Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

John Moore/Getty Images

Umambo hwaMwari Huchaitei Nezvirwere Zviri Panyika?

Umambo hwaMwari Huchaitei Nezvirwere Zviri Panyika?

 COVID-19 haichanyanyi kuuraya vanhu pasi rese sezvayaimboita asi izvi hazvirevi kuti haichatokanganisi utano hwevanhu.. . . Tinofanira kunge takagadzirira pachauya rimwe denda nekuti tinoziva kuti richatouya.”—Dr. Tedros Adhanom Ghebreyesus, mukuru mukuru wesangano rinoona nezveutano reWorld Health Organization, 22 May 2023.

 COVID-19 yakasiya vanhu vachitambura nezvirwere zvakawanda zvinosanganisira zvirwere zvepfungwa. Hurumende nemasangano ezveutano achange akagadzirira here pachauya rimwe denda uye achakwanisa kugadzirisa matambudziko ezveutano atinawo iye zvino here?

 Bhaibheri rinotaura nezvehurumende ichaita kuti tive neutano hwakanaka. Rinoti “Mwari wekudenga achaita kuti pave neumambo,” kana kuti hurumende. (Dhanieri 2:44) Hurumende iyoyo paichange ichitonga, ‘hapana munhu achati: “Ndiri kurwara.”’ (Isaya 33:24) Munhu wese achange aine utano hwakanaka uye achadzoka pakuva nesimba reudiki.—Jobho 33:25.