Enda pane zvauri kuda

SEPTEMBER 4, 2023
BURUNDI

Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene Yakadzokororwa Yakabudiswa Mumutauro wechiKirundi

Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene Yakadzokororwa Yakabudiswa Mumutauro wechiKirundi

Musi wa25 August 2023, Hama Kenneth Cook, Jr., vari muDare Rinotungamirira vakabudisa Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene mumutauro wechiKirundi. Bhaibheri iri rakabudiswa paGungano Remunharaunda raiva nemusoro wekuti ‘Iva Nerugare”! rakaitwa muBujumbura, kuBurundi. Purogiramu iyi yakatepfenyurwa kunzvimbo 11 mundima yebazi racho, uye yakapindwa nevanhu vanosvika 15 084. Vakapinda purogiramu yacho vakawana maBhaibheri akaprindwa uye vanhu vava kukwanisawo kudhaunirodha epafoni.

Vanhu vanenge 13 miriyoni vari muBurundi vanotaura chiKirundi. Ungano yekutanga yemutauro wechiKirundi yakatanga muna 1969. Zvapupu zvaJehovha zvakatanga kushandurira mumutauro uyu muna 1985. Iye zvino, pava nehama nehanzvadzi dzinopfuura 16 900 dzemuBurundi dziri muungano 350 dzemutauro wechiKirundi. Muna 2007, hama nehanzvadzi dzedu dzinotaura chiKirundi dzakafara chaizvo padzakawana Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki. Iye zvino vava kufara kuti vava neBhaibheri rakazara reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene yakadzokororwa.

Mumutauro wechiKirundi, nyasha dzaJehovha dzinoshandurwa dzichinzi “mutsa wakakura,” izvo zvinoratidza kuti Jehovha anopa zvikuru. Tinofara pamwe chete nehama nehanzvadzi dzedu dzinotaura chiKirundi nevamwe vakawanda vachabatsirwa nekuti Jehovha akaratidza “mutsa wakakura” nekuvapa kwaakaita Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene yakadzokororwa mumutauro wechiKirundi.—Tito 2:11.