Enda pane zvauri kuda

Kuruboshwe: Hama Viktor Kudinov nemudzimai wavo, Svetlana. Kurudyi: Hama Sergey Zhigalov nemudzimai wavo, Olga

SEPTEMBER 4, 2023
NHAU DZEPASI RESE

Vari Kusimbisa Kutenda Kwavo Pane Kuti Vatye

Vari Kusimbisa Kutenda Kwavo Pane Kuti Vatye

Dare reGagarinskiy District Court of Sevastopol, Crimea rava pedyo kupa mutongo waro panyaya ine chekuita naHama Viktor Kudinov naHama Sergey Zhigalov. Muchuchisi haasati ataura kuti anoda kuti vapiwe mutongo wakaita sei.

Nhoroondo Yeupenyu

Tine chokwadi chekuti Jehovha acharamba achikomborera Viktor naSergey nekutsungirira kwavari kuita nemwoyo murefu, nekuti Jehovha ndiMwari “anofarira rugare rwemushumiri wake.”—Pisarema 35:27.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 24 August 2022

    Vakapomerwa mhosva. Dzimba dzavo dzakasechwa. Vakasungwa, ndokuvharirwa vachimirira kuti nyaya yavo itongwe

  2. 26 August 2022

    Vakasunungurwa, asi vakarambidzwa kuita nzendo

  3. 17 October 2022

    Vakabvumidzwa kuita nzendo asi vane zvimwe zvinhu zvavairambidzwa kuita

  4. 13 April 2023

    Nyaya yavo yakatanga kutongwa