Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 1

Kuzvidzora

Kuzvidzora

KUZVIDZORA KUITA SEI?

Kuzvidzora kunosanganisira

  • kumbomira kugutsa zvido zvako

  • kurega kuita chese chese changodiwa nemwoyo

  • kupedza mabasa kunyange ausinganakidzwi nawo

  • kuita zvinodiwawo nevamwe

NEI KUZVIDZORA KUCHIKOSHA?

Kana vana vachizvidzora zviri nyore kuti vakunde miedzo wekuita chimwe chinhu, kunyange kana chichiita sechinonakidza. Vana vasingazvidzori kakawanda kacho

  • vanova vanhu vane hasha

  • vanoita chirwere chedepression

  • vanoputa, vanodhakwa kana kuti vanoshandisa madhiragi

  • vanodya zvinhu zvisina utano

Imwe ongororo yakaratidza kuti vana vanozvidzora kakawanda kacho pavanokura havanyanyi kurwara-rwara, kunetseka kana vasina mari, kana kupara mhosva. Ongororo yakaitwa naPurofesa Angela Duckworth wepaUniversity of Pennsylvania yakati: “Kuzvidzora kwakanaka nguva dzese.”

MADZIDZISIRO AMUNGAITA MWANA WENYU

Musachinja-chinja zvamataura.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Shoko renyu rekuti ‘Hongu’ ngaringova hongu, ‘Kwete’ wenyu, kwete.”​—Mateu 5:37.

Vana vanogona kuridza mhere kunyange pazere vanhu, vachida kuti mubereki avaitire zvavanoda. Mubereki akangoita zviri kuda mwana, mwana wacho anenge ava kutoziva kuti kana aine chaari kuda akangochema chete, anopiwa.

Asi kana mubereki akaomerera pane zvaanenge ataura, mwana achakura achiziva kuti muupenyu hauwani chese chese chaunenge uchida. Dr. David Walsh vakati: “Vanhu vanozvidzora ndivo vanofara muupenyu. Hazvina kunaka kuita kuti vana vakure vachifunga kuti chero chavada vachachiwana.” *

Kurambira mwana wenyu zvimwe zvinhu kuchamubatsira paanokura. Kana akafurirwa kushandisa madhiragi, kuita unzenza kana kuita zvimwe zvinhu zvakaipa, acharamba.

Batsirai vana venyu kuziva zvichaitika kana vakateerera uye kana vakasateerera.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Zvinodyarwa nemunhu, ndizvo zvaachakohwa.”​—VaGaratiya 6:7.

Mwana wenyu anofanira kuziva kuti chese chaanoita chine magumo acho uye kuti kana akasazvidzora, zvinomuipira. Kana ari munhu anongokurumidza kutsamwa, vamwe havazofariri kutamba naye. Asi kana ari munhu anozvidzora kana akanganisirwa, kana kuti asingadimbudziri vamwe vachitaura, zvichaita kuti vamwe vamufarire. Mubatsirei kuona kuti achawedzera kufara muupenyu kana akava munhu anozvidzora.

Dzidzisai mwana wenyu kuziva kuti chinokosha ndechipi.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: ‘Iva nechokwadi chekuti ndezvipi zvinokosha kupfuura zvimwe.’​—VaFiripi 1:10.

Kuzvidzora hakungogumiri pakurega kuita zvinhu zvakaipa; asi kunosanganisirawo kuita zvinhu zvinofanira kuitwa kunyange zvinhu zvacho tisiri kuzvifarira. Zvakakosha kuti mwana wenyu azive zvinhu zvinonyanya kukosha obva azviita. Semuenzaniso, anofanira kuita homuweki asati aenda kunotamba.

Imiwo itai zvamunomudzidzisa.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Ndakuitirai muenzaniso, kuti, sezvandakuitirai, muitewo saizvozvo.”​—Johani 13:15.

Mwana wenyu anotarisa zvamunoita kana zvinhu zvisiri kukufambirai zvakanaka. Ratidzai nemaitiro enyu kuti kuzvidzora kwakanakirei. Semuenzaniso, kana mwana wenyu akaita zvinhu zvinokugumburai, munokurumidza kugumbuka here kana kuti munoramba makadzikama?

^ ndima 20 Kubva mubhuku rinonzi No: Why Kids​—of All Ages—​Need to Hear It and Ways Parents Can Say It.