Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 MAZANO OKUTI MHURI IFARE

Kuita Kuti Wanano Yechipiri Ibudirire

Kuita Kuti Wanano Yechipiri Ibudirire

HERMAN: * “Mudzimai wangu wokutanga akafa nekenza uye takanga tava nemakore 34 takaroorana. Pandakaroorazve, mudzimai wangu Linda ainzwa sokuti ndaigara ndichimuenzanisa nomudzimai wangu wokutanga. Zvinhu zvaitozowedzera kushata nokuti shamwari dzangu dzaiwanzotaura nezveunhu hwakanaka hwaiva nemudzimai wangu wokutanga, uye izvi zvaigumbura Linda.”

LINDA: “Pashure pokunge taroorana naHerman, ndainzwa sokuti murume wangu nevamwewo vanhu vaisazombofa vakandikoshesa sezvavaiita mudzimai wake wokutanga. Aidiwa zvokuti, aitaura zvinyoro-nyoro, uye aiva neunhu hunoyemurika. Dzimwe nguva ndinombonetseka kana ndichazombokwanisa kunyatsowirirana naHerman sezvaaiita.”

Linda akarambana nemurume wake wokutanga. Iye naHerman vanofara kuti vakawanana. Asi vanobvuma kuti wanano yechipiri inogona kuunza zvipingamupinyi zvaisava muwanano yokutanga. *

Kana wakaroorazve kana kuroorwazve, unoona sei wanano yako yechipiri? Mudzimai anonzi Tamara uyo akaroorwazve makore matatu pashure pokurambana nemurume wake wokutanga anoti: “Paunoroorwa kekutanga, unenge uine pfungwa yokuti wanano yenyu ichagara nokusingaperi. Asi paunozoroorwa kechipiri, ungasafunga saizvozvo nokuti unogara uchiyeuka kuti wanano yako yokutanga yakaguma.”

Zvisinei, vanhu vakawanda vakawana mufaro chaiwo pashure pokuroorazve kana kuroorwazve. Vakaita kuti wanano yavo ibudirire, uye iwe unogonawo kubudirira! Sei? Ngationei matambudziko matatu anowanzova nevakawanda uye kuti mazano emuBhaibheri angakubatsira sei kuakunda. *

 DAMBUDZIKO ROKUTANGA: UNOTAMBURIRA KUTI WANANO YAKO YOKUTANGA ISATADZISA WANANO YAKO ITSVA KUBUDIRIRA.

“Zvakandiomera kuti ndikanganwe nezvewanano yangu yokutanga, kunyanya patinoshanyira nzvimbo dzataimboshanyira tiri pazororo nemurume wangu wokutanga,” anodaro Ellen anogara kuSouth Africa. “Dzimwe nguva ndinopedzisira ndava kuenzanisa murume wandakaroorana naye iye zvino newandakanga ndakaroorana naye.” Ukuwo, kana wawakaroorana naye akambenge akaroora kana kuroorwa, ungasazvifarira kana achigara achitaura nezvewanano yake yokutanga.

Itai zvinhu zvichaita kuti mubatane muwanano yenyu itsva

ZVAUNGAITA: Yeuka kuti hazvina musoro kuti utarisire kuti wawakaroorana naye abve akanganwa nezvewaakanga akamboroorana naye, kunyanya kana vakanga vava nemakore varoorana. Vamwe vanhu vanotobvuma kuti vakatomboshevedza wavakaroorana naye iye zvino nezita rewavakanga vakaroorana naye pakutanga! Ungaita sei kana zvakadaro zvikaitika kana kuti zvimwewo zvakada kufanana? Bhaibheri rinopa zano rokuti, “Edzai kunzwisisana.”—1 Petro 3:8, New Century Version.

Usabva warambidza mumwe wako kuti asatombotaura nezvewanano yake yokutanga pamusana pokuti unomuitira shanje. Kana wawakaroorana naye achida kutaura nezvenguva yaaiva muwanano yake yokutanga, teerera uchiedza kunzwisisa manzwiro ake. Usakurumidzawo kufunga kuti ari kukuenzanisa newaakanga akaroorana naye. Ian uyo akaroorazve makore gumi akapfuura anoti, “Mudzimai wangu Kaitlyn akanga asingagumbuki pandaitaura nezvemudzimai wangu wokutanga akashaya. Asi aitouona semukana wokuti anyatsondiziva.” Unogona kutoona kuti kukurukurirana kwakadaro kuchakubatsira kuti uve neushamwari hwakasimba newawakaroorana naye iye zvino.

Nyanya kufunga nezveunhu hwakanaka hwewawakaroorana naye iye zvino. Ichokwadi kuti angasava nehumwe unhu kana kuti angasakwanisa kuita zvaiitwa newawakanga wakaroorana naye. Asi anewo zvimwe zvaanogona kupfuura wawakanga wakaroorana naye. Saka simbisa ukama hwako newawakaroorana naye iye zvino, uchinyanya kufunga zvinoita kuti umude pane ‘kumuenzanisa nomumwe munhu.’ (VaGaratiya 6:4) Murume anonzi Edmond uyo akaroora kaviri anoti, “Hapana ushamwari huviri hwakafanana, saka hapanawo wanano mbiri dzakafanana.”

Ungava sei pakati nepakati paunenge uchifunga nezvewanano yako yekare newanano yako itsva? Jared anoti, “Ndakambotsanangurira mudzimai wangu kuti wanano yangu yokutanga yakafanana nebhuku rakanaka ratakanyora, ini nemudzimai wangu wokutanga. Ndinogona kumbopota ndichivhura bhuku racho ndichifunga nezvenguva dzakanaka dzataiva nadzo. Asi handirarami mubhuku iroro. Zvisinei, ini nemudzimai wangu tiri kunyora bhuku redu pamwe chete, uye ndimo mandava kurarama ndichifara.”

EDZA IZVI: Bvunza wawakaroorana naye kana asinganzwi zvakanaka paunotaura nezvewanano yako yokutanga. Ziva nguva dzisinganyatsoiti kuti utaure nezvewanano yako yokutanga.

DAMBUDZIKO RECHIPIRI: UNONETSEKA KUTI UWIRIRANE NESHAMWARI DZEKARE DZISINA KUJAIRANA NEWAWAKAROORANA NAYE IYE ZVINO.

Javier uyo akaroorazve pashure pemakore matanhatu arambana nemudzimai wake wokutanga anoti, “Mudzimai wangu akamboita nguva achiona sokuti dzimwe shamwari dzangu dzaimuongorora.” Murume anonzi Leo akatarisana nemamiriro ezvinhu akasiyana. Anoti, “Vamwe vanhu vaiudza mudzimai wangu ndiripo nezvekuda uye kusuwa kwavaiita murume wake wokutanga!”

ZVAUNGAITA: Edza kuona zvinhu semaonero anoita shamwari dzako. Ian ambotaurwa nezvake anoti, “Ndinofunga kuti shamwari dzekare dzinorwadziwa nokushamwaridzana nemumwe chete anenge asara pamhuri yavaimboshamwaridzana nayo.” Saka iva ‘anonzwisisa, uchiratidza unyoro kuvanhu vose.’ (Tito 3:2) Ipa shamwari nemhuri yako nguva yokuti vajaire mamiriro ezvinhu matsva. Sezvo wanano yako yachinja, shamwari dzako dzinogona kuchinjawo. Javier ambotaurwa nezvake anoti nokufamba kwenguva, iye nemudzimai wake vakakwanisa kushamwaridzanazve neshamwari dzavo dzekare. Anowedzera kuti, “Asi tinoedzawo kuva nedzimwe shamwari tiri tose, uye izvozvo zvinotibatsira.”

Funga kuti mumwe wako anonzwa sei paunenge uine shamwari dzako dzekare. Somuenzaniso, kana mukatanga kutaura nezvewawakanga wakaroorana  naye, chenjerera matauriro aunoita kuitira kuti wawakaroorana naye asaona sokuti haasi kukosheswa. Chimwe chirevo cheBhaibheri chinoti, “Kana munhu akataura mashoko asina kufunga, mashoko acho anogona kurwadza sezvinoita bakatwa. Asi munhu akangwara anochenjerera zvaanotaura. Mashoko ake anogona kuporesa marwadzo acho.”—Zvirevo 12:18, Holy Bible—Easy-to-Read Version.

EDZA IZVI: Funga nezvemamiriro ezvinhu angazoita kuti iwe kana kuti mumwe wako asanzwa zvakanaka. Garai mataurirana kuti muchapindura sei mibvunzo ingazomutswa kana kuti zvimwe zvingazotaurwa neshamwari dzenyu nezvewanano yako yekutanga.

DAMBUDZIKO RECHITATU: UNOTADZA KUVIMBA NEWAWAKAROORANA NAYE NOKUTI WAWAKANGA WAKAROORANA NAYE AKANGA ASINA KUVIMBIKA.

“Ndaigara ndichitya kuti ndingazorasiswa zvekare,” anodaro Andrew, uyo akarambwa nemukadzi wake wokutanga. Akazoroora mudzimai waainaye iye zvino anonzi Riley. “Ndaigara ndichishushikana kuti ndaizokwanisa here kuva murume akanaka sezvainge zvakaita murume waRiley wokutanga. Ndainetsekawo kuti zvimwe achafunga kuti handisi murume akanaka obva andisiya.”

EDZA IZVI: Udza mumwe wako zvinokunetsa. “Pasina kurangana, zvirongwa hazvibudiriri,” rinodaro Bhaibheri. (Zvirevo 15:22) Kurangana kana kuti kutaurirana kwakabatsira Andrew naRiley kuti vavimbane. “Ndakaudza Riley kuti ndaisazombofa ndakafunga kuti kurambana ndiwo mushonga woku- pedza matambudziko edu uye Riley akandivimbisawo izvozvo,” anodaro Andrew. Anotiwo, “Ndakasvika pakunyatsovimba naye zvishoma nezvishoma.”

Kana wawakaroorana naye iye zvino akamborasiswa muwanano yake yokutanga, ita zvose zvaunogona kuti avimbe newe. Somuenzaniso, Michel naSabine, avo vakarambana nevavakanga vakaroorana navo pakutanga, vakawirirana kuti vaizoudzana kana mumwe wavo akawadzana newaainge akamboroorana naye. “Izvi zvakaita kuti tisava nechekutyira,” anodaro Sabine.—VaEfeso 4:25.

EDZA IZVI: Ziva pokugumira paunenge uchikurukura nemunhurume kana kuti munhukadzi, pangava parunhare kana kuti paIndaneti.

Wanano dzakawanda dzechipiri dzakabudirira uye ndizvowo zvinogona kuita yako. Pamusoro pazvo, iye zvino wava kunyatsoziva kuti uri munhu akaita sei kana zvichienzaniswa nepawakatanga kupinda muwanano. Andrew ambotaurwa nezvake anoti, “Iye zvino ndiri kufara zvisingatauriki muwanano yangu naRiley. Pashure pemakore 13 tiri muwanano, tava neukama hwepedyo zvikuru, hwatisingambodi kuti huparare.”

^ ndima 3 Mazita akachinjwa.

^ ndima 5 Zvechokwadi, rufu uye kurambana zvinogumisa wanano nenzira dzakatosiyana. Nyaya ino yakanyorerwa kubatsira munhu akafirwa kana kuti akarambana newaakanga akaroorana naye kuti abudirire muwanano yake yechipiri.

^ ndima 7 Kuti uwane mamwe mashoko nezvezvipingamupinyi pakuchengeta vana vokurera, ona nyaya dzinotevedzana dzinoti, “Mazano Anobatsira Mhuri Dzokurera” dziri muMukai! yaJuly-September 2012, yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

ZVIBVUNZE KUTI . . .

  • Ndehupi humwe unhu hwakanaka hune mumwe wangu hwakasiyana nehwewandakanga ndakaroorana naye hwandinonyanya kukoshesa?

  • Kana nyaya yewanano yangu yokutanga ikapinda mudariro, ndichaitei zvichaita kuti mumwe wangu anzwe achikosheswa?