Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

“Jehovha Akanga Asina Kundikanganwa”

“Jehovha Akanga Asina Kundikanganwa”
  • GORE ROKUBEREKWA: 1922

  • NYIKA: SPAIN

  • NHOROONDO YOUPENYU: AIVA MUDZIDZISI WEKATEKIZIMU

MARARAMIRO ANDAIITA:

Ndakaberekerwa munzvimbo yaigara vanhu vaiva pakati nepakati mune zveupfumi kuBilbao, kuchamhembe kweSpain. Ndaiva wechipiri mumhuri yaiva nevana vana. Mhuri yedu yainge yakazvipira muchechi yeRoma, uye ndaipinda Misa zuva rega rega. Pandakanga ndava nemakore 23, ndakava mudzidzisi, rinova basa randaida zvikuru uye randakaita kwemakore 40. Pane zvandaidzidzisa, ndaidada zvikuru kudzidzisa nezvechitendero cheRoma, uye manheru ndaidzidzisa zvekatekizimu, ndichidzidzisa vasikana zvidzidzo zvavo zvokutanga.

Murume wangu akafa pashure pemakore 12 taroorana uye tichigarisana zvakanaka, uye ndakasara nevanasikana vana vokutarisira. Ndaingova nemakore 33! Ndakaedza kuzvinyaradza nezvandaitenda muchechi yeRoma, asi pane mibvunzo yandairamba ndichizvibvunza. Ndainetseka kuti: ‘Sei vanhu vachiramba vachifa kana Kristu akatidzikinura? Sei tichinyengeterera kuti Umambo hwaMwari huuye kana vanhu vakanaka vachienda kudenga?’ Uyewo ndaifunga kuti: ‘Kana Mwari achititonga kana tafa, sei tichizofanira kubva kudenga, kupurigatori, kana kuti kuhero kuti titongwe kekupedzisira?’

Ndakabvunza vamwe vapristi vandaisangana navo. Mumwe wacho akapindura kuti: “Handizivi. Bvunza bhishopu. Zvine basa here? Handiti unotenda muna Mwari? Chingosiya zvakadaro!” Asi ndakaramba ndichitsvaka mhinduro. Ndakazoteererawo mharidzo dzevapristi vechechi yeRoma, dzechechi dzemweya, uye dzevaGnostic. Asi hapana kana kwandakawana mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo yangu.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI:

Pandakanga ndava nemakore okuma60, mumwe mwana wechikoro aiva nemakore manomwe akandikoka kuti ndipinde musangano weZvapupu zvaJehovha. Ndakafarira zvandakaona nekunzwa, asi pamusana pekuti ndaiva nezvakawanda zvekuita muupenyu, handina kuzoramba ndichionana neZvapupu panguva iyoyo. Papera makore maviri, mumwe murume nomudzimai vaiva Zvapupu vainzi Juan naMaite vakagogodza pasuo rangu. Ndakaita mwedzi  mitatu ndichibvunza mibvunzo yakawanda ivo vachindipindura, zvikazoita kuti nditange kudzidza Bhaibheri.

Chidzidzo chimwe nechimwe chaitondinonokera! Ndainyatsoongorora zvose zvataikurukura ndichishandisa shanduro nhatu dzeBhaibheri kuti ndione kana Zvapupu zvaJehovha zvaidzidzisa chokwadi. Pasina nguva ndakaona kuti ndakanga ndakavhiringidzwa mune zvechitendero kwemakumi emakore. Ndakanetseka zvikuru nekusiyana kwakanga kwakaita zvandaimbotenda nezvandakanga ndava kudzidza muBhaibheri. Zvakandivhiringidza, uye ndainzwa sokuti zvandaitenda zvakafanana nemuti mukuru une midzi yakadzika uri kudzurwa.

Ndaiziva kuti ndakanga ndawana chinhu chinokosha

Murume wangu wechipiri akabva arwara ndokufa. Panenge panguva iyoyo, ndakasiya basa ndokumbobva muBilbao kwekanguva. Juan naMaite vakatamawo. Handina kuzoramba ndichidzidza Bhaibheri. Asi mumwoyo mangu ndaiziva kuti ndakanga ndawana chinhu chinokosha. Handina kumbozvikanganwa.

Pashure pemakore anenge 20, ndava nemakore 82, Juan naMaite vakadzoka kuBilbao ndokubva vandishanyira. Ndakafara zvikuru kuvaona zvakare! Ndakaona kuti Jehovha akanga asina kundikanganwa, uye ndakatangazve kudzidza. Juan naMaite vaiva nemwoyo murefu, nekuti ndaiwanzobvunza mibvunzo yakafanana kakawanda. Ndaida kuramba ndichinzwa mhinduro dzeBhaibheri dzemibvunzo yacho kuitira kuti ndigone kusiya zvandaimbotenda zvakanga zvakadzika midzi mumwoyo mangu. Ndaidawo kuti ndinyatsokwanisa kutsanangura chokwadi cheBhaibheri kuhama dzangu neshamwari.

Zuva randakafara zvikuru muupenyu hwangu ndiro randakabhabhatidzwa, ndava nemakore 87. Ndakabhabhatidzwa pagungano reZvapupu zvaJehovha. Mumwe mukuru wechiKristu akapa hurukuro inobva muBhaibheri yakanga yakanyanya kunangana nesu takanga tava kuda kubhabhatidzwa. Hurukuro yacho yakaita kuti ndisvimhe misodzi. Ndakanyatsoiteerera kuita sokuti Jehovha ndiye aitotaura neni. Pashure pokubhabhatidzwa, Zvapupu zvakawanda zvakauya kwandiri zvichindikorokotedza, kunyange zvazvo vakawanda vacho vaisatombondiziva!

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA:

Ndakanga ndagara ndichiziva kuti Jesu Kristu ndiye “nzira.” (Johani 14:6) Asi kudzidza kwandakaita Bhaibheri kwakandibatsira kuziva Jehovha, watinotungamirirwa kwaari naJesu. Iye zvino ndava kukwanisa kunyengetera kuna Mwari saBaba vangu uye Shamwari yandinoda. Kuverenga bhuku rinonzi Swedera Pedyo naJehovha * kwakandibatsira kuchinja upenyu hwangu. Ndakariverenga rose muusiku humwe chete! Ndakabayiwa mwoyo nokudzidza nezvengoni dzaJehovha.

Pandinorangarira makore akawanda andakapedza ndichitsvaka chokwadi, ndinofunga nezvemashoko aJesu okuti: “Rambai muchikumbira, uye muchapiwa; rambai muchitsvaka, uye muchawana; rambai muchigogodza, uye muchazarurirwa.” (Mateu 7:7) Iye zvino ndakazowana mhinduro dzandaitsvaka, uye ndinofara zvikuru kudziudzawo vamwe.

Ndava nemakore 90 okuberekwa, asi ndinonzwa sendichiri mudiki nokuti ndichine zvakawanda zvokudzidza nezvaJehovha. Musangano wose wandinopinda paImba yoUmambo unokosha zvikuru, nokuti ndinowana zivo inokosha uye ndinoshamwaridzana nehama nehanzvadzi dzinodiwa. Ndinoda chaizvo kuzova mudzidzisi zvakare munyika yakavimbiswa kuti ichange yava Paradhiso. (Zvakazarurwa 21:3, 4) Ndinotarisira kuzoona vadiwa vangu vakafa vachiraramazve uye kuzova nemukana wokuvadzidzisa chokwadi cheBhaibheri. (Mabasa 24:15) Ndinoda chaizvo kuzovatsanangurira nezvechipo chinokosha chandakapiwa naJehovha ndachembera!

^ ndima 15 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.