Enda pane zvauri kuda

Rwendo Rwatakaita Tichikwidza neRwizi Runonzi Maroni

Rwendo Rwatakaita Tichikwidza neRwizi Runonzi Maroni

 Kure nemheremhere yeupenyu hwemuguta, musango rinogara richinaya mvura reAmazon kuSouth America, mune vanhu vemadzinza, mitauro, nemarudzi akasiyana-siyana vanogaramo. Saka muna July 2017, boka revanhu 13 reZvapupu zvaJehovha, rakaita rwendo richikwidza neRwizi runonzi Maroni, nedzimwe nzizi dzinodira marwuri dzekuFrench Guiana. Vaienda kunoitei? Kunoudza vanhu vanogara pedyo nerwizi urwu mashoko etariro ari muBhaibheri.

Kugadzirira Rwendo Rwacho

 Mwedzi mumwe chete vasati vaita rwendo urwu rwemazuva 12, vese vaizoenda vakapinda musangano wekugadzirira rwendo rwacho. “Takadzidza nezvenzvimbo yacho nenhoroondo yayo, uyewo takakurukura kuti taizogadzirira sei rwendo rwacho,” anoyeuka kudaro Winsley. Munhu wese aienda akapiwa pekuisira jira rekurarira rinoita zvekusungirirwa pamiti miviri, nemosquito net kuti zvisanyoroveswa nemvura. Rwendo rwacho rwaisanganisira kufamba nendege kaviri uye kufamba nechikepe kwemaawa akawanda.

Claude naLisette

 Vakasarudzwa kuenda kunoita basa iri vakanzwa sei? Claude naLisette, vane makore ekuma60 havana kumboverengera. “Ndakafara chaizvo, asi ndaitya zvishoma,” anodaro Claude. “Ndakanga ndanzwa nezvengozi dzemafungu erwizi rwacho.” Lisette aivawo nezvaimunetsa. Akati: “Ndainetsekana kuti ndaizotaura sei mitauro yeAmerindian.”

 Mumwe aiendawo anonzi Mickaël aivawo nezvaatyira. Akati: “Taisaziva zvakawanda nezvevanhu vedzinza rechiWayana, saka ndakatsvakurudza paIndaneti kuti tidzidze mashoko mashoma nekukwazisa vanhu mumutauro wavo.”

 Shirley, uyo aifamba nemurume wake, Johann, akanyora pasi mitauro inotaurwa pedyo nerwizi rwacho. Shirley akati: Taiva nemavhidhiyo epajw.org mumitauro yakawanda yacho uye taivawo nekabhuku kanodzidzisa mashoko emutauro weWayana.”

Kuparidza Munharaunda yevaAmerindian

 Musi weChipiri, 4 July, boka racho rakakwira ndege muSaint-Laurent du Maroni richienda kuMaripasoula, guta diki riri muFrench Guiana.

 Mumazuva mana akatevera, boka racho rakaparidza kuvanhu vemumisha iri nechekumusoro kwerwizi rwaMaroni, vachifamba nezvikepe zvine injini. “Takaona kuti vaAmerindian vaifarira chaizvo nyaya dzemuBhaibheri,” anodaro Roland, mumwe aiva muboka iri. “Vane mibvunzo yakawanda, uye vamwe vacho vaida kuti tidzidze navo Bhaibheri.”

 Mune mumwe musha, Johann naShirley vakasangana nemurume nemudzimai vaiva nehama yavo yainge yazviuraya. Johann anoti: “Takavaratidza vhidhiyo inonzi A Native American Finds His Creator,” iri paJW Broadcasting. “Vakabatwa batwa nevhidhiyo iyi chaizvo. Vakatipa e-mail yavo nekuti vaida kuti tizoramba tichikurukura.”

 Nzvimbo iri kure chaizvo yavakashanyira yaiva Antécume Pata. Ishe wemusha wacho akabvumira Zvapupu izvo zvakanga zvaneta, kuti zvirare munzvimbo iyi. Vakanogezawo kurwizi sezvinongoitwa nevagari vemunzvimbo iyi.

 Richibva ipapo, boka racho rakananga kumusha unonzi Twenké, kwavakasvika vagari vemumusha macho vachichema hama yavo yainge yafa. Mumwe wevakaronga rwendo rwacho, Éric, akati: “‘Murume Anoremekedzwa,’ kureva ishe wedzinza racho, akatibvumira kufamba takasununguka mumusha wacho tichinyaradza vese vaichema. Sabhuku wacho nemhuri yake vakafarira magwaro atakaverenga navo kubva muBhaibheri reWayana. Takavaratidzawo mavhidhiyo aitaura nezvevimbiso yeBhaibheri yerumuko.”

Kuenda kuGrand-Santi uye kuApatou

 Iye zvino vakanga vava kufanira kukwira ndege kwehafu yeawa kubva kuMaripasoula kuenda kuguta diki rinonzi Grand-Santi. Musi weChipiri neChitatu, vakakurukura mashoko ari muBhaibheri nevanhu vemunharaunda yacho. Musi weChina, Zvapupu zvakaita rumwe rwendo rwemaawa mashanu nehafu vachidzika neRwizi rwaMaroni vachienda kumusha unonzi Apatou.

Rwizi runonzi Maroni nenharaunda yeAmazon iri pakati peMaripasoula neGrand-Santi

 Pasara zuva rimwe chete kuti vapedze rwendo rwavo rwekuparidza, boka racho rakaenda kumisha yevaMaroon, zvizvarwa zvevanhu vakabva kuAfrica sevaranda vachiendeswa kuSouth America panguva yainge yakapambwa nyika yakavakidzana yeSuriname. Zvapupu zvacho zvakakoka munhu wese kumusangano waiitirwa musango mutende hombe rainge ragadzirirwa musangano uyu unokosha. Claude anoti: “Mwoyo yedu yakafara pakauya vanhu vakawanda. Takanga tavakoka mangwanani iwayo!” Karsten, akanga ari kushanyira nzvimbo yacho kekutanga, akakurukura hurukuro yavose mumutauro weAukan yaiva nemusoro waiti “Kana Munhu Akafa Zvatopera Here?” Vanhu 91 vakapinda musangano uyu vachibva mumisha inoverengeka.

“Tinoda Kudzokerazve!”

 Pakupedzisira, vanhu vakazodzokera kuSaint-Laurent du Maroni. Vese vakafara chaizvo nekufarira kwakaita vanhu vacho, avo vakatora mabhuku akawanda nekuona mavhidhiyo akawanda akabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

 “Handigoni kutsanangura kufara kwandiri kuita nekuti ndakaenda rwendo urwu” anodaro Lisette. Cindy anobvumirana naye achiti: “Kudai ndainzi ndiende zvekare, handingamborambi. Zvinoda kuti munhu azvinzwire ega mufaro wacho kuti azvinzwisise!”

 Rwendo urwu rwakaita kuti vakanga vaenda vade kudzokerazve. Mickaël anoti: “Tinoda kudzokera zvakare!” Winsley akabva atamira kuSaint-Laurent du Maroni. Claude naLisette, avo vava kumakore ekuma60, vakasarudza kunogara kuApatou.