Enda pane zvauri kuda

Sei Zvapupu zvaJehovha Zvichiparidzira Vanhu Vanotova Nechitendero Chavo?

Sei Zvapupu zvaJehovha Zvichiparidzira Vanhu Vanotova Nechitendero Chavo?

 Takaona kuti vanhu vakawanda vanotova nechitendero chavo vanonakidzwa nokukurukura nyaya dziri muBhaibheri. Asi tinoremekedza kodzero yomunhu yokuva nechitendero chakasiyana nechedu uye hatimanikidzi vanhu kuteerera shoko redu.

 Patinenge tichikurukura zvechitendero, tinoedza kushandisa zano reBhaibheri rokuti tizviite “nounyoro” uye ‘tiremekedze zvikuru’ vamwe. (1 Petro 3:​15) Tinozviziva kuti vamwe havafariri shoko redu. (Mateu 10:​14) Hatizivi hedu zviri mumwoyo yevanhu. Asi tinoziva kuti upenyu hwemunhu hunogona kuchinja.

 Somuenzaniso, mumwe munhu anogona kunge akabatikana zvokushaya nguva yokuti tikurukure asi rimwe zuva anogona kunge akasununguka. Uye vanhu vanogona kusangana nezvimwe zvinhu muupenyu zvingaita kuti vade kunzwa zvinodzidziswa neBhaibheri. Ndokusaka tichiedza kutaura nevanhu kanopfuura kamwe chete.