Enda pane zvauri kuda

BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

“Ndaizvicherera Guva”

“Ndaizvicherera Guva”
  • Gore Rekuberekwa: 1978

  • Nyika: El Salvador

  • Nhoroondo Yeupenyu: Ndaiva Muchikwata Chematsotsi Uye Ndaida Zvekurwa

MARARAMIRO ANDAIITA

 “Kana uchida kunyatsoziva Mwari, ramba uchidzidza neZvapupu zvaJehovha.” Ndakashamiswa kunzwa mashoko iwayo. Ndakanga ndava nekanguva ndichidzidza neZvapupu zvaJehovha. Asi kuti munzwisise nei ndakashamiswa nemashoko aya andakaudzwa, regai ndikuudzei nezveupenyu hwangu.

 Ndakazvarirwa muQuezaltepeque, guta riri muEl Salvador. Ndaiva wechi6 pavana 15. Vabereki vangu vakandidzidzisa tsika dzakanaka. Uye mumwe murume anonzi Leonardo nezvimwewo Zvapupu zvaJehovha, vaimbouya kumba kwedu vachindidzidzisa Bhaibheri. Asi handina kuteerera zvavaindidzidzisa uye ndairamba ndichingoita zvinhu zvisina musoro nguva dzese. Pandakanga ndava nemakore 14, ini neshamwari dzangu takatanga kunwa doro nekushandisa madhiragi. Vakatanga kusiya chikoro vachinobatana nechimwe chikwata chematsotsi uye ndakabva ndavajoinawo. Taiswera tiri mumigwagwa, tichibira vanhu mari yataizoshandisa pakutenga doro nemadhiragi.

 Ndaitonzwa sekuti chikwata ichi ndivo vanhu vekumba kwedu uye kuti ndaifanira kunyatsoratidza kuti ndakavimbika kwavari. Mumwe musi, mumwe aiva muchikwata chedu paakanga akadhakwa, akarova muvakidzani wangu. Pavairwisana, shamwari yangu yakakundwa. Muvakidzani wangu uyu akabva adaidza mapurisa. Ndakagumbuka, ndichibva ndatanga kupwanya mota yake ndichiitira kuti asiye shamwari yangu. Muvakidzani wangu akakumbirisa kuti ndisapwanya mota yake asi aiita senge ari kutaurira mumhepo nekuti ndakaipwanya-pwanya zvisingaiti.

 Pandakanga ndava nemakore 18, chikwata changu chakarwisana nemapurisa. Pandakanga ndava kuda kuti ndikande bhomba ratanga tagadzira, rakabva raputikira mumaoko angu, handizivi kuti zvakafamba sei. Ndichiri kungoyeuka ndichiona ruoko rwangu rwakabvarurwa-bvarurwa, uye kuti ndakabva ndafenda. Ndakamukira kuchipatara, ndichibva ndaona kuti handichina ruoko rwangu rwekurudyi, nzeve yangu yekurudyi yakanga isisanzwi, uye ziso rangu rekurudyi rakanga risisanyatsoona.

 Pandakabuda muchipatara ndakabva ndadzokera zvekare kuchikwata changu chandaimbova. Handina kumbotora nguva, ndakabva ndasungwa nemapurisa ndichibva ndavharirwa mujeri. Ndipo pakabva patosimba ushamwari hwangu nevamwe vaiva muchikwata chandainge ndakajoina. Taiswera tese, tichisvuta mbanje.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI

 Pandaiva mujeri, Leonardo akandishanyira. Pataitaura akanongedza tattoo raiva paruoko rwangu rwerudyi achibva ati: “Unoziva here kuti madonhwe matatu aya anorevei?” Ndakamuti, “Ehe, anoreva kuti bonde, madhiragi, uye mimhanzi yerock.” Leonardo akabva ati: “Ini ndinoti anoreva chipatara, jeri uye rufu. Wakambopinda muchipatara, iye zvino uri mujeri. Unoziva chasara.”

 Zvakataurwa naLeonardo zvakandibata. Aitaura chokwadi. Ndakanga ndichizvicherera guva nemararamiro andaiita. Leonardo akandikumbira kuti ndidzidze naye Bhaibheri ndichibva ndabvuma. Zvandakadzidza muBhaibheri zvakaita kuti ndichinje upenyu hwangu. Semuenzaniso, Bhaibheri rinoti “ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika dzinobatsira.” (1 VaKorinde 15:33) Saka chinhu chandaifanira kutanga kuita kwaiva kutsvaga shamwari itsva. Ndakatanga kurovha misangano yaiitwa nechikwata chiya uye ndakatanga kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha yaitirwa mujeri. Pamisangano iyoyo ndakasangana naAndrés, uyo akanga abhabhatidzwa kuva Chapupu chaJehovha mujeri imomo. Akandikoka kuti tizodya tese mangwanani. Kubvira ipapo ndakanga ndisisachatangi zuva rangu nekusvuta mbanje. Taikurukura vhesi yeBhaibheri mangwanani ega ega.

 Shamwari dzangu dzemujeri dzakatanga kuona kuti ndakanga ndava kuchinja mararamiro andaiita. Saka mumwe mukuru wechikwata chacho akati aida kutaura neni. Ndakatya. Ndakanga ndisingazivi kuti aizoita sei pandaizomuudza kuti ndakanga ndava kuda kusiya mararamiro andaiita. Chaiita kuti nditye ndechekuti zvakaoma kuti uti ndava kuda kubuda muchikwata chenyu. Akati: “Takaona kuti hauchauyi kumisangano yedu uye wava kuenda kune yeZvapupu zvaJehovha. Uri kuronga kuita sei?” Ndakamuudza kuti ndaida kuramba ndichidzidza Bhaibheri ndochinja upenyu hwangu. Ndakashamisika paakandiudza kuti chikwata chaizoremekedza zvandaisarudza chero bedzi ndaida kuzonyatsova Chapupu chaJehovha. Akabva azoti: “Kana uchida kunyatsoziva Mwari, ramba uchidzidza neZvapupu zvaJehovha. Tinotarisira kuti usiye kuita zvakaipa. Wagona nezvawasarudza. Uri mugwara rakanaka. Zvapupu zvinogona kukubatsira. Vakambondidzidzisa Bhaibheri pandaiva kuUnited States, uye dzimwe hama dzangu Zvapupu zvaJehovha. Usatya. Ramba wakadaro.” Kahana kairova uku ndichifara zvekare. Ndakatenda Jehovha Mwari nechemumwoyo. Ndakanzwa seshiri yabudiswa mukeji, uye ndakanzwisisa mashoko aJesu ekuti: “Muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.”—Johani 8:32.

 Asi dzimwe shamwari dzangu dzaindiedza nekundipa madhiragi. Pamwe pacho zvaindikunda. Asi nekufamba kwenguva, pashure pekunyengetera nemwoyo wese, ndakakwanisa kusiya zvemadhiragi nedoro.—Pisarema 51:10, 11.

 Pandakabudiswa mujeri, vakawanda vaifunga kuti ndichadzokera paupenyu hwandaimborarama, asi handina. Ndaigara ndichienda kujeri, ndichitonoparidzira vamwe vasungwa zvandakanga ndadzidza muBhaibheri. Shamwari dzangu dzakazopedzisira dzaona kuti zvechokwadi ndakanga ndachinja. Asi zvimwe zvikwata zvatakanga takamakana nazvo hazvina kuzvibvuma kuti ndachinja.

 Mumwe musi ndichiparidza nemumwe wandaiva naye, takangoerekana takombwa nevanhu vechikwata chatainge takavengana nacho. Vakanga vakapakata zvombo uye vaitoda kundiuraya. Wandaiparidza naye akataura navo neushingi asi neunyoro kuti ndakanga ndasiya zvandaimboita kare. Ini wacho ndakaedza chaizvo kuramba ndakadzikama. Vakandirova vachibva vanditi ndisafambira zvekare munzvimbo iyoyo, ndokubva vazotisiya. Bhaibheri rakanga rachinja upenyu hwangu zvechokwadi, nekuti dai kari kare, ndingadai ndakazovadzokera. Iye zvino ndava kushandisa zvinotaurwa pana 1 VaTesaronika 5:15 inoti: “Onai kuti hapana anotsiva zvinokuvadza nezvinokuvadza kune mumwe munhu, asi garai muchitevera zvakanaka kune mumwe nomumwe nokune vamwe vose.”

 Kubvira pandakava Chapupu chaJehovha, ndiri kuedza chaizvo kuva munhu kwaye kunyange zvazvo zvisiri nyore. Asi ndiri kubudirira nemhaka yekuti ndiri kubatsirwa naJehovha Mwari, neshamwari dzangu itsva dzandava nadzo uye nemazano anobva muBhaibheri. Handimbodi kudzokera kumararamiro andaiita kare.—2 Petro 2:22.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA

 Ndaimbova munhu wehasha aingoda zvekurwa. Ndinonyatsoona kuti ndingadai ndisiri mupenyu nhasi kudai ndakaramba ndichirarama nenzira yandaiita. Zvandakadzidza muBhaibheri zvakandibatsira kuti ndichinje. Ndakakwanisa kusiya zvakaipa zvandaiita. Ndava kugarisana zvakanaka nevanhu vandaimbovengana navo. (Ruka 6:27) Uye iye zvino ndinonakidzwa nekushamwaridzana nevanhu vanondibatsira kuti ndive neunhu hwakanaka. (Zvirevo 13:20) Ndinorarama upenyu hunofadza hune chinangwa, ndichinamata Mwari akagadzirira kukanganwira zvakaipa zvese zvandakaita.—Isaya 1:18.

 Muna 2006, ndakapinda chimwe chikoro chinodzidzisa vaKristu vasati varoora pakuita basa reuevhangeri. Papera makore akati kuti ndakazoroora uye ini nemudzimai wangu tine mwana musikana. Iye zvino ndava kudzidzisa vamwe zvandakadzidzawo muBhaibheri. Ndinoshanda semukuru muungano uye ndinoedza kubatsira vechidiki kuti vasaite zvikanganiso zvandakaita pandaiva pazera ravo. Panzvimbo pekuzvicherera guva, ndava kuvaka ramangwana risingaperi rinovimbiswa naMwari muBhaibheri.