Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri Rakashandurwa naBedell—Rimwe Danho Duku Rakaita Kuti Bhaibheri Rinzwisiswe Zviri Nani

Bhaibheri Rakashandurwa naBedell—Rimwe Danho Duku Rakaita Kuti Bhaibheri Rinzwisiswe Zviri Nani

MUNA 1627, mufundisi wekuEngland ainzi William Bedell akaenda kuIreland, uye akashamiswa chaizvo nezvaakaona ikoko. Vanhu vakawanda vekuIreland vaipinda Roma. Ireland yaitongwa neBritain iyo yainge yakazara vanhu vakabuda muchechi yeRoma. Vanhu vakabuda muRoma vakanga vatoshandura Bhaibheri mumitauro yakawanda yekuEurope. Asi chakamushamisa ndechekuti zvaiita sokuti hapana aida kurishandurirawo muchiIrish.

Bedell akataura zvakasimba kuti “vanhu vanotaura chiIrish havafaniri havo kutanga vadzidza Chirungu kuti vaverenge Bhaibheri.” Saka akatanga kuronga kuti pave neBhaibheri mumutauro wechiIrish. Asi akapikiswa zvakasimba, kunyanya nevanhu vakabuda muchechi yeRoma. Sei akapikiswa?

VAIRAMBA KUTI CHIIRISH CHISHANDISWE

Bedell akabva asarudza kutanga kudzidza chiIrish. Paakaita mutungamiriri weTrinity College muDublin uye paakazoitawo bhishopu wenharaunda yeKilmore, Bedell akakurudzira vadzidzi kuti vashandise chiIrish. Queen Elizabeth I weEngland paakatanga Trinity College, aiitira kuti ave nevafundisi vaizodzidzisa vanhu vemunyika yake Bhaibheri mururimi rwaamai. Izvi ndizvo chaizvo zvakaedza kuitwa naBedell.

Vanhu vakawanda vari munharaunda yeKilmore vanotaura chiIrish. Saka Bedell akasimbirira kuti pave nevafundisi vanotaura chiIrish. Akaendesa nyaya yacho kuvakuru-vakuru vomunzvimbo iyoyo, achipa pfungwa inoenderana nezvakataurwa nomuapostora Pauro iri pana 1 VaKorinde 14:19 inoti: “Ndingasva hangu ndataura mashoko mashanu nepfungwa dzangu muungano, kuti ndirayiridzewo vamwe ndichiita zvokuvataurira nomuromo, panzvimbo pemashoko ane zviuru gumi nendimi” kureva mutauro usinganzwisiswe nevanhu vakawanda.

Vanhu vaiva nezvigaro zvepamusoro vakaedza zvose zvavaigona kuti vamumise. Maererano nevaongorori venyaya dzekare, vamwe vaitofunga kuti kushandisa chiIrish kwaigona “kuzokanganisa Hurumende” uye vamwe vaiti “zvaipesana nezvido zveHurumende.” Vamwe vaifunga kuti England ndiyo yakanga ichiita kuti vanhu vanotaura chiIrish vagare vasingazive zvimwe zvinhu kuitira kuti zviinakire iyo. Uye pakatodzikwa mitemo yaiti vanhu vaitaura chiIrish vaifanira kurasa tsika dzavo nemutauro wavo vodzidza Chirungu netsika dzekuEngland.

BASA REKUSHANDURA BHAIBHERI RAKAITWA NABEDELL

Bedell haana kutyiswa nemaonero akadaro evadzvinyiriri. Makore ekuma1630 achangotanga, Bedell akatanga kushandura Bhaibheri reChirungu (King James Version ra1611) iro rakanga richangobudiswa achiriendesa muchiIrish. Aida kuti pave neBhaibheri rainzwisiswa nevanhu vakawanda sezvaikwanisika. Akaona kuti kana Bhaibheri raizoramba riri bhuku rakavanzwa, varombo vaisakwanisa kuverenga Magwaro kuti vawane nzira inoenda kuupenyu husingaperi.—Johani 17:3.

Bedell haasi wekutanga kufunga izvi. Makore anenge 30 asati afunga izvozvo, mumwe bhishopu ainzi William Daniel, akanga aonawo kuoma kwazvainge zvakaita kuti vanhu vanzwisise zvinodzidziswa neBhaibheri paakati “hazvinzwisisike kana zviri mumutauro usingazivikanwi nevanhu.” Daniel akanga ashandura Magwaro echiKristu echiGiriki kuenda muchiIrish. Iye zvino Bedell akanga ava kushandurawo Magwaro echiHebheru. Saka Bhaibheri rinozivikanwa kuti rakashandurwa naBedell raisanganisirawo zvakanga zvatanga kushandurwa naWilliam Daniel. Bhaibheri rakashandurwa naBedell ndiro raiva rekutanga rinobva kuna Genesisi kusvika kuna Zvakazarurwa muchiIrish, uye hapana rimwe rakavapo mumutauro uyu kunze kweiroro chete kwemakore 300 akazotevera.

Bedell, uyo ainyatsoziva chiHebheru, akakumbira vanhu vaviri vechiIrish kuti vamubatsire kushandura Bhaibheri kubva muChirungu kuenda muchiIrish. Sezvavaienderera mberi nebasa ravo, Bedell aibatsirwa nemunhu mumwe chete kana vaviri, kunyatsoongorora nekugadziridza vhesi imwe neimwe. Vaipota vachitarisa Greek Septuagint, nechimwe chinyorwa chekare cheBhaibheri rechiHebheru pamwe chete neBhaibheri rechiItalian rakashandurwa nemuongorori wezvechitendero wekuSwitzerland ainzi Giovanni Diodati.

Bedell neboka rake vakangotevedzera zvaiitwa nevakashandura Bhaibheri reKing James Version (uye anogona kunge aitozivana nevakawanda vavo). Vakaisa zita raMwari panzvimbo dzakawanda muBhaibheri ravo. Somuenzaniso pana Eksodho 6:3, vakashandura zita raMwari kuti “Iehovah.” Zvinyorwa zvokutanga zvaBedell zvakachengetwa muMarsh’s Library, muDublin, kuIreland.—Ona bhokisi rakanzi “Bedell Anoyeukwa Uye Anopiwa Ruremekedzo.”

RAKAZOBUDISWA

Bedell akazopedza basa rake munenge muna 1640. Asi haana kukwanisa kubva angobudisa Bhaibheri racho nokuti akanga achiri kupikiswa zvakasimba. Vanhu vaimupikisa vakashoropodza mushanduri wake mukuru, vachida kukanganisa basa rake. Vakamuchera, zvikaita kuti avharirwe. Kuwedzera pane izvozvo, muna 1641 vamwe vagari vokuIreland vakapandukira utongi hweEngland vakatanga kurwisa zvakasimba vanhu vaibva ikoko, uye zvakaita kuti Bedell atambudzwewo. Vanhu vechiIrish vakadzivirira Bedell kwenguva yakati kunyange zvazvo iye aibva kuEngland nokuti vakaona kuti aivada chaizvo. Masoja akanga apanduka akazoguma amuisa mujeri mavaimubata zvisina kunaka. Haana kuzombotora nguva ari mupenyu. Akafa muna 1642. Saka haana kumbobvira aona Bhaibheri raakashandura richibudiswa.

Peji yekutanga yeBhaibheri rekutanga-tanga raBedell, munenge muna 1640, uye Bhaibheri rake rakazobudiswa muna 1685

Bhaibheri rakashandurwa naBedell rakapotsa ratsakatika vavengi vake pavakasecha imba yake vakaiparadza. Chinofadza ndechokuti imwe shamwari yake yakakwanisa kuchengeta zvinyorwa zvake zvose zvaakanga ashandura. Nokufamba kwenguva, zvinyorwa izvi zvakazoguma zvava mumaoko aNarcissus Marsh uyo akazova mukuru wemabhishopu muguta reArmagh uye mukuru wemabhishopu muIreland. Akatsigirwa nemari nenyanzvi yesayenzi yainzi Robert Boyle, uye muna 1685 akaratidza ushingi ndokubudisa Bhaibheri rakashandurwa naBedell.

DANHO DUKU ASI RAIKOSHA

Havasi vanhu vese vakafarira Bhaibheri rakashandurwa naBedell. Pasinei neizvozvo, iri raiva danho duku asi rinokosha rakabatsira kuti vanhu vanzwisise Bhaibheri, kunyanya vanhu vaitaura chiIrish vemuIreland, uye vemuScotland nedzimwe nzvimbo dzakawanda. Vainge vava kukwanisa kuziva zvavaifanira kuita kuti vafarirwe naMwari nokuti vainge vava kuverenga Shoko rake mumutauro wavo.—Mateu 5:3, 6.

“Pataiverenga Bhaibheri rakashandurwa naBedell tainzwa mashoko eBhaibheri mururimi rwaamai. Izvi zvakabatsira chaizvo ini nemhuri yangu kuti tidzidze chokwadi chinofadza chiri muMagwaro”

Nanhasi Bhaibheri rakashandurwa naBedell richiri kungobatsira vaya vanoda kuziva chokwadi. Mumwe murume anotaura chiIrish uyo akadzidza chokwadi cheBhaibheri makore akawanda chaizvo kubva munguva yaBedell akati: “Pataiverenga Bhaibheri rakashandurwa naBedell tainzwa mashoko eBhaibheri mururimi rwaamai. Izvi zvakabatsira chaizvo ini nemhuri yangu kuti tidzidze chokwadi chinofadza chiri muMagwaro.”