Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

“Ndakazowana Rusununguko Chairwo.”

“Ndakazowana Rusununguko Chairwo.”
  • GORE ROKUBEREKWA: 1981
  • NYIKA: UNITED STATES
  • NHOROONDO YOUPENYU: MWANAKOMANA ANOPAMBADZA

MARARAMIRO ANDAIITA:

Ndakaberekerwa muMoundsville, taundi risina zhowezhowe riri pedyo nerwizi runonzi Ohio kuchamhembe kweWest Virginia, U.S.A. Mumhuri medu tiri vakomana vatatu nemusikana mumwe chete uye ini ndiri wechipiri pakuzvarwa, saka taigara tichinakidzwa uye kashoma patainzwa kufinhikana. Vabereki vangu vaiva vanhu vanoshanda nesimba, vakatendeseka uye vane rudo. Takanga tisina hedu mari yakawanda asi taigara tiine zvataida. Sezvo vabereki vangu vari Zvapupu zvaJehovha, vaiita zvose zvavaigona kuti vatidzidzise zvinotaurwa neBhaibheri patainge tichiri vaduku.

Zvisinei, pandakanga ndava kuyaruka, mwoyo wangu wakanga watotsauka pane zvandakadzidziswa. Ndaiona sokuti upenyu hwokutevedzera zvinotaurwa neBhaibheri hahunakidzi uye hahuna chinangwa. Ndaifunga kuti kurarama uchiita madiro ndiko kunoita kuti munhu afare zvechokwadi. Pasina nguva ndakarega kuenda kumisangano yechiKristu. Mukoma wangu nehanzvadzi yangu vakatevedzerawo kupanduka kwandakanga ndaita. Vabereki vedu vakaedza zvose zvavaigona kuti vatibatsire, asi zvakaramba.

Ndakanga ndisingazivi kuti rusununguko rwandaida rwaizoita kuti nditoguma ndava muranda. Rimwe zuva ndichibva kuchikoro, imwe shamwari yangu yakandipa mudzanga ndikabvuma. Kubva musi iwoyo, ndakanga ndava kungobvuma zvimwe zvinhu zvakawanda zvinokuvadza. Nokufamba kwenguva ndakanga ndava kushandisa madhiragi, kudhakwa uye kuita unzenza. Mumakore akazotevera, ndakanga ndava kutoshandisa madhiragi akasimba uye ndakanga ndisisagoni kurarama ndisingaashandisi. Sezvandakanga ndava muranda wemadhiragi, ndakatanga kuatengesa kuti ndiwane mari yokuzvitsigira pamararamiro andaiita.

Hana yangu yairova uye ndaiedza chaizvo kusaiteerera asi yaingoramba ichindiudza kuti mararamiro andaiita akanga asina kunaka. Ndaifunga kuti chakanga chatobaya chikatyokera saka zvakanga zvisingachaiti kuchinja mararamiro angu. Pasinei nokuti ndaienda kumapati uye kumabhendi kwaiva nevanhu vazhinji, kakawanda ndainzwa kusurukirwa uye kuora mwoyo. Dzimwe nguva ndaimbofunga nezvevabereki vangu  avo vaiva vanhu vakanaka, vakadzikama uye ndaizvibvunza kuti sei ndakanga ndatsauka zvakadaro.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI:

Kunyange zvazvo ndakanga ndisisina tariro yokuti ndichachinja, vamwe vakanga vachine tariro. Mugore ra2000, vabereki vangu vakandikoka kugungano reruwa reZvapupu zvaJehovha. Ndakangoendawo asi ndisingadi. Ndakashamisika kuona mukoma wangu nehanzvadzi yangu vakanga vatsaukawo varipowo pagungano.

Ndiri pagungano, ndakayeuka kuti gore rakanga rapfuura ndakanga ndambosvika panzvimbo yacho ndauya kubhendi remusambo werock. Musiyano wandakaona wakandibaya mwoyo chaizvo. Pandakauya kubhendi, nzvimbo yacho yaiva yakazara marara uye utsi hwefodya. Vazhinji vaiva pabhendi racho vakanga vasina ushamwari uye mashoko enziyo dzacho aiodza mwoyo. Asi pagungano paiva pakazara vanhu vaifara chaizvo uye vakanditambira nomufaro kunyange zvazvo ndakanga ndava nemakore ndisingaonani navo. Nzvimbo yacho yaiva yakachena uye paitaurwa nezvetariro yakanaka yeramangwana. Kuona kuti chokwadi cheBhaibheri chinobatsira zvakadaro kwakaita kuti ndinetseke kuti sei ndakanga ndachiramba.—Isaya 48:17, 18.

“Bhaibheri rakandipa simba rokuti ndirege kushandisa madhiragi nokuatengesa uye kuti ndive munhu kwaye”

Ndichingobva kugungano, ndakasarudza kudzoka muungano yechiKristu. Mukoma wangu nehanzvadzi yangu vakabayiwawo mwoyo nezvavakaona pagungano ndokusarudzawo kudzoka. Tose tiri vatatu takabvuma kudzidza Bhaibheri.

Ndima yeBhaibheri yakanyanya kundibaya mwoyo ndiJakobho 4:8 inoti: “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.” Ndakaona kuti ndaifanira kuchinja mararamiro angu kuti ndiswedere pedyo naMwari. Ndaifanira kurega fodya, kushandisa madhiragi, kudhakwa nezvimwewo.—2 VaKorinde 7:1.

Ndakasiyana neshamwari dzangu dzekare ndokutanga kuwirirana nevanamati vaJehovha. Mumwe mukuru wechiKristu aidzidza neni Bhaibheri akandibatsira chaizvo. Aigara achindifonera uye aiwanzouya kuzondiona. Nanhasi tichiri bhandi nebhurugwa.

Muna 2001 ndakaratidza kuti ndazvipira kuna Mwari nokubhabhatidzwa mumvura. Ndozvakaitawo mukoma wangu nehanzvadzi yangu. Fungidzira kufara kwakaita vabereki vangu nemunin’ina wangu asina kumbobvira atsauka, mhuri yedu payakazobatana pakunamata Jehovha.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA:

Ndaimbofunga kuti Bhaibheri rinodzvinyirira asi iye zvino ndava kuona kuti rinodzivirira chaizvo. Bhaibheri rakandipa simba rokuti ndirege kushandisa madhiragi nokuatengesa uye kuti ndive munhu kwaye.

Ndine ropafadzo yokuva mumwe wevanamati vaJehovha vari pasi pose. Vanhu ava vanodanana zvechokwadi uye vakabatana pakushumira Mwari. (Johani 13:34, 35) Pavanamati ava ndakawana chikomborero chakakura chomudzimai wandinoda uye wandinokoshesa chaizvo, Adrianne. Zvinotifadza chaizvo kushumira Musiki wedu pamwe chete.

Pane kurarama upenyu hwokungozvifadza, iye zvino ndiri kuzvipira kushanda semushumiri wenguva yakazara ndichidzidzisa vanhu kuti vabatsirwewo neShoko raMwari. Basa iri rinoita kuti ndifare chaizvo. Ndinogona kutaura nechivimbo chizere kuti Bhaibheri rakachinja upenyu hwangu. Ndakazowana rusununguko chairwo.