Enda pane zvauri kuda

BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

“Ndaigara Mumigwagwa”

“Ndaigara Mumigwagwa”
  • Gore Rekuberekwa: 1955

  • Nyika: Spain

  • Nhoroondo Yeupenyu: Ndaidhakwa, Ndaishandisa Madrugs, Ndairwisana Nevanhu

MARARAMIRO ANDAIITA

 Vamwe vanhu zvinovatorera nguva kuti vadzidze kubva pazvikanganiso zvavo. Ndozvandakanga ndakaita. Ndakaberekerwa muSpain, muguta reBarcelona, uye ndimo mandakakurira. Iri ndiro guta rechipiri pakukura munyika iyi. Mhuri yedu yaigara munzvimbo inonzi Somorrostro. Iyi ndiyo nzvimbo yakakura pane dzimwe dzese dziri pamhenderekedzo yegungwa muguta iri. Somorrostro yaizivikanwa nekuparwa kwemhosva uye kutengeswa kwemadrugs.

 Vabereki vangu vaiva nevana 9 uye ini ndaiva dangwe. Taiva varombo, saka baba vangu vakanditi ndinoshanda paine imwe club yetennis yekwataigara, ndichinhonga mabhora ainge abuda munhandare. Ndaiva nemakore 10 uye zuva nezuva ndaishanda kwemaawa 10. Izvi zvainditadzisa kuenda kuchikoro. Pandakanga ndava nemakore 14, ndakatanga kushanda mufekitari yaiita zvesimbi.

Muna 1975, ndiri musoja weSpanish Foreign Legion chiri kuNorth Africa uye ndakapfeka yunifomu yacho

 Muna 1975, ndakashevedzwa kuti ndipinde muchiuto uye basa iri rainzi raifanira kuitwa nemunhu wese muSpain. Ndaida kuita zvinhu zvandakanga ndisati ndamboita muupenyu, saka ndakabatana nechikwata chemauto ekuSpain chinonzi Spanish Foreign Legion chaiva kuMelilla, nzvimbo iri kuNorth Africa yaigarwa nevanhu vekuSpain. Panguva iyoyo, ndakatanga kudhakwa zvisingaite uye kushandisa madrugs.

 Pandakasiya zvechiuto, ndakadzokera kuBarcelona ndokubva ndaumba chikwata chematsotsi. Taiba chese chataiwana. Taizotengesa zvinhu zvacho kuti tikwanise kutenga madrugs nekuti takanga tisisakwanise kuarega. Ndakatanga kushandisa madrugs anonzi LSD uye amphetamines, uye ndakanga ndava kuraramira bonde, kudhakwa uye kubheja. Kamuraramiro kangu kakaita kuti ndiwedzere kunetsana nevanhu. Ndaigara ndiine banga, demo, uye bhemba, uye kana zvinhu zvanetsa ndaisazeza kuzvishandisa.

 Chikwata chedu chakamboba motokari, uye takadzingirirwa nemapurisa. Zvakaitika ipapo zvaiva zvemufirimu chaizvo. Tafamba makiromita 30 tichitiza nemotokari iyi, mapurisa akabva atanga kutipfura. Aityaira motokari yacho akabva aibonderesa uye tese takabva tatiza. Baba vangu pavakazviziva, vakabva vandidzinga pamba.

 Kwemakore 5 akazotevera, ndaigara mumigwagwa. Ndairara pedyo nemadhoo ezvivako, mumarori, pamabhenji emumapaki, uye munzvimbo dzemakuva. Ndakatombogara mubako kwekanguva. Upenyu hwangu hwakanga husina chinangwa uye kwandiri kufa kana kurarama zvainge zvakangofanana. Rimwe zuva pandainge ndashandisa madrugs ndakambozvicheka cheka maoko. Nanhasi ndichine mavanga acho.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI

 Pandainge ndava nemakore 28, amai vangu vakauya vachinditsvaga vachibva vati ndidzoke kumba. Ndakabvuma uye ndakavavimbisa kuti ndaizoita munhu kwaye, asi zvakanditorera kanguva kuti ndizozadzisa zvandainge ndavimbisa.

 Mumwe musi ari masikati, Zvapupu zvaJehovha zviviri zvakauya padhoo pedu. Pandainge ndichiteerera zvavaitaura, baba vakashevedzera nehasha vari mumba vachiti ndivhare dhoo, Zvapupu zviende. Sezvo ndakanga ndisingadi kuudzwa zvekuita, ndakaita sendisina kuzvinzwa. Vakandipa mabhuku matatu, uye ndakaafarira. Ndakavabvunza kuti vaipindira kupi chechi, uye pangopera mazuva mashoma ndakaenda kuImba yeUmambo.

 Chandakatanga kuona kupfeka zvakanaka kwainge kwakaita munhu wese akanga arimo. Asi ini ndakanga ndiine mazibvudzi nemazindebvu uye ndainge ndakapfeka hembe dzakasakara. Ndakangoona sekuti umu makanga musiri mangu, saka handina kupinda. Ndakashamisika pandakaona mumwe murume wandaimbotamba naye uye aimbova muchikwata chedu chematsotsi ainzi Juan, akapfeka sutu. Ndakazoziva kuti akanga atova negore ari Chapupu chaJehovha. Pandakangomuona zvakabva zvandipa simba rekupinda muImba yeUmambo. Ipapo ndipo pakatanga kuchinja upenyu hwangu.

 Ndakabvuma kudzidziswa Bhaibheri uye pasina nguva ndakaona kuti kana ndaida kufarirwa naMwari, ndaifanira kusiya hasha uye upenyu hweunzenza. Zvakanga zvisiri nyore. Kuti ndifadze Jehovha Mwari, ndakadzidza kuti ndaifanira ‘kushandurwa nekuchinja pfungwa dzangu.’ (VaRoma 12:2) Ndakabayiwa mwoyo netsitsi dzaMwari. Pasinei nezvivi zvangu zvese, mwoyo wangu wakandiudza kuti aindipa mukana wekuti ndinyatsochinja upenyu hwangu. Zvandakadzidza nezvaJehovha Mwari zvakanyatsodzika mumwoyo mangu. Ndakanyatsoona kuti Musiki ariko uye anondida.​—1 Petro 5:6, 7.

 Izvi zvakaita kuti ndibve ndatotanga kuchinja mararamiro angu. Semuenzaniso, pandaidzidziswa Bhaibheri, takabata nyaya yefodya, uye ndakabva ndati nechemumwoyo, ‘Kana Jehovha Mwari achida kuti ndive munhu akachena, ndisina chero chinhu chinondisvibisa, ndinofanira kurasa midzanga iyi!’ (2 VaKorinde 7:1) Saka ndakabva ndatoikanda mubhini!

 Ndaifanirawo kurega kushandisa madrugs uye kuatengesa. Izvi zvakanga zvisiri nyore. Ndakaona kuti ndaifanira kutogura ushamwari nevanhu vandaimbotamba navo. Vakanga vachinditadzisa kufambira mberi pakunamata. Nguva sezvayaifamba, ndakawedzera kuvimba naMwari uye shamwari dzangu dzemuungano dzaindibatsirawo. Handisati ndamboona vanhu vane rudo rwakadaro. Mwedzi sezvayakafamba, ndakazokwanisa kusiya zvemadrugs uye ndakakwanisa “kupfeka unhu hutsva,” hwaizoita kuti ndifarirwe naMwari. (VaEfeso 4:24) Muna August 1985, ndakabhabhatidzwa semumwe weZvapupu zvaJehovha.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA

 Bhaibheri rakachinja upenyu hwangu. Rakandibatsira kuti ndisaparadze muviri wangu uye ndisaite zvinhu zvinondibvisa chimiro. Vanhu vaiva shamwari dzangu vanopfuura 30 vakafa vachiri vadiki neAIDS uye nezvimwe zvirwere zvinokonzerwa nemadrugs. Ndinotenda chaizvo kuti kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri kwakandiponesa.

 Iye zvino handichafambi nemapanga nematemo sezvandaiita pandaiva mukomana. Handina kumbobvira ndazvifungira kuti mumwe musi ndaizofambawo neBhaibheri ndichibatsira vanhu. Iye zvino ini nemudzimai wangu tinoshumira seZvapupu zvaJehovha.

 Vabereki vangu havana kumbova Zvapupu zvaJehovha, asi vakafara chaizvo nekubatsirwa kwandakaitwa nekudzidza Bhaibheri. Vanhu vekubasa kwababa vangu pavaishora Zvapupu, baba vangu vaitaura zvakanaka nezvedu. Vakanyatsoona kuti chitendero changu ndicho chainge chaita kuti ndichinje upenyu hwangu. Amai vangu vaigara vachingoti dai ndakanga ndakakurumidza kudzidza Bhaibheri. Vaitaura chokwadi!

 Zvakaitika muupenyu hwangu zvakandidzidzisa kuti kushandisa madrugs kana kuti zvimwewo zvinhu hakumboiti kuti munhu anzwe kugutsikana muupenyu. Ndiri kunyatsogutsikana nekuudza vamwe dzidziso dzinobva muBhaibheri, uye dzidziso idzi ndidzo dzakandiponesa.