Enda pane zvauri kuda

Kunyaradza Uye Kubatsira Vanorwara

Kunyaradza Uye Kubatsira Vanorwara

Vanhu vanenge vachirwara zvakanyanya vanogona kutanga kunetseka uye kana vachifanira kugara muchipatara, kunetseka kwacho kunowanzowedzera. Ndosaka rimwe bhuku rinotaura nezvekurapwa kwevarwere richiti, “ongororo dzakaitwa dzinoratidza kuti kuitira hanya varwere uye kuvabatsira pane zvekunamata kunovabatsira chaizvo kuti vanzwe zviri nani.” a

Saka Zvapupu zvaJehovha zvinoshandisa Bhaibheri kunyaradza vamwe vavo vanenge vari muchipatara uye kuvabatsira nezvimwe zvinhu. Vakuru veungano vanoshanyira vanhu vemuungano mavo vanenge vachirwara. Ko kana Chapupu chaJehovha chikanorapirwa kuchipatara chiri kure nekwachinogara? Mumaguta makuru pasi rese, Zvapupu zvaJehovha zvakaronga Mapoka Ekushanyira Varwere. Vakuru veungano vari mumapoka aya vanogara vachishanyira zvipatara kuti vabatsire Zvapupu zvinobva kunzvimbo dziri kure kana kuti kune dzimwe nyika zvinenge zvichirwara uye mhuri dzavo. Pasi rese pane mapoka aya anoshanyira varwere anosvika 1 900 uye ane vakuru 28 000 vanozvipira kuita basa iri. b

Vari muMapoka Ekushanyira Varwere vanosimbisa sei varwere pakunamata?

Mumwe wavo anonzi William anoti: “Ndakakwanisa kunyaradza Zvapupu nevemumhuri mavo vasiri Zvapupu kuburikidza nekutaura navo uye kuvateerera. Ndinovaudza kuti Jehovha Mwari ari kuziva dambudziko ravo uye kuti anovada. Varwere vacho nemhuri dzavo vanofara pandinonyengetera navo.”

Vakawanda vakatenda chaizvo kushanyirwa kwavakaitwa nevakuru vari muMapoka Ekushanyira Varwere. Mashoko anotevera akataurwa nevamwe vekuUnited States, uko kune vakuru vanoda kusvika 7 000 vari mumapoka aya.

  • Priscilla akati: “Ndinokutendai nekushanyira baba vangu kwamakaita pavaiva muchipatara pashure pekunge vaita stroke. Zvakavanyaradza chaizvo! Vakashamisika kuti kune urongwa hwakadaro. Ndinofunga kuti kushanya kwamaiita ndiko kwakaita kuti vakurumidze kupora.”

  • Pakashaya amai vake, Ophilia akaudza mumwe mukuru ari muBoka Rekushanyira Varwere kuti: “Amai vangu vaifara chaizvo pamaivashanyira! Vaiziva kuti ndiJehovha aikutumai. Ndinokutendai nerudo rwenyu.”

  • Mumwe murume paakaudzwa kuti akanga angosara nemazuva mashomanana ekuti ararame, akatanga kushungurudzika. Mumwe mukuru anonzi James, akamuverengera mashoko anonyaradza ari pana VaFiripi 4:6, 7. James anoti: “Pandakazomushanyira mangwana acho, akanga atova nemafungiro akasiyana. Pasinei nezvaakanga audzwa, akanga ava netariro yekuti Jehovha aizomubatsira, uye izvozvo zvakandikurudzira!”

Ndezvipi zvimwe zvinoitwa nevari muMapoka Ekushanyira Varwere?

Pauline, uyo ane murume akashayikira muchipatara chaiva kure nekwavanogara, akanyora kuti: “Tinokutendai chaizvo nekutibatsira kwamakaita panguva yakanga yakaoma kudaro. Zvakatinyaradza kuziva kuti taizokuwanai makatimirira kuchipatara pakati peusiku kunyange zvazvo maizofanira kuenda kumabasa zuva raitevera. Tinokutendai nekutitsvagira pekurara tese tiri 11 uye kugara muchitibvunza kuti zvinhu zvakanga zvakamira sei. Ndinotenda Jehovha uye sangano rake nekutibatsira uye kutinyaradza.”

Nicki, Gayle, naRobin vakaita tsaona yemotokari vari makiromita anenge 300 kubva kwavanogara. Mumwe mukuru ari muBoka Rekushanyira Varwere anonzi Carlos, akaudzwa nezvazvo uye ndiye akatotanga kusvika kuchipatara kwacho. Anoti, “Ndakavaudza kuti ndaivapo kuti ndivabatsire nechero chavaida uye ndakazosara ndakabata kambwa kaNicki kuti iye akwanise kuenda kunorapwa.” Mumwewo mukuru anonzi Curtis akabva azosvikawo nemudzimai wake. Vakaramba variko kuchipatara kwemaawa akati kuti kusvikira pakazouya hama dzevarwere vacho. Mumwe murume aicherechedza akati: “Vese vari vatatu vakanyaradzwa nerudo rwavakaratidzwa. Asi hanzvadzi yaNicki inonzi Robin haisi Chapupu chaJehovha uye akashamiswa nekubatsira kwakaita vakuru vari muBoka Rekushanyira Varwere.”

a Nyaya yakanzi “Addressing Patients’ Emotional and Spiritual Needs,” iri mubhuku rinonzi The Joint Commission Journal on Quality and Patient Safety, December 2003, Volume 29, No. 12, peji 661.

b Vakuru vanenge vari mumapoka aya vanoitawo mamwe mabasa anoitwa nevamwe vakuru vari muungano dzeZvapupu zvaJehovha akadai sekubatsira vari muungano pane zvekunamata, kudzidzisa uye kuparidza. Havabhadharwi kuita mabasa aya, asi vanozvipira.​—1 Petro 5:2.