Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zita remuBhaibheri Pachirongo Chekare

Zita remuBhaibheri Pachirongo Chekare

Muna 2012, nyanzvi dzinoongorora matongo dzakachera dzikawana zvimedu zvidiki zvechirongo chine makore 3 000. Vatsvakurudzi vakafara chaizvo. Chii chakaita kuti vafare? Zvainge zvakanyorwa pazvimedu zvacho ndizvo zvakavafadza.

Nyanzvi dzinoongorora matongo padzakazokwanisa kubatanidza zvimedu zvacho, dzakakwanisa kuverenga mabhii echiKenani aiva pachirongo chacho. Chainge chakanyorwa kuti: “Eshba’al Ben Beda,” zvinoreva kuti “Eshbhaari mwanakomana waBhedha.” Aka ndekekutanga kuti nyanzvi dzinoongorora matongo dziwane zita iri rakanyorwa pachinhu chekare.

Zita rekuti Eshbhaari rinowanikwawo muBhaibheri. Mumwe wevanakomana vaMambo Sauro aiva nezita iroro. (1 Mak. 8:33; 9:39) Purofesa Yosef Garfinkel uyo aivapowo pakawanikwa chirongo chacho akati: “Zita rekuti Eshbhaari rinowanika muBhaibheri uye rava kuwanikwawo muzvinyorwa zvevanoongorora matongo. Zvese izvi zvinoratidza kuti zita iroro nderepanguva yaitonga Mambo Dhavhidhi.” Vamwe vanoti zita iroro raingoshandiswa panguva iyoyo chete. Uyu ndemumwe muenzaniso unoratidza kuti zvakawanika pakuongorora matongo zvinotsigira sei Bhaibheri.

Mune dzimwe ndima dzeBhaibheri, zita rekuti Eshbhaari rinonziwo Ishi-bhosheti. Chikamu chinoti “bhaari” chakatsiviwa nechinoti “bhosheti.” (2 Sam. 2:10) Nei zvakadaro? Vatsvakurudzi vanotsanangura kuti: “Mubhuku rechipiri raSamueri angangodaro akarega kushandisa zita rekuti Eshbhaari nekuti raiyeuchidza vaIsraeri nezvaBhaari, mwari wekunayisa mvura ainamatwa nevaKenani. Asi mubhuku rekutanga raMakoronike tinowana zita rekuti Eshbhaari.”