Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Paunorwarirwa

Paunorwarirwa

“Baba pavakanga vava kubudiswa muchipatara, takakumbira chiremba wavo kuti tione pamwe chete zvakanga zvabuda pakuongororwa kwakaitwa ropa ravo. Chiremba akasimbisa kuti zvakanga zvabuda zvainge zvakanaka, asi akanyatsotarisa zvakare. Akashamisika kuti paiva nezvimwe zviviri zvainge zvisina kumira zvakanaka! Akakumbira ruregerero ndokushevedza mazvikokota. Iye zvino baba vava kunzwa zviri nani. Asi tinofara kuti takabvunza mibvunzo.”—Maribel.

Musati maenda kwachiremba, nyorai pasi zviri kunzwa murwere uye mishonga yaari kushandisa

Kuenda kwachiremba uye kugara muchipatara zvinogona kuita kuti munhu anetseke chaizvo mupfungwa. Sezvatinoona pane zvakasangana naMaribel, rubatsiro rweshamwari kana kuti munhu weukama runokosha chaizvo, rwunogona kuponesa upenyu. Ungabatsira sei munhu waunoda?

Musati maenda kwachiremba. Batsira ari kurwara wacho kunyora pasi zvaari kunzwa uyewo mishonga kana kuti zvimwe zvaari kushandisa. Uyewo nyora pasi mibvunzo yese inofanira kubvunzwa chiremba. Batsira shamwari yako kuti iyeuke chero zvainoziva nezveutano hwayo kana kuti vamwe vemumhuri vakamboita chirwere chacho. Usafungidzira kuti chiremba agara achizviziva kana kuti achazvibvunza.

Nyatsoteerera, bvunza mibvunzo zvine ruremekedzo, uye nyora zviri kutaurwa nachiremba

Pamunenge muri kwachiremba. Iva nechokwadi chekuti iwe neari kurwara wacho muri kunzwisisa zviri kutaurwa nachiremba. Bvunza mibvunzo asi usataura sekuti uri kuziva chirwere chemunhu wacho. Ipa ari kurwara wacho mukana wekubvunza mibvunzo uye wekuti azvitaurirewo ega. Nyatsoteerera, uye nyora pasi zviri kutaurwa. Bvunza kuti ndeapi mamwe marapirwo anogona kuitwa murwere wacho. Dzimwe nguva zvingava zvakanaka kutaura nemurwere kuti anzwe zvinotaurwa nemumwe chiremba.

Dzokororai zvataurwa nachiremba uye tarisai mishonga yamapiwa

Kana mabva kwachiremba. Kurukurai zvataurwa nachiremba. Iva nechokwadi chekuti murwere apiwa mushonga wanyorwa nachiremba. Mukurudzire kunwa mushonga wake semanyorerwo awakaitwa uye kuti akurumidze kuudza chiremba kana mushonga wacho uine zvimwe zvauri kumukanganisa. Kurudzira ari kurwara wacho kuti arambe aine tariro, uye kuti atevedzere mirayiridzo yaanenge apiwa, yakadai sekuti anofanira kudzokera kunoona chiremba. Mubatsire kuti azive zvakawanda nezvechirwere chake.

Pamunenge muri muchipatara

Iva nechokwadi chekuti mafomu ese anyorwa zvakanaka

Dzikama uye ona kuti zvinhu zviri kufamba sei. Murwere paanopinda muchipatara anogona kunetseka uye kunzwa sekuti haachabatsiri. Ukaramba wakadzikama uye uchiona kuti zvinhu zviri kufamba sei, uchakwanisa kubatsira vanhu vese kuti vagadzikane uyewo kuti vasaita zvinhu zvisiri izvo. Iva nechokwadi chekuti zvese zvinodiwa pamafomu emunhu anenge apiwa mubhedha muchipatara zvanyorwa nemazvo. Remekedza kodzero yemurwere yekuti asarudze achiziva marapirwo aanoda kuitwa. Kana achirwara zvakanyanya zvekuti haakwanisi kutaura ega, remekedza zvaakanyora nezvekurapwa kwaanoda uye simba rine hama yake yepedyo kana munhu anomumiririra. *

Udza vashandi vemuchipatara neruremekedzo zvauri kuona

Taura pazvinenge zvakakodzera. Usatya kutaura. Ukava nechitarisiko chinoremekedzeka uye unhu hwakanaka zvinogona kuita kuti vashandi vemuchipatara vade kubatsira murwere uye kunyange kutowedzera kumubata zvakanaka. Muzvipatara zvakawanda, varwere vanoonekwa navanachiremba vakasiyana-siyana. Unogona kuvabatsira nekuvaudza zvinenge zvambotaurwa nevamwe vanachiremba. Unoziva murwere wacho, saka taura zvauri kuona zviri kuchinja pautano hwake.

Ita zvaunogona asi usingavhiringidze vanachiremba

Ratidza ruremekedzo uye kuonga. Vashandi vemuzvipatara vanowanzoshanda mumamiriro ezvinhu anoshungurudza. Vabate semabatirwo aunoda kuitwa. (Mateu 7:12) Ratidza kuti unoremekedza unyanzvi hwavo, unovimba kuti vanogona basa ravo, uye kuti unoonga zvavari kuedza kuita. Izvozvo zvinogona kuvakurudzira kuti vaite basa ravo nemwoyo wese.

Hapana munhu asingarwari. Asi kufanoronga uye kupa rubatsiro zvinogona kuita kuti zvinhu zvirerukire hama kana kuti shamwari yako.—Zvirevo 17:17.

^ ndima 8 Mitemo ine chekuita nekodzero uye zvinoitwa nemurwere inoenderana nenzvimbo imwe neimwe. Iva nechokwadi chekuti mapepa emurwere ane marapirwo aanoda kuitwa akanyorwa zvakazara zvichienderana nemamiriro ezvinhu aripo.