza mamwe mapurisa kuti aonewo mavhidhiyo acho.

 Unhu hwakaipa hwakaratidzwa nevapristi hwakatozoita kuti mapurisa akawanda aparidzirwe kekutanga muupenyu hwawo. Izvi zvakaita kuti vatange kuona Zvapupu zvaJehovha sevanhu vakanaka.