Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUVENGANA KUNGAPEDZWA SEI?

1 | Usasarura

1 | Usasarura

Zvinodzidziswa neBhaibheri:

“Mwari haasaruri, asi anogamuchira vanhu [vese] vanobva mumarudzi ese vanomutya uye vanoita zvakarurama.”MABASA 10:34, 35.

Zvazvinoreva:

Jehovha * Mwari haanei nekuti tiri verudzi rupi, ruvara rwedu rweganda rwakaita sei, kana kuti tinobvepi. Asi anotarisa zvatinofunga uye zviri mumwoyo medu. Bhaibheri rinotiwo “munhu anoona zvinooneka nemaziso, asi Jehovha anoona zviri mumwoyo.”—1 Samueri 16:7.

Zvaungaita:

Kunyange zvazvo tisingakwanisi kuona zviri mumwoyo mevanhu, tinogona kutevedzera Mwari torega kuva nerusarura. Edza kuona munhu mumwe nemumwe sezvaari. Kana ukaona kuti une vanhu vausingafariri, nyengetera kuna Mwari uchimukumbira kuti akubatsire kubvisa mafungiro akadaro. (Pisarema 139:23, 24) Kana ukakumbira Jehovha nemwoyo wese kuti akubatsire kuti usava nerusarura, achanzwa munyengetero wako uye achakubatsira.—1 Petro 3:12.

^ ndima 6 Jehovha ndiro zita raMwari.—Pisarema 83:18.

“Zvaiita kunge kurota chaiko, kugara pedyo nemurungu . . . Iye zvino ndakanga ndava mumhuri yevashumiri vaMwari vanowanika pasi rese vanoratidzana rudo rwechokwadi.”—TITUS