Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chirwere cheAnemia—Chinokonzerwa Nei, Zviratidzo Zvacho Ndezvipi, Uye Chinorapwa Sei?

Chirwere cheAnemia—Chinokonzerwa Nei, Zviratidzo Zvacho Ndezvipi, Uye Chinorapwa Sei?

 Beth anoti: “Pandaiyaruka ndakabatwa nechirwere chekuva neropa shoma mumuviri chinonzi anemia. Ndaikurumidza kuneta uye ndainzwa kupera simba, mabhonzo angu airwadza uye pfungwa dzangu dzaitadza kuramba dziri pachinhu chimwe chete. Chiremba akandipa mapiritsi anoita kuti ropa riwande mumuviri. Ndakaashandisa uye ndakachinjawo zvinhu zvandaidya. Ndakazotanga kunzwa zviri nani.”

 Vakawanda vanewo dambudziko rina Beth. Sangano reutano reWorld Health Organization (WHO), rinoti vanhu 2 bhiriyoni pasi rese, vane chirwere cheanemia. Munyika dzichiri kusimukira, 50% yemadzimai anenge akazvitakura uye 40% yevana vanoenda kukireshi vane anemia.

 Anemia inogona kukonzera zvimwe zvirwere zvakaipisisa. Kana yanyanya, inogona kukonzera zvirwere zvemwoyo. Mune dzimwe nyika, “20% yemadzimai inofa panguva yekusununguka pamusana peanemia,” rinodaro sangano reWHO. Vana vanoberekwa naanamai vanenge vaine anemia inokonzerwa nekushomeka kweiron mumuviri kakawanda kacho vanoberekwa nguva isati yakwana uye vanenge vari vadiki chaizvo. Vana vane anemia vanononoka kukura uye vanokurumidza kubatwa nezvirwere. Asi anemia yerudzi urwu inogona kudzivirirwa kana kuti kurapwa. a

Chii Chinonzi Anemia?

 Anemia chirwere. Vanhu vanorwara neanemia havana masero matsvuku akakwana muropa. Zvinokonzera izvi zvinosiyana-siyana. Nyanzvi dzesainzi dzakaona kuti pane mhando dzeanemia dzinopfuura 400! Chirwere chacho chinogona kungobata kwenguva pfupi kana kuti kwenguva refu uye chinogona kunge chisina kunyanya kusimba kana kuti chiine simba.

Anemia Inokonzerwa Nei?

 Anemia inonyanya kukonzerwa nezvinhu 3:

  •   Kurasikirwa neropa zvichizoita kuti muviri uve nemasero matsvuku mashoma.

  •   Muviri unenge usingakwanisi kugadzira masero matsvuku akakwana.

  •   Muviri unenge uchiuraya masero matsvuku.

 Anemia inonyanya kubata vanhu ndeiya inokonzerwa nekushayiwa iron. Kana muviri usina iron yakakwana haukwanisi kugadzira hemoglobin yakakwana. Hemoglobin inowanikwa mumasero matsvuku uye ndiyo inofambisa oxygen mumuviri.

Zviratidzo zveAnemia Inokonzerwa Nekushaya Iron Zvakaita Sei?

 Anemia inogona kutanga isina simba rakanyanya uye dzimwe nguva hautombozivi kuti unayo. Zviratidzo zvacho zvinogona kusiyana zvichienderana nemunhu, asi zvimwe zvacho ndeizvi:

  •   Kugara wakaneta

  •   Maoko kana makumbo anotonhora

  •   Kupera simba

  •   Ganda rakachenuruka

  •   Kutemwa nemusoro uye kuita dzungu

  •   Kurwadziwa muchipfuva, mwoyo unonyanya kurova, kupererwa nemweya

  •   Nzara dzisina kusimba

  •   Kusada kudya, kunyanya kuvana vadiki

  •   Kunzwa kuda kudya magodo echando, zvinhu zvinonyatsobata dumbu, kana ivhu

Ndivanaani Vanogona Kubatwa Nayo?

 Vakadzi ndivo vanonyanya kubatwa neanemia inokonzerwa nekushaya iron yakakwana nekuti vanorasikirwa neropa pavanoenda kumwedzi. Madzimai akazvitakura anogonawo kubatwa nayo kana vakadya zvinhu zvisina vitamin B zvakadai semichero nemiriwo.

 Vacheche vanoberekwa mwedzi yavo isati yakwana kana kuti vari vadiki chaizvo vanenge vasiri kuwana iron yakakwana mumukaka waamai kana kuti wekutenga.

 Vana vasingadyi zvekudya zvine utano.

 Vanhu vasingadyi nyama uye vasingadyi zvinhu zvine iron.

 Vanhu vane urwere husingaperi, sevaya vane zvirwere zviri muropa, itsvo, vane kenza, maronda emudumbu nezvimwewo.

Anemia Inorapika Sei?

 Hadzisi mhando dzese dzeanemia dzinogona kudzivirirwa kana kurapika. Asi anemia inokonzerwa nekushomeka kweiron uye mavitamin, inogona kudzivirirwa kana kurapika nekudya zvinhu zvine utano zvakadai sezvinotevera:

 Iron. Inowanika munyama, bhinzi, nyemba, uyewo mumiriwo. b Unokwanisawo kubikira mumidziyo yakagadzirwa nesimbi. Vaongorori vanoti izvi zvinobatsira kuwedzera iron muzvekudya.

 Vitamin B-9. Inowanika mumichero, miriwo, pizi, bhinzi, chizi, mazai, hove, nenzungu. Inowanikawo muzvekudya zvine mavitamin zvakadai sechingwa, zviyo, mupunga nezvimwewo.

 Vitamin B-12. Inowanika munyama, muzvinhu zvine mukaka uye zvine soya beans.

 Vitamin C. Inowanika mumichero, broccoli, madomasi, maremoni, uye mastrawberry. Zvekudya zvine vitamin C zvinobatsira muviri wako kuti uve neiron.

 Zvekudya zvinosiyana zvichienderana nenzvimbo. Saka unofanira kuziva kuti ndezvipi zvekudya zvinovaka muviri zvinowanika kwaunogara. Izvi zvakanyanya kukosha kana uri mudzimai, wakazvitakura, kana kuti uri kuronga kuva nepamuviri. Kana ukachengetedza utano hwako, uchadzivirira mwana wako kuti asaita anemia. c

a Mashoko ari munyaya ino ane chekuita nechikafu chaunofanira kudya nemamwewo, akabva kuMayo Clinic uye mubhuku rinonzi The Gale Encyclopedia of Nursing and Allied Health. Enda kuchipatara kana uchifunga kuti ungangova neanemia.

b Unofanira kutanga wataura nachiremba usati washandisa mishonga yekuwedzera ropa kana kuipa mwana wako. Kana iron ikawandisa mumuviri inogona kukanganisa chiropa zvotokonzera zvimwe zvirwere.

c Dzimwe nguva vanachiremba vanowedzera vanhu ropa senzira yekurapa anemia. Zvapupu zvaJehovha hazvibvumi marapiro akadai.—Mabasa 15:28, 29.