Enda pane zvauri kuda

‘Kuva Nezvese Zvinodiwa Pakuita Mabasa Ese Akanaka’!

Kubudiswa kweBhaibheri Rakadzokororwa reShanduro Yenyika Itsva

‘Kuva Nezvese Zvinodiwa Pakuita Mabasa Ese Akanaka’!

Musi wa17 March 2019, vanhu 2 457 vaiva vakaungana kuImba Yemagungano yeZvapupu zvaJehovha yemuHarare, uye vamwe 43 000 vakateerera vari kuDzimba dzeUmambo nedzimwe Dzimba Dzemagungano, Kenneth Cook weDare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha achibudisa Bhaibheri rakadzokororwa reShanduro Yenyika Itsva mumutauro wechiShona.

Zvapupu zvinotaura mutauro wechiShona zvakatanga kuwana Bhaibheri reShanduro Yenyika Itsva rakazara muna 2004. * MaBhaibheri 640 000 eShanduro Yenyika itsva akabudiswa mumutauro wechiShona uye akashandiswa neZvapupu zvinotaura chiShona zvingasvika 38 000 zviri muZimbabwe nemune dzimwe nyika. Asi nei shanduro iyi yeBhaibheri yakadzokororwa? Ndiani akabudisa shanduro iyi? Chii chingakubatsira kuti uvimbe nemashandurirwo akaitwa Bhaibheri iri? Uye ndezvipi zvimwe zvakaiswa mushanduro iyi yakadzokororwa zvichakubatsira kuti ‘uve nezvese zvinodiwa pakuita mabasa ese akanaka’?—2 Timoti 3:16, 17.

Nei shanduro iyi yakadzokororwa?

Sezvo mitauro ichichinja nekufamba kunenge kuchiita nguva, shanduro dzeBhaibheri dzinoda kudzokororwa kuti vanhu vakwanise kuramba vachinzwisisa zvirimo. Kana Bhaibheri riri mumutauro usisanyanyi kushandiswa, vanhu havakwanisi kunyatsobatsirwa nemashoko arimo.

Pakutanga, Jehovha Mwari akaita kuti bhuku rimwe nerimwe riri muBhaibheri rinyorwe mumutauro wainyanya kushandiswa panguva iyoyo uye wainzwisiswa nevanhu. Komiti Inoshandura Bhaibheri reNyika Itsva yakatevedzerawo izvi payakabudisa Shanduro Yenyika Itsva yakadzokororwa mumutauro weChirungu muna October 2013. Mashoko Ekutanga eshanduro iyi anoti: “Chinangwa chedu pataidzokorora Bhaibheri iri chaiva chekuti tibudise Bhaibheri rinonzwisisika uye riri nyore kuverenga tisingachinji mashoko acho akafemerwa.”

Shanduro Yenyika Itsva yakatanga kubudiswa mumutauro wechiShona yakashandurwa kubva muShanduro Yenyika Itsva yeChirungu ya1984. Shanduro yakadzokororwa yemutauro wechiShona yakagadziridza zvakawanda zvakagadziridzwa mushanduro yeChirungu ya2013, ichibva yazovandudzawo mutauro wechiShona kuti uve nyore kuverenga.

Uyewo, kubvira pakatanga kubudiswa Shanduro Yenyika Itsva muChirungu, kunzwisiswa kwava kuitwa mitauro yakashandiswa pakanyorwa Bhaibheri inoti, chiHebheru, chiAramaiki, uye chiGiriki kwawedzera. Zvimwe zvinyorwa zveBhaibheri zvekare zvakanga zvisati zvawanikwa pakatanga kubudiswa Shanduro Yenyika Itsva zvavapo; zvinyorwa izvi zvinobatsira vashanduri veBhaibheri kunzwisisa zvainyatsorehwa nemashoko eBhaibheri parakanyorwa.

Izvi zvakaita kuti manyorerwo akanga akaitwa mamwe mavhesi achinje kuti aenderane nezvinobvumiranwa nevatsvakurudzi veBhaibheri vakawanda kuti ndizvo zvaiva zvakanyorwa pakutanga. Semuenzaniso, maererano nezvimwe zvinyorwa zvekare, Mateu 7:13 inoti: “Pindai nepagedhi rakamanikana, nekuti gedhi rakafara nemugwagwa wakapamhama, zvinoenda mukuparadzwa.” MumaBhaibheri eShanduro Yenyika Itsva ekare, mashoko ekuti “nekuti gedhi” akanga asina kuiswa. Asi kutsvakurudza kwakaitwa muzvinyorwa zvekare kwakaratidza kuti mashoko iwayo ekuti “nekuti gedhi” aivamo pakatanga kunyorwa Bhaibheri. Saka mashoko aya akaiswa mushanduro yakadzokororwa. Pane mavhesi akawanda akagadziridzwa saizvozvo. Asi zvese zvakagadziridzwa zvinhu zvidiki uye hazvina zvazvinochinja padzidziso huru dziri muBhaibheri.

Tsvakurudzo dzakaitwa dzinoratidzawo kuti muBhaibheri pane dzimwe nzvimbo 6 dzinofanira kunge dzichiwanika zita raMwari rekuti Jehovha. Nzvimbo dzacho ndeidzi: Vatongi 19:18; 1 Samueri 2:25; 6:3; 10:26; 23:14, 16. Saka iye zvino Bhaibheri reShanduro Yenyika Itsva reChirungu rava kuwanika zita raMwari rekuti Jehovha ka7 216, ka237 kacho kari muMagwaro echiKristu echiGiriki.

Rimwe remashoko ainetsa vaverengi vechiShona ishoko rekuti “mudzimu,” iro rinoshandiswa panyaya dzechidhimoni. Bhaibheri rakadzokororwa rava kushandisa shoko rekuti “mweya,” iro rinoshandiswa nevaShona vese. Rimwezve shoko risina kushandiswa muBhaibheri rakadzokororwa nderekuti “kudzingiswa,” nemhaka yekuti harichanyanyi kushandiswa nevanhu. MuBhaibheri idzva makashandiswa shoko rekuti “kuchecheudzwa,” rinova ndiro rinoshandiswa mune mamwe maBhaibheri echiShona uye mumapepanhau nezvimwe zvinobudisa mashoko. MuShanduro Yenyika Itsva ya2004, shoko rekuti “mushumiri anoshumira” ranga richiomera vakawanda kunzwisisa nekuti raiita seriri kudzokorora chinhu chimwe chete asi mashoko ekuti “mushumiri weungano” akajekera munhu wese. MuMagwaro echiHebheru shoko rekuti “rudo rwakavimbika” rava kushandurwa richinzi “rudo rusingachinji” izvo zvinobva zvangojeka kumuverengi.

Mushanduro ya2004, Mateu 5:3 yainge yakaomera vakawanda kunzwisisa payaiti “Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu,” nekuti yainzwika nemuShona seiri kuti vanofara ndevaya vanoziva zvinodiwa nemadzitateguru avo akafa. Izvi zvaikonzerwa nemanzwisisirwo anoitwa shoko rekuti “mudzimu.” Mashandurirwo matsva arakaitwa ekuti “Vanofara vaya vanoziva kuti vanoda kutungamirirwa naMwari” ava kunyatsonzwisisika. Uye mashoko emuzasi anobudisa zvinoti enderanei nemataurirwo azvakaitwa mumutauro wazvakatanga kunyorwa nawo ari kubva aita kuti zviwedzere kunzwisisika.

Ndiani anobudisa shanduro iyi?

Shanduro Yenyika Itsva inobudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society, sangano repamutemo rinomiririra Zvapupu zvaJehovha. Kwemakore anopfuura 100, Zvapupu zvaJehovha zvakapa vanhu maBhaibheri munyika yese. Shanduro yeChirungu yekutanga yakabudiswa neKomiti Inoshandura Bhaibheri reNyika Itsva iri muzvikamu kubvira muna 1950 kusvika muna 1960. Pane kuzvitsvagira mukurumbira, nhengo dzekomiti iyi dzakakumbira kuti dzisazivikanwe mazita adzo kunyange kana dzafa.—1 VaKorinde 10:31.

Muna 2008, Dare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha rakagadza rimwe boka rehama kuti rive muKomiti Inoshandura Bhaibheri reNyika Itsva. Komiti yacho yakabva yangotanga kuita basa rekudzokorora Shanduro Yenyika Itsva yeChirungu, ichifunga nezvezvakawanda zvakachinja mumutauro weChirungu kubvira pakatanga kubudiswa shanduro iyi. Pakaongororwawo mhinduro dzemibvunzo inopfuura 70 000 yakabvunzwa nevashanduri vakasiyana-siyana vakashandura Bhaibheri reShanduro Yenyika Itsva mumitauro inopfuura 120.

Shanduro iyi yechiShona yakadzokororwa sei?

Kutanga, boka revaKristu vakazvipira rakagadzwa kuti rishandure. Zvakaonekwa kuti vashanduri pavanoshanda seboka panzvimbo pekushandura mumwe nemumwe ari ega, vanobuda neshanduro iri nani uye isingabudisi pfungwa dzemunhu mumwe chete. (Zvirevo 11:14) Kazhinji, mumwe nemumwe anoiswa muboka rekushandura Bhaibheri anenge agara atori mushanduri ane unyanzvi wemabhuku eZvapupu zvaJehovha. Vakabva vanyatsodzidziswa zvinodiwa pakushandura Bhaibheri uye kushandiswa kunoitwa mapurogiramu epakombiyuta akagadzirirwa basa iroro.

Vashanduri vakashandisa purogiramu yepakombiyuta yakabatanidza zvakasiyana-siyana zvakawanikwa pakutsvakurudza mashoko emuBhaibheri. Dhipatimendi rinobatsira vashanduri riri kuNew York, U.S.A., raibatsira vashanduri ava. Dare Rinotungamiririra reZvapupu zvaJehovha rinotungamirira basa rekushandurwa kweBhaibheri richishandisa imwe yemakomiti aro inonzi Komiti Yekunyora. Asi basa iri rinoitwa sei?

Boka racho rekushandura rinoudzwa kuti rishandure Bhaibheri (1) rakarurama asi riri nyore kunzwisiswa nevanhuwo zvavo, (2) risingatauri zvinhu zvakasiyana-siyana panyaya imwe chete, uye (3) pazvinenge zvichiita rinotaura zvinhu semataurirwo azvakaitwa mumutauro warakatanga kunyorwa nawo. Izvi zvinoitwa sei? Ngatimboonai Bhaibheri iri richangobva kubudiswa. Boka rekushandura rinotanga nekutarisa mashoko echiShona akashandiswa muShanduro Yenyika Itsva yekare. Purogiramu yepakombiyuta inonzi Watchtower Translation System inobva yaratidza mashoko anoreva zvakafanana ari muBhaibheri. Inoratidzawo mashoko echiGiriki kana kuti echiHebheru akashandiswa pakutanga kuti vashanduri vaongorore kuti mashoko iwayo echiGiriki kana kuti echiHebheru akashandurwa sei pamwe paanowanika muBhaibheri. Zvese izvi zvinobatsira chaizvo pakuongorora mashoko echiShona akashandiswa pandima idzi. Vashanduri vanoedzawo kushandisa mashoko anoshandiswa mazuva ese uye ari nyore kunzwisisa muchiShona pavanenge vachitarisa vhesi imwe neimwe.

Zviri pachena kuti kushandura haisi nyaya yekungotsvaga mashoko ekutsiva anenge aripo. Ibasa guru chairo kuona kuti mashoko echiShona anenge asarudzwa anonyatsobudisa pfungwa yaida kubudiswa neMagwaro mundima imwe neimwe. Shanduro iyi inoratidza yega kuti pakashandwa nesimba. Shanduro Yenyika Itsva mumutauro wechiShona inobudisa Shoko raMwari nemazvo, zvinoenderana nezvaiva muzvinyorwa zvekare zveBhaibheri; yakajeka uye iri nyore kuverenga.

Tinokukurudzira kuti uongorore wega Bhaibheri iri reShanduro Yenyika Itsva. Unogona kuriverenga paIndaneti kana kuti paJW Library, kana kuti unogona kutsvaga rakaprindwa kuungano yeZvapupu zvaJehovha yekwaunogara. Unogona kuriverenga uine chivimbo, uchiziva kuti Shoko raMwari rakashandurwa zvakarurama mumutauro wako.

 

Zviri muShanduro Yenyika Itsva yakadzokororwa

 

Kusuma Shoko raMwari: Chikamu ichi chine mavhesi eBhaibheri anopindura mibvunzo 20 nezvedzidziso huru dzeBhaibheri

Zviri Mubhuku Racho: Chikamu ichi chiri panotangira bhuku rimwe nerimwe reBhaibheri kuti chikubatsire kukurumidza kuwana nyaya dzeBhaibheri. Chikamu ichi chinotsiva tsanangudzo pfupi dzainge dzakanyorwa nechepamusoro pepeji imwe neimwe yeBhaibheri dzaiva muShanduro Yenyika Itsva yekare

Mavhesi Akarongwa Pakati Pemapeji: Iye zvino pakangosiyiwa mavhesi anonyanya kubatsira muushumiri

Mashoko Emuzasi: Anoratidza mamwe mataurirwo angaitwa mashoko, mataurirwo azvaiitwa mumutauro wakatanga kunyorwa, uye mamwe mashoko anobatsira kuti munhu anzwisise zvinenge zvichirehwa

Indekisi Inobatsira Kutsvaga Mashoko muBhaibheri: Iye zvino chikamu ichi changosara mashoko nemavhesi anowanzobatsira muushumiri uye pakudzidzisa

Tsanangudzo Yemashoko emuBhaibheri: Chikamu ichi chine tsanangudzo pfupi dzezvinorehwa nemashoko akashandiswa muBhaibheri

Mashoko Ekuwedzera A: Chikamu ichi chinotsanangura zvimwe zviri mushanduro iyi yakadzokororwa, zvakadai semanyorerwo ayo uye zvakachinja pamutauro wakashandiswa uye kushandiswa kwezita raMwari

Mashoko Ekuwedzera B: Chikamu ichi chine zvikamu zvidiki 15 zvine mamepu nemifananidzo ine mavara akasiyana-siyana anonyatsooneka

^ ndima 4 Shanduro yechiShona yeMagwaro echiKristu echiGiriki yakabudiswa muna 1999.