Enda pane zvauri kuda

“Ndanga Ndakamirira Kuti Mufone”

“Ndanga Ndakamirira Kuti Mufone”

 Ed nemudzimai wake Jennie, vakatanga kuedza kuparidza nefoni muna 2010. a Jennie anoti: “Handina kana kumbozvifarira. Ndakaudza murume wangu kuti, ‘Handisi kuzozviita zvakare!’” Ed aivawo nemaonero akafanana naiwayo. Anoti, “Zvinondibhowa pandinofonerwa nevanhu vanenge vachiedza kunditengesera zvinhu, saka zvaindiomera kuparidza nefoni.”

 Chirwere cheCOVID-19 chakabva chatanga, uye Zvapupu zvaJehovha zvakamira kuparidza paimba neimba. Asi vachiteerera murayiro waJesu wekuti vazivise mashoko akanaka, vakaramba vachiita ushumiri vachiita zvekunyora tsamba, kufonera vanhu nezvimwewo. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Panguva imwe chete, misangano yechiKristu uye misangano yebasa rekuparidza yaiitwa vanhu vachiita zvekuonana pavhidhiyo. Pane mumwe musangano, Ed akatangazve kuparidza nefoni kunyange zvazvo zvakanga zvakamuomera. Ainzwa sei paakanga ava kuda kufona kekutanga? Anoti: “Ndaitya zvisingaiti zvekuti ndakanyengetera ndichikumbira kubatsirwa. Ndakabva ndafona. Ndipo pandakazivana naTyrone.” b

 Tyrone nemudzimai wake Edith, vanogara kumaruwa eKentucky, U.S.A. Tyrone ava nemakore 83 uye haachanyatsooni. Pasinei naizvozvo, akabvuma kudzidziswa Bhaibheri naEd. Aiverenga bhuku ravaidzidza achishandisa girazi rinokudza zvinhu uye akatanga kudzidza Bhaibheri nguva dzese naEd pafoni.

 Papera unenge mwedzi, Tyrone naEdith vakatanga kupinda misangano neungano yekwavanogara. Asi sezvo vasina indaneti, vaipinda misangano yacho vachiita zvekuteerera pafoni. Chii chakaita kuti Edith atange kufarira kudzidza?

 Ed naJennie pavaidzidza naTyrone, vainzwa Edith ari necheseri achibatsira Tyrone kutsvaga mhinduro yemibvunzo uye kumuvhurira mavhesi muBhaibheri ravo. Asi ndizvo zvega zvaaingoita. Jennie anoti, “Inzwi raEdith rairatidza kuti akanga asina mufaro, asi ini naEd taisaziva kuti nei zvakadaro.”

Ed naJennie vachiparidza nefoni

 Rimwe zuva, Jennie akafunga kutaura naEdith. Saka panguva yakakodzera, Jennie akakumbira Ed foni. Jennie akabva ati: “Tyrone, ndiri kunzwa inzwi remudzimai wako, kana achida anogona kuverenga vhesi kana kupindurawo.”

 Pakamboita karunyararo, Edith achibva azotaura pafoni nenzwi nyoronyoro kuti, “Ndava nenguva ndichida kutaura nemi.” Akabva ati: “Ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndava nemakore 40 ndisingaiti mabasa echiKristu.”

 Jennie akashamisika achibva ati, “Uri Chapupu!” Vese vakatanga kusvimha misodzi.

 Pashure paizvozvo, Ed akabva apa Edith bhuku rinonzi Dzoka Kuna Jehovha. Mumavhiki akatevera, Ed naJennie vakacherechedza kuti Edith akanga achinja. Ed anoti, “Pakutanga, inzwi rake rainzwika kuti airwadziwa zvisingaiti. Asi iye zvino rava kunzwika kuti ava kufara.” Edith akatanga kufambira mberi pakunamata uye iye zvino ava kushumira zvakare achifara semuparidzi wemashoko akanaka. Murume wake akabhabhatidzwa semumwe weZvapupu zvaJehovha muna July 2022.

 Ed paanofunga nezvemaonero aaimboita kuparidza nefoni, anobva ayeukawo zvavakakurukura naTyrone. Pashure pekunge Ed averenga Johani 6:44 uye amutsanangurira kuti Jehovha anokweva vanhu kuti vazive chokwadi, Tyrone akabvumirana nazvo achiti: “Ndanga ndakamirira kuti mufone.” Jennie anofarawo kuti iye nemurume wake vakava neushingi hwekuparidza vachishandisa foni. Anoti “Patinoedza kuita chimwe chinhu chakatiomera, Jehovha anotikomborera.”

a Zvapupu zvaJehovha zvinoita ushumiri hwazvo zvichitevedzera mitemo yemachengetedzerwo emashoko.

b Mamwe mazita akachinjwa.