Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Ndiani “mukadzi” anotaurwa pana Isaya 60:1? ‘Anosimuka’ uye ‘anovheneka’ sei?

Isaya 60:1 inoti: “Simuka, haiwa iwe mukadzi, vheneka, nekuti chiedza chako chauya. Kubwinya kwaJehovha kuri kupenya pauri.” Mashoko ari mubhuku racho anoratidza kuti “mukadzi” aiva Ziyoni, kana kuti Jerusarema, guta guru reJudha repanguva iyoyo. a (Isa. 60:14; 62:​1, 2) Guta iri rinomiririra rudzi rwese rweIsraeri. Mashoko akataurwa naIsaya anoita kuti pave nemibvunzo miviri: Wekutanga, Jerusarema ‘rakasimuka’ uye rakavheneka chiedza chekufananidzira riini uye sei? Wechipiri, mashoko aIsaya ane kumwe kuzadzika kukuru here?

Jerusarema ‘rakasimuka’ uye rakavheneka chiedza chekufananidzira riini uye sei? Jerusarema netemberi yaro zvakaramba zviri matongo vaJudha pavaiva nhapwa muBhabhironi kwemakore 70. Asi Bhabhironi parakakundwa nevaMedhiya nevaPezhiya, vaIsraeri avo vaiva kwese kwese muumambo hweBhabhironi, vakanga vava nerusununguko rwekudzokera kumusha kwavo vonotangazve kunamata Jehovha ikoko. (Ezra 1:​1-4) Kutanga muna 537 B.C.E., vamwe vanhu vakatendeka vemumadzinza acho ese ari 12 vakadzokera. (Isa. 60:4) Vakatanga kupa zvibayiro kuna Jehovha, kuita mitambo, uye kuvakazve temberi. (Ezra 3:​1-4, 7-11; 6:​16-22) Kubwinya kwaJehovha kwakatangazve kupenya muJerusarema, kureva kuti kwakatanga kupenya pavanhu vake. Vanhu ava vakabva vava chiedza kune mamwe marudzi ayo aiva murima rezvekunamata.

Asi uprofita hwaIsaya hune chekuita nekudzorerwa hwakangozadzika zvishoma panguva iyoyo. VaIsraeri vakawanda havana kuramba vachiteerera Mwari. (Neh. 13:27; Mar. 1:​6-8; 2:​13, 14; Mat. 15:​7-9) Vakatozoramba Mesiya, Jesu Kristu. (Mat. 27:​1, 2) Muna 70 C.E., Jerusarema netemberi yaro zvakaparadzwa kechipiri.

Jehovha akanga ataura kuti izvi zvaizoitika. (Dhan. 9:​24-27) Zviri pachena kuti chakanga chisiri chinangwa chake kuti Jerusarema repanyika rizadzise zvese zvine chekuita neuprofita hwekudzorerwa kwezvinhu huri muna Isaya chitsauko 60.

Mashoko aIsaya ane kumwe kuzadzika kukuru here? Hongu, asi izvi zviri kuitika kune mumwe mukadzi wekufananidzira anova iye “Jerusarema riri kumusoro.” Muapostora Pauro akanyora nezvaro achiti: “Ndiro amai vedu.” (VaG. 4:26) Jerusarema riri kumusoro chikamu chekudenga chesangano raMwari, chinoumbwa nezvisikwa zvemweya zvakavimbika. Vana varo vanosanganisira Jesu nevaKristu vakazodzwa 144 000 avo vane tariro yekudenga seyaiva naPauro. VaKristu vakazodzwa vanoumba “rudzi rutsvene” kureva “Israeri waMwari.”—1 Pet. 2:9; VaG. 6:16.

Jerusarema riri kumusoro ‘rakasimuka’ uye ‘rakavheneka’ sei? Rakaita izvi kuburikidza nevana varo vakazodzwa vepanyika. Enzanisa zvakaitwa nevana ava nezvakaprofitwa muna Isaya chitsauko 60.

VaKristu vakazodzwa vaifanira ‘kusimuka’ nekuti vakapinda murima rezvekunamata kutsauka pakutenda pakwakaparira pashure pekufa kwevaapostora. (Mat. 13:​37-43) Saka vaKristu vakazodzwa vakava nhapwa muBhabhironi Guru, mubatanidzwa wezvitendero zvese zvenhema. Vakazodzwa vakaramba vari nhapwa kusvikira “pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva” ino, uko kwakatanga muna 1914. (Mat. 13:​39, 40) Izvi zvichangobva kuitika, muna 1919, vakasunungurwa uye vakabva vangotanga kuita kuti chiedza chekunamata chijeke nekushanda nesimba mubasa rekuparidza. b Kwemakore ese aya, vanhu vemarudzi ese vari kuuya kuchiedza ichocho kusanganisira vashoma vasara vaIsraeri waMwari, kureva “madzimambo” anotaurwa nezvawo pana Isaya 60:3.—Zvak. 5:​9, 10.

Mune ramangwana, vaKristu vakazodzwa vachaita kuti chiedza chinobva kuna Jehovha chipararire nenzira yakakura chaizvo. Vachazviita sei? Pavanopedza upenyu hwavo hwepanyika, vanova chikamu ‘cheJerusarema Idzva’ kana kuti mwenga waKristu we144 000 unoumbwa nemadzimambo nevapristi.—Zvak. 14:1; 21:​1, 2, 24; 22:​3-5.

Jerusarema Idzva rine zvinhu zvinokosha zvarichaita pakuzadzisa Isaya 60:1. (Enzanisa naIsaya 60:​1, 3, 5, 11, 19, 20 naZvakazarurwa 21:​2, 9-11, 22-26.) Sezvo Jerusarema repanyika raiva muzinda wehurumende yeIsraeri, Jerusarema idzva naKristu vachava hurumende yenyika itsva. Jerusarema Idzva ‘richaburuka kubva kudenga kuna Mwari’ sei? Nekuita zvinhu zvichachinja nyika. Vanhu vanotya Mwari vanobva mumarudzi ese ‘vachafamba vachivhenekerwa nechiedza charo.’ Vachatosunungurwawo pachivi nerufu. (Zvak. 21:​3, 4, 24) Uku kuchava ‘kunyatsodzorerwa kwezvinhu zvese’ sezvakataurwa naIsaya nevamwe vaprofita. (Mab. 3:21) Kudzorerwa uku kukuru kwakatanga Kristu paakava mambo, uye kuchaguma pachapera Makore 1 000 Ekutonga kwake.

a Pana Isaya 60:​1, Shanduro yeNyika Itsva inoshandisa shoko rekuti “mukadzi” pane rekuti “Ziyoni,” kana kuti “Jerusarema,” nekuti muchiHebheru mashoko echiito ekuti “simuka” uye “vheneka” anoshandiswa panenge pachitaurwa nezvemukadzi. Shoko rekuti “mukadzi” rinobatsira muverengi wechiShona kunzwisisa kuti mukadzi ari kutaurwa apa ndewekufananidzira.

b Kudzorerwa kwekunamata kwakachena uko kwakaitika muna 1919 kunotsanangurwawo pana Ezekieri 37:​1-14 uye Zvakazarurwa 11:​7-12. Ezekieri akaprofita nezvekudzorerwa kwekunamata kwevaKristu vese vakazodzwa pashure penguva yakareba vari muutapwa. Uprofita huri muna Zvakazarurwa hunotaura nezvekumutswa kwekufananidzira kweboka diki rehama dzakazodzwa idzo dzaitungamirira pashure penguva pfupi dzamiswa kuita basa nekuti dzakanga dzaiswa mujeri dzisina mhosva. Muna 1919, dzakagadzwa kuti dzive “muranda akatendeka, akangwara.”—Mat. 24:45; ona bhuku rinonzi Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena!, peji 118.